1 Samuel 18 (BOSCB)

1 Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. 2 Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. 3 Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. 4 Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake. 5 Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo. 6 Varume vakati vodzoka kumba, mushure mokunge Dhavhidhi auraya muFiristia, vakadzi vakabuda kundochingamidza Mambo Sauro vachibva kumaguta ose eIsraeri vachiimba, vachitamba nziyo dzomufaro, namatambureni nenyere. 7 Pavaitamba, vaiimba vachiti:“Sauro akauraya zviuru zvamazana ake,naDhavhidhi makumi ezviuru zvamazama ake.” 8 Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?” 9 Kubva panguva iyoyo Sauro akatarira Dhavhidhi neziso rine godo. 10 Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake, 11 uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose. 12 Sauro akanga achitya Dhavhidhi, nokuti Jehovha akanga anaye asi akanga abva kuna Sauro. 13 Saka akamuendesa kure naye uye akamuita kuti ave mukuru wechiuru chavarwi, uye Dhavhidhi akatungamirira varwi muhondo dzavo. 14 Pazvinhu zvose zvaaiita aibudirira zvikuru kwazvo, nokuti Jehovha akanga anaye. 15 Sauro akati achiona kuti Dhavhidhi aibudirira sei, akamutya. 16 Asi vaIsraeri navaJudha vose vaida Dhavhidhi, nokuti akavatungamirira muhondo dzavo. 17 Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!” 18 Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?” 19 Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati. 20 Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara. 21 Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.” 22 Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’ ” 23 Vakadzokorora mashoko iwaya kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi akati, “Munofunga kuti chinhu chiduku here kuva mukuwasha wamambo? Ndinongori munhu murombo zvake uye asingazivikanwi.” 24 Varanda vaSauro vakati vamuudza zvakanga zvataurwa naDhavhidhi, 25 Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’ ” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia. 26 Varanda vakati vataurira Dhavhidhi zvinhu izvi, akafara kuti ave mukuwasha wamambo. Saka nguva yakatarwa isati yapera, 27 Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake. 28 Sauro akati aona kuti Jehovha akanga ana Dhavhidhi uye kuti Mikari mwanasikana wake akanga achida Dhavhidhi, 29 Sauro akatonyanya kumutya, uye akaramba ari muvengi wake pamazuva ake ose. 30 Vakuru vehondo yavaFiristia vakaramba vachienda kundorwa, uye nguva dzose dzavaienda, Dhavhidhi aibudirira kupfuura varanda vose vaSauro, uye zita rake rakazonyanya kuzivikanwa.

In Other Versions

1 Samuel 18 in the ANGEFD

1 Samuel 18 in the ANTPNG2D

1 Samuel 18 in the AS21

1 Samuel 18 in the BAGH

1 Samuel 18 in the BBPNG

1 Samuel 18 in the BBT1E

1 Samuel 18 in the BDS

1 Samuel 18 in the BEV

1 Samuel 18 in the BHAD

1 Samuel 18 in the BIB

1 Samuel 18 in the BLPT

1 Samuel 18 in the BNT

1 Samuel 18 in the BNTABOOT

1 Samuel 18 in the BNTLV

1 Samuel 18 in the BOATCB

1 Samuel 18 in the BOATCB2

1 Samuel 18 in the BOBCV

1 Samuel 18 in the BOCNT

1 Samuel 18 in the BOECS

1 Samuel 18 in the BOGWICC

1 Samuel 18 in the BOHCB

1 Samuel 18 in the BOHCV

1 Samuel 18 in the BOHLNT

1 Samuel 18 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 18 in the BOICB

1 Samuel 18 in the BOILNTAP

1 Samuel 18 in the BOITCV

1 Samuel 18 in the BOKCV

1 Samuel 18 in the BOKCV2

1 Samuel 18 in the BOKHWOG

1 Samuel 18 in the BOKSSV

1 Samuel 18 in the BOLCB

1 Samuel 18 in the BOLCB2

1 Samuel 18 in the BOMCV

1 Samuel 18 in the BONAV

1 Samuel 18 in the BONCB

1 Samuel 18 in the BONLT

1 Samuel 18 in the BONUT2

1 Samuel 18 in the BOPLNT

1 Samuel 18 in the BOSNC

1 Samuel 18 in the BOTLNT

1 Samuel 18 in the BOVCB

1 Samuel 18 in the BOYCB

1 Samuel 18 in the BPBB

1 Samuel 18 in the BPH

1 Samuel 18 in the BSB

1 Samuel 18 in the CCB

1 Samuel 18 in the CUV

1 Samuel 18 in the CUVS

1 Samuel 18 in the DBT

1 Samuel 18 in the DGDNT

1 Samuel 18 in the DHNT

1 Samuel 18 in the DNT

1 Samuel 18 in the ELBE

1 Samuel 18 in the EMTV

1 Samuel 18 in the ESV

1 Samuel 18 in the FBV

1 Samuel 18 in the FEB

1 Samuel 18 in the GGMNT

1 Samuel 18 in the GNT

1 Samuel 18 in the HARY

1 Samuel 18 in the HNT

1 Samuel 18 in the IRVA

1 Samuel 18 in the IRVB

1 Samuel 18 in the IRVG

1 Samuel 18 in the IRVH

1 Samuel 18 in the IRVK

1 Samuel 18 in the IRVM

1 Samuel 18 in the IRVM2

1 Samuel 18 in the IRVO

1 Samuel 18 in the IRVP

1 Samuel 18 in the IRVT

1 Samuel 18 in the IRVT2

1 Samuel 18 in the IRVU

1 Samuel 18 in the ISVN

1 Samuel 18 in the JSNT

1 Samuel 18 in the KAPI

1 Samuel 18 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 18 in the KBV

1 Samuel 18 in the KJV

1 Samuel 18 in the KNFD

1 Samuel 18 in the LBA

1 Samuel 18 in the LBLA

1 Samuel 18 in the LNT

1 Samuel 18 in the LSV

1 Samuel 18 in the MAAL

1 Samuel 18 in the MBV

1 Samuel 18 in the MBV2

1 Samuel 18 in the MHNT

1 Samuel 18 in the MKNFD

1 Samuel 18 in the MNG

1 Samuel 18 in the MNT

1 Samuel 18 in the MNT2

1 Samuel 18 in the MRS1T

1 Samuel 18 in the NAA

1 Samuel 18 in the NASB

1 Samuel 18 in the NBLA

1 Samuel 18 in the NBS

1 Samuel 18 in the NBVTP

1 Samuel 18 in the NET2

1 Samuel 18 in the NIV11

1 Samuel 18 in the NNT

1 Samuel 18 in the NNT2

1 Samuel 18 in the NNT3

1 Samuel 18 in the PDDPT

1 Samuel 18 in the PFNT

1 Samuel 18 in the RMNT

1 Samuel 18 in the SBIAS

1 Samuel 18 in the SBIBS

1 Samuel 18 in the SBIBS2

1 Samuel 18 in the SBICS

1 Samuel 18 in the SBIDS

1 Samuel 18 in the SBIGS

1 Samuel 18 in the SBIHS

1 Samuel 18 in the SBIIS

1 Samuel 18 in the SBIIS2

1 Samuel 18 in the SBIIS3

1 Samuel 18 in the SBIKS

1 Samuel 18 in the SBIKS2

1 Samuel 18 in the SBIMS

1 Samuel 18 in the SBIOS

1 Samuel 18 in the SBIPS

1 Samuel 18 in the SBISS

1 Samuel 18 in the SBITS

1 Samuel 18 in the SBITS2

1 Samuel 18 in the SBITS3

1 Samuel 18 in the SBITS4

1 Samuel 18 in the SBIUS

1 Samuel 18 in the SBIVS

1 Samuel 18 in the SBT

1 Samuel 18 in the SBT1E

1 Samuel 18 in the SCHL

1 Samuel 18 in the SNT

1 Samuel 18 in the SUSU

1 Samuel 18 in the SUSU2

1 Samuel 18 in the SYNO

1 Samuel 18 in the TBIAOTANT

1 Samuel 18 in the TBT1E

1 Samuel 18 in the TBT1E2

1 Samuel 18 in the TFTIP

1 Samuel 18 in the TFTU

1 Samuel 18 in the TGNTATF3T

1 Samuel 18 in the THAI

1 Samuel 18 in the TNFD

1 Samuel 18 in the TNT

1 Samuel 18 in the TNTIK

1 Samuel 18 in the TNTIL

1 Samuel 18 in the TNTIN

1 Samuel 18 in the TNTIP

1 Samuel 18 in the TNTIZ

1 Samuel 18 in the TOMA

1 Samuel 18 in the TTENT

1 Samuel 18 in the UBG

1 Samuel 18 in the UGV

1 Samuel 18 in the UGV2

1 Samuel 18 in the UGV3

1 Samuel 18 in the VBL

1 Samuel 18 in the VDCC

1 Samuel 18 in the YALU

1 Samuel 18 in the YAPE

1 Samuel 18 in the YBVTP

1 Samuel 18 in the ZBP