1 Samuel 26 (BOSCB)

1 VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?” 2 Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko. 3 Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo, 4 akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo. 5 Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza. 6 Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?”Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.” 7 Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza. 8 Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.” 9 Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva? 10 Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa. 11 Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.” 12 Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru. 13 Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo. 14 Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?”Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?” 15 Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo. 16 Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?” 17 Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?”Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.” 18 Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko? 19 Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’ 20 Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.” 21 Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.” 22 Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora. 23 Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha. 24 Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.” 25 Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.”Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.

In Other Versions

1 Samuel 26 in the ANGEFD

1 Samuel 26 in the ANTPNG2D

1 Samuel 26 in the AS21

1 Samuel 26 in the BAGH

1 Samuel 26 in the BBPNG

1 Samuel 26 in the BBT1E

1 Samuel 26 in the BDS

1 Samuel 26 in the BEV

1 Samuel 26 in the BHAD

1 Samuel 26 in the BIB

1 Samuel 26 in the BLPT

1 Samuel 26 in the BNT

1 Samuel 26 in the BNTABOOT

1 Samuel 26 in the BNTLV

1 Samuel 26 in the BOATCB

1 Samuel 26 in the BOATCB2

1 Samuel 26 in the BOBCV

1 Samuel 26 in the BOCNT

1 Samuel 26 in the BOECS

1 Samuel 26 in the BOGWICC

1 Samuel 26 in the BOHCB

1 Samuel 26 in the BOHCV

1 Samuel 26 in the BOHLNT

1 Samuel 26 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 26 in the BOICB

1 Samuel 26 in the BOILNTAP

1 Samuel 26 in the BOITCV

1 Samuel 26 in the BOKCV

1 Samuel 26 in the BOKCV2

1 Samuel 26 in the BOKHWOG

1 Samuel 26 in the BOKSSV

1 Samuel 26 in the BOLCB

1 Samuel 26 in the BOLCB2

1 Samuel 26 in the BOMCV

1 Samuel 26 in the BONAV

1 Samuel 26 in the BONCB

1 Samuel 26 in the BONLT

1 Samuel 26 in the BONUT2

1 Samuel 26 in the BOPLNT

1 Samuel 26 in the BOSNC

1 Samuel 26 in the BOTLNT

1 Samuel 26 in the BOVCB

1 Samuel 26 in the BOYCB

1 Samuel 26 in the BPBB

1 Samuel 26 in the BPH

1 Samuel 26 in the BSB

1 Samuel 26 in the CCB

1 Samuel 26 in the CUV

1 Samuel 26 in the CUVS

1 Samuel 26 in the DBT

1 Samuel 26 in the DGDNT

1 Samuel 26 in the DHNT

1 Samuel 26 in the DNT

1 Samuel 26 in the ELBE

1 Samuel 26 in the EMTV

1 Samuel 26 in the ESV

1 Samuel 26 in the FBV

1 Samuel 26 in the FEB

1 Samuel 26 in the GGMNT

1 Samuel 26 in the GNT

1 Samuel 26 in the HARY

1 Samuel 26 in the HNT

1 Samuel 26 in the IRVA

1 Samuel 26 in the IRVB

1 Samuel 26 in the IRVG

1 Samuel 26 in the IRVH

1 Samuel 26 in the IRVK

1 Samuel 26 in the IRVM

1 Samuel 26 in the IRVM2

1 Samuel 26 in the IRVO

1 Samuel 26 in the IRVP

1 Samuel 26 in the IRVT

1 Samuel 26 in the IRVT2

1 Samuel 26 in the IRVU

1 Samuel 26 in the ISVN

1 Samuel 26 in the JSNT

1 Samuel 26 in the KAPI

1 Samuel 26 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 26 in the KBV

1 Samuel 26 in the KJV

1 Samuel 26 in the KNFD

1 Samuel 26 in the LBA

1 Samuel 26 in the LBLA

1 Samuel 26 in the LNT

1 Samuel 26 in the LSV

1 Samuel 26 in the MAAL

1 Samuel 26 in the MBV

1 Samuel 26 in the MBV2

1 Samuel 26 in the MHNT

1 Samuel 26 in the MKNFD

1 Samuel 26 in the MNG

1 Samuel 26 in the MNT

1 Samuel 26 in the MNT2

1 Samuel 26 in the MRS1T

1 Samuel 26 in the NAA

1 Samuel 26 in the NASB

1 Samuel 26 in the NBLA

1 Samuel 26 in the NBS

1 Samuel 26 in the NBVTP

1 Samuel 26 in the NET2

1 Samuel 26 in the NIV11

1 Samuel 26 in the NNT

1 Samuel 26 in the NNT2

1 Samuel 26 in the NNT3

1 Samuel 26 in the PDDPT

1 Samuel 26 in the PFNT

1 Samuel 26 in the RMNT

1 Samuel 26 in the SBIAS

1 Samuel 26 in the SBIBS

1 Samuel 26 in the SBIBS2

1 Samuel 26 in the SBICS

1 Samuel 26 in the SBIDS

1 Samuel 26 in the SBIGS

1 Samuel 26 in the SBIHS

1 Samuel 26 in the SBIIS

1 Samuel 26 in the SBIIS2

1 Samuel 26 in the SBIIS3

1 Samuel 26 in the SBIKS

1 Samuel 26 in the SBIKS2

1 Samuel 26 in the SBIMS

1 Samuel 26 in the SBIOS

1 Samuel 26 in the SBIPS

1 Samuel 26 in the SBISS

1 Samuel 26 in the SBITS

1 Samuel 26 in the SBITS2

1 Samuel 26 in the SBITS3

1 Samuel 26 in the SBITS4

1 Samuel 26 in the SBIUS

1 Samuel 26 in the SBIVS

1 Samuel 26 in the SBT

1 Samuel 26 in the SBT1E

1 Samuel 26 in the SCHL

1 Samuel 26 in the SNT

1 Samuel 26 in the SUSU

1 Samuel 26 in the SUSU2

1 Samuel 26 in the SYNO

1 Samuel 26 in the TBIAOTANT

1 Samuel 26 in the TBT1E

1 Samuel 26 in the TBT1E2

1 Samuel 26 in the TFTIP

1 Samuel 26 in the TFTU

1 Samuel 26 in the TGNTATF3T

1 Samuel 26 in the THAI

1 Samuel 26 in the TNFD

1 Samuel 26 in the TNT

1 Samuel 26 in the TNTIK

1 Samuel 26 in the TNTIL

1 Samuel 26 in the TNTIN

1 Samuel 26 in the TNTIP

1 Samuel 26 in the TNTIZ

1 Samuel 26 in the TOMA

1 Samuel 26 in the TTENT

1 Samuel 26 in the UBG

1 Samuel 26 in the UGV

1 Samuel 26 in the UGV2

1 Samuel 26 in the UGV3

1 Samuel 26 in the VBL

1 Samuel 26 in the VDCC

1 Samuel 26 in the YALU

1 Samuel 26 in the YAPE

1 Samuel 26 in the YBVTP

1 Samuel 26 in the ZBP