1 Samuel 28 (BOSCB)

1 Mumazuva iwayo vaFiristia vakaunganidza varwi vavo kuti vazorwa navaIsraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Unofanira kunzwisisa kuti iwe navanhu vako muchaenda neni kuhondo.” 2 Dhavhidhi akati, “Ipapo muchazvionera pachenyu zvinogona kuitwa nomuranda wenyu.”Akishi akapindura akati, “Zvakanaka chaizvo, ndichakuita muchengeti wangu kwoupenyu hwose.” 3 Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muguta rake reRama. Sauro akanga adzinga panyika masvikiro navavuki. 4 VaFiristia vakaungana vakauya vakadzika musasa paShunemi, uye Sauro akaunganidza vaIsraeri vose akadzika musasa paGiribhoa. 5 Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. 6 Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita. 7 Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.”Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.” 8 Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.” 9 Asi mukadzi akati kwaari, “Zvirokwazvo unoziva iwe zvakaitwa naSauro. Akauraya masvikiro navavuki kubva panyika. Ko, waisirei musungo muupenyu hwangu kuti undiurayise?” 10 Sauro akamupikira naJehovha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, haungazorangwi pamusoro paizvozvi.” 11 Ipapo mukadzi akabvunza akati, “Ndianiko wandichakumutsira?”Iye akati, “Ndimutsire Samueri.” 12 Mukadzi akati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru akati kuna Sauro, “Seiko mandinyengera? Ndimi Sauro!” 13 Mambo akati kwaari, “Usatya. Uri kuoneiko?”Mukadzi akati, “Ndinoona mweya uchikwira uchibuda pasi.” 14 Iye akati, “Akaita seiko?”Akati, “Murume mutana akafuka nguo ari kuuya.”Ipapo Sauro akaziva kuti akanga ari Samueri, akakotamira pasi nechiso chake. 15 Samueri akati kuna Sauro, “Seiko wanditambudza nokundimutsa?”Sauro akati, “Ndiri kutambudzika zvikuru. VaFiristia vari kurwa neni, uye Mwari abva kwandiri. Haachandipinduri, navaprofita kana nokurota. Saka ndakudanai imi kuti muzondiudza zvokuita.” 16 Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, sezvo zvino Jehovha akabva kwauri akava muvengi wako? 17 Jehovha akaita zvaakataura kare kubudikidza neni. Jehovha akabvarura umambo akahubvisa mumaoko ako akahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna Dhavhidhi. 18 Nokuti hauna kuteerera Jehovha, kana kuratidza hasha dzake dzinotyisa pamusoro peAmareki, Jehovha azviita izvi nhasi kwauri. 19 Jehovha achaisa vaIsraeri pamwe chete newe kuvaFiristia, uye mangwana iwe navanakomana vako muchava neni. Jehovha achaisazve hondo yavaIsraeri kuvaFiristia.” 20 Pakarepo Sauro akawira pasi akazvambarara, azara nokutya nokuda kwamashoko aSamueri. Simba rake rakapera, nokuti akanga asina chaakanga adya zuva rose nousiku hwose. 21 Mukadzi paakaenda pana Sauro akaona kuti akanga avhundutswa kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu akakuteererai. Ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikaita zvamakandiudza kuti ndiite. 22 Zvino, ndapota teererai muranda wenyu, regai ndikupei zvokudya kuti mudye mugowana simba rokufamba parwendo rwenyu.” 23 Iye akaramba akati, “Handidi kudya.”Asi vanhu vake vakabatsirana nomukadzi pakumugombedzera, uye akavanzwa. Akasimuka akagara panhoo. 24 Mukadzi akanga ane mhuru yakakodzwa pamba pake, uye akaiuraya pakarepo. Akatora upfu hwegorosi akahukanya akabika chingwa chisina mbiriso. 25 Ipapo akazviisa pamberi paSauro navanhu vake, ivo vakadya. Usiku ihwohwo vakasimuka vakaenda.

In Other Versions

1 Samuel 28 in the ANGEFD

1 Samuel 28 in the ANTPNG2D

1 Samuel 28 in the AS21

1 Samuel 28 in the BAGH

1 Samuel 28 in the BBPNG

1 Samuel 28 in the BBT1E

1 Samuel 28 in the BDS

1 Samuel 28 in the BEV

1 Samuel 28 in the BHAD

1 Samuel 28 in the BIB

1 Samuel 28 in the BLPT

1 Samuel 28 in the BNT

1 Samuel 28 in the BNTABOOT

1 Samuel 28 in the BNTLV

1 Samuel 28 in the BOATCB

1 Samuel 28 in the BOATCB2

1 Samuel 28 in the BOBCV

1 Samuel 28 in the BOCNT

1 Samuel 28 in the BOECS

1 Samuel 28 in the BOGWICC

1 Samuel 28 in the BOHCB

1 Samuel 28 in the BOHCV

1 Samuel 28 in the BOHLNT

1 Samuel 28 in the BOHNTLTAL

1 Samuel 28 in the BOICB

1 Samuel 28 in the BOILNTAP

1 Samuel 28 in the BOITCV

1 Samuel 28 in the BOKCV

1 Samuel 28 in the BOKCV2

1 Samuel 28 in the BOKHWOG

1 Samuel 28 in the BOKSSV

1 Samuel 28 in the BOLCB

1 Samuel 28 in the BOLCB2

1 Samuel 28 in the BOMCV

1 Samuel 28 in the BONAV

1 Samuel 28 in the BONCB

1 Samuel 28 in the BONLT

1 Samuel 28 in the BONUT2

1 Samuel 28 in the BOPLNT

1 Samuel 28 in the BOSNC

1 Samuel 28 in the BOTLNT

1 Samuel 28 in the BOVCB

1 Samuel 28 in the BOYCB

1 Samuel 28 in the BPBB

1 Samuel 28 in the BPH

1 Samuel 28 in the BSB

1 Samuel 28 in the CCB

1 Samuel 28 in the CUV

1 Samuel 28 in the CUVS

1 Samuel 28 in the DBT

1 Samuel 28 in the DGDNT

1 Samuel 28 in the DHNT

1 Samuel 28 in the DNT

1 Samuel 28 in the ELBE

1 Samuel 28 in the EMTV

1 Samuel 28 in the ESV

1 Samuel 28 in the FBV

1 Samuel 28 in the FEB

1 Samuel 28 in the GGMNT

1 Samuel 28 in the GNT

1 Samuel 28 in the HARY

1 Samuel 28 in the HNT

1 Samuel 28 in the IRVA

1 Samuel 28 in the IRVB

1 Samuel 28 in the IRVG

1 Samuel 28 in the IRVH

1 Samuel 28 in the IRVK

1 Samuel 28 in the IRVM

1 Samuel 28 in the IRVM2

1 Samuel 28 in the IRVO

1 Samuel 28 in the IRVP

1 Samuel 28 in the IRVT

1 Samuel 28 in the IRVT2

1 Samuel 28 in the IRVU

1 Samuel 28 in the ISVN

1 Samuel 28 in the JSNT

1 Samuel 28 in the KAPI

1 Samuel 28 in the KBT1ETNIK

1 Samuel 28 in the KBV

1 Samuel 28 in the KJV

1 Samuel 28 in the KNFD

1 Samuel 28 in the LBA

1 Samuel 28 in the LBLA

1 Samuel 28 in the LNT

1 Samuel 28 in the LSV

1 Samuel 28 in the MAAL

1 Samuel 28 in the MBV

1 Samuel 28 in the MBV2

1 Samuel 28 in the MHNT

1 Samuel 28 in the MKNFD

1 Samuel 28 in the MNG

1 Samuel 28 in the MNT

1 Samuel 28 in the MNT2

1 Samuel 28 in the MRS1T

1 Samuel 28 in the NAA

1 Samuel 28 in the NASB

1 Samuel 28 in the NBLA

1 Samuel 28 in the NBS

1 Samuel 28 in the NBVTP

1 Samuel 28 in the NET2

1 Samuel 28 in the NIV11

1 Samuel 28 in the NNT

1 Samuel 28 in the NNT2

1 Samuel 28 in the NNT3

1 Samuel 28 in the PDDPT

1 Samuel 28 in the PFNT

1 Samuel 28 in the RMNT

1 Samuel 28 in the SBIAS

1 Samuel 28 in the SBIBS

1 Samuel 28 in the SBIBS2

1 Samuel 28 in the SBICS

1 Samuel 28 in the SBIDS

1 Samuel 28 in the SBIGS

1 Samuel 28 in the SBIHS

1 Samuel 28 in the SBIIS

1 Samuel 28 in the SBIIS2

1 Samuel 28 in the SBIIS3

1 Samuel 28 in the SBIKS

1 Samuel 28 in the SBIKS2

1 Samuel 28 in the SBIMS

1 Samuel 28 in the SBIOS

1 Samuel 28 in the SBIPS

1 Samuel 28 in the SBISS

1 Samuel 28 in the SBITS

1 Samuel 28 in the SBITS2

1 Samuel 28 in the SBITS3

1 Samuel 28 in the SBITS4

1 Samuel 28 in the SBIUS

1 Samuel 28 in the SBIVS

1 Samuel 28 in the SBT

1 Samuel 28 in the SBT1E

1 Samuel 28 in the SCHL

1 Samuel 28 in the SNT

1 Samuel 28 in the SUSU

1 Samuel 28 in the SUSU2

1 Samuel 28 in the SYNO

1 Samuel 28 in the TBIAOTANT

1 Samuel 28 in the TBT1E

1 Samuel 28 in the TBT1E2

1 Samuel 28 in the TFTIP

1 Samuel 28 in the TFTU

1 Samuel 28 in the TGNTATF3T

1 Samuel 28 in the THAI

1 Samuel 28 in the TNFD

1 Samuel 28 in the TNT

1 Samuel 28 in the TNTIK

1 Samuel 28 in the TNTIL

1 Samuel 28 in the TNTIN

1 Samuel 28 in the TNTIP

1 Samuel 28 in the TNTIZ

1 Samuel 28 in the TOMA

1 Samuel 28 in the TTENT

1 Samuel 28 in the UBG

1 Samuel 28 in the UGV

1 Samuel 28 in the UGV2

1 Samuel 28 in the UGV3

1 Samuel 28 in the VBL

1 Samuel 28 in the VDCC

1 Samuel 28 in the YALU

1 Samuel 28 in the YAPE

1 Samuel 28 in the YBVTP

1 Samuel 28 in the ZBP