1 Thessalonians 4 (BOSCB)
1 Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. 2 Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu. 3 Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: 4 kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, 5 asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari; 6 uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai. 7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene. 8 Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene. 9 Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. 10 Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera. 11 Shingairirai kuti mugare upenyu hworunyararo, muchibata basa renyu namaoko enyu, sezvatakakuudzai, 12 kuitira kuti upenyu hwamazuva ose huwane kukudzwa navari kunze uye kuitira kuti murege kusendamira kuno mumwe munhu. 13 Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro. 14 Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari. 15 Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata. 16 Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. 17 Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi. 18 Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.
In Other Versions
1 Thessalonians 4 in the ANGEFD
1 Thessalonians 4 in the ANTPNG2D
1 Thessalonians 4 in the BBPNG
1 Thessalonians 4 in the BBT1E
1 Thessalonians 4 in the BNTABOOT
1 Thessalonians 4 in the BNTLV
1 Thessalonians 4 in the BOATCB
1 Thessalonians 4 in the BOATCB2
1 Thessalonians 4 in the BOBCV
1 Thessalonians 4 in the BOCNT
1 Thessalonians 4 in the BOECS
1 Thessalonians 4 in the BOGWICC
1 Thessalonians 4 in the BOHCB
1 Thessalonians 4 in the BOHCV
1 Thessalonians 4 in the BOHLNT
1 Thessalonians 4 in the BOHNTLTAL
1 Thessalonians 4 in the BOICB
1 Thessalonians 4 in the BOILNTAP
1 Thessalonians 4 in the BOITCV
1 Thessalonians 4 in the BOKCV
1 Thessalonians 4 in the BOKCV2
1 Thessalonians 4 in the BOKHWOG
1 Thessalonians 4 in the BOKSSV
1 Thessalonians 4 in the BOLCB
1 Thessalonians 4 in the BOLCB2
1 Thessalonians 4 in the BOMCV
1 Thessalonians 4 in the BONAV
1 Thessalonians 4 in the BONCB
1 Thessalonians 4 in the BONLT
1 Thessalonians 4 in the BONUT2
1 Thessalonians 4 in the BOPLNT
1 Thessalonians 4 in the BOSNC
1 Thessalonians 4 in the BOTLNT
1 Thessalonians 4 in the BOVCB
1 Thessalonians 4 in the BOYCB
1 Thessalonians 4 in the DGDNT
1 Thessalonians 4 in the GGMNT
1 Thessalonians 4 in the IRVM2
1 Thessalonians 4 in the IRVT2
1 Thessalonians 4 in the KBT1ETNIK
1 Thessalonians 4 in the MKNFD
1 Thessalonians 4 in the MRS1T
1 Thessalonians 4 in the NBVTP
1 Thessalonians 4 in the NIV11
1 Thessalonians 4 in the PDDPT
1 Thessalonians 4 in the SBIAS
1 Thessalonians 4 in the SBIBS
1 Thessalonians 4 in the SBIBS2
1 Thessalonians 4 in the SBICS
1 Thessalonians 4 in the SBIDS
1 Thessalonians 4 in the SBIGS
1 Thessalonians 4 in the SBIHS
1 Thessalonians 4 in the SBIIS
1 Thessalonians 4 in the SBIIS2
1 Thessalonians 4 in the SBIIS3
1 Thessalonians 4 in the SBIKS
1 Thessalonians 4 in the SBIKS2
1 Thessalonians 4 in the SBIMS
1 Thessalonians 4 in the SBIOS
1 Thessalonians 4 in the SBIPS
1 Thessalonians 4 in the SBISS
1 Thessalonians 4 in the SBITS
1 Thessalonians 4 in the SBITS2
1 Thessalonians 4 in the SBITS3
1 Thessalonians 4 in the SBITS4
1 Thessalonians 4 in the SBIUS
1 Thessalonians 4 in the SBIVS
1 Thessalonians 4 in the SBT1E
1 Thessalonians 4 in the SUSU2
1 Thessalonians 4 in the TBIAOTANT
1 Thessalonians 4 in the TBT1E
1 Thessalonians 4 in the TBT1E2
1 Thessalonians 4 in the TFTIP
1 Thessalonians 4 in the TGNTATF3T
1 Thessalonians 4 in the TNTIK
1 Thessalonians 4 in the TNTIL
1 Thessalonians 4 in the TNTIN
1 Thessalonians 4 in the TNTIP
1 Thessalonians 4 in the TNTIZ
1 Thessalonians 4 in the TTENT