2 Chronicles 26 (BOSCB)
1 Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Uzia akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. 2 Ndiye akazovakazve Erati akaridzorera kuJudha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake. 3 Uzia aiva namakore gumi namatanhatu paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Mai vake vainzi Jekoria uye vaibva kuJerusarema. 4 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Amazia. 5 Akatsvaka Mwari pamazuva aZekaria, uyo aimurayira mukutya Mwari. Pose paaitsvaka Jehovha, Mwari akaita kuti abudirire. 6 Akandorwisa vaFiristia akaputsa masvingo eGati, Jabhine neAshidhodhi. Akavakazve maguta aiva pedyo neAshidhodhi nokumwewo pakati pavaFiristia. 7 Mwari akamubatsira mukurwisa vaFiristia navaArabhu vaigara muGuri Bhaari uye paakarwa navaMeuni. 8 VaAmoni vakavigira Uzia mitero, uye mbiri yake yakandosvika kumucheto kweIjipiti nokuti akanga asimba kwazvo. 9 Uzia akavaka shongwe muJerusarema paSuo Repakona, paSuo Rokumupata, napakona yorusvingo, akadzisimbisa. 10 Akavakazve shongwe murenje uye akachera matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvakawanda mujinga mezvikomo nomumapani. Aiva navanhu vaishanda muminda yake nomuminda yemizambiringa mumakomo nomunyika yakaorera, nokuti aida ivhu kwazvo. 11 Uzia aiva navarwi vakadzidzira kwazvo kurwa, vakanga vakagadzirira kubuda vari mumapoka avo maererano nouwandu hwavo sokuunganidzwa kwavakanga vaitwa naJeyeri munyori naMaaseya jinda rakanga riri pasi paHanania mumwe wavakuru pamuzinda wamambo. 12 Uwandu hwavatungamiri vemhuri vaiva pamusoro pavarwi hwaisvika zviuru zviviri namazana matanhatu. 13 Pasi pavo paiva nehondo yaiva navarume zviuru mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vakadzidziswa kurwa, hondo yakanga yakasimba kwazvo kuti itsigire mambo pakurwisana navavengi vake. 14 Uzia akavapa nhoo, mapfumo nguwani, nenguo dzamatare, uye uta namabwe okupfura nawo. 15 MuJerusarema akagadzira michina yakagadzirwa navarume vane umhizha kuti ishandiswe pamusoro peshongwe napamakona pakukanda miseve nokukanda matombo makuru. Mbiri yake yakapararira kunzvimbo dziri kure, nokuti akabatsirwa zvikuru kusvikira ava nesimba. 16 Asi Uzia paakava nesimba, kuzvikudza kwake kwakamutungamirira mukuwa kwake. Haana kutendeka kuna Jehovha Mwari wake, uye akapinda mutemberi yaJehovha kundopisira zvinonhuhwira paaritari yezvinonhuhwira. 17 Azaria muprista navamwe vaprista vaJehovha makumi masere vakanga vasingatyi vakamutevera mukati. 18 Vakamutongesa vakati, “Hazvina kufanira kwamuri imi, Uzia, kuti mupisire zvinonhuhwira kuna Jehovha. Izvozvo ndezvavaprista, vanakomana vaAroni, vakatsaurirwa kuti vapise zvinonhuhwira. Budai munzvimbo tsvene, nokuti hamuna kutendeka, uye hamungazokudzwa naJehovha Mwari.” 19 Uzia uyo akanga aine mbiya yokupisira zvinonhuhwira muruoko rwake, akatsamwa kwazvo. Paakanga achakatsamwira vaprista pamberi pavo, pamberi pearitari yezvinonhuhwira mutemberi yaJehovha, maperembudzi akamera pahuma yake. 20 Azaria mukuru wavaprista, navaprista vose pavakatarisa kwaari, vakaona kuti akanga ava namaperembudzi pahuma yake, saka vakakurumidza kumuburitsamo. Zvirokwazvo iyewo pachake akanga ava kuda kubuda nokuti Jehovha akanga amurova nechirwere. 21 Mambo Uzia akava namaperembudzi kusvikira musi waakafa. Aigara muimba yake oga asingabvumirwi kupinda mutemberi yaJehovha. Jotamu mwanakomana wake ndiye aitonga mumuzinda uye nokutonga vanhu venyika. 22 Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaUzia kubva pakutanga kusvika pakupedzisira zvakanyorwa nomuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. 23 Uzia akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo mumunda wemakuva waiva wamadzimambo, nokuti vanhu vakati, “Aiva namaperembudzi.” Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
In Other Versions
2 Chronicles 26 in the ANGEFD
2 Chronicles 26 in the ANTPNG2D
2 Chronicles 26 in the AS21
2 Chronicles 26 in the BAGH
2 Chronicles 26 in the BBPNG
2 Chronicles 26 in the BBT1E
2 Chronicles 26 in the BDS
2 Chronicles 26 in the BEV
2 Chronicles 26 in the BHAD
2 Chronicles 26 in the BIB
2 Chronicles 26 in the BLPT
2 Chronicles 26 in the BNT
2 Chronicles 26 in the BNTABOOT
2 Chronicles 26 in the BNTLV
2 Chronicles 26 in the BOATCB
2 Chronicles 26 in the BOATCB2
2 Chronicles 26 in the BOBCV
2 Chronicles 26 in the BOCNT
2 Chronicles 26 in the BOECS
2 Chronicles 26 in the BOGWICC
2 Chronicles 26 in the BOHCB
2 Chronicles 26 in the BOHCV
2 Chronicles 26 in the BOHLNT
2 Chronicles 26 in the BOHNTLTAL
2 Chronicles 26 in the BOICB
2 Chronicles 26 in the BOILNTAP
2 Chronicles 26 in the BOITCV
2 Chronicles 26 in the BOKCV
2 Chronicles 26 in the BOKCV2
2 Chronicles 26 in the BOKHWOG
2 Chronicles 26 in the BOKSSV
2 Chronicles 26 in the BOLCB
2 Chronicles 26 in the BOLCB2
2 Chronicles 26 in the BOMCV
2 Chronicles 26 in the BONAV
2 Chronicles 26 in the BONCB
2 Chronicles 26 in the BONLT
2 Chronicles 26 in the BONUT2
2 Chronicles 26 in the BOPLNT
2 Chronicles 26 in the BOSNC
2 Chronicles 26 in the BOTLNT
2 Chronicles 26 in the BOVCB
2 Chronicles 26 in the BOYCB
2 Chronicles 26 in the BPBB
2 Chronicles 26 in the BPH
2 Chronicles 26 in the BSB
2 Chronicles 26 in the CCB
2 Chronicles 26 in the CUV
2 Chronicles 26 in the CUVS
2 Chronicles 26 in the DBT
2 Chronicles 26 in the DGDNT
2 Chronicles 26 in the DHNT
2 Chronicles 26 in the DNT
2 Chronicles 26 in the ELBE
2 Chronicles 26 in the EMTV
2 Chronicles 26 in the ESV
2 Chronicles 26 in the FBV
2 Chronicles 26 in the FEB
2 Chronicles 26 in the GGMNT
2 Chronicles 26 in the GNT
2 Chronicles 26 in the HARY
2 Chronicles 26 in the HNT
2 Chronicles 26 in the IRVA
2 Chronicles 26 in the IRVB
2 Chronicles 26 in the IRVG
2 Chronicles 26 in the IRVH
2 Chronicles 26 in the IRVK
2 Chronicles 26 in the IRVM
2 Chronicles 26 in the IRVM2
2 Chronicles 26 in the IRVO
2 Chronicles 26 in the IRVP
2 Chronicles 26 in the IRVT
2 Chronicles 26 in the IRVT2
2 Chronicles 26 in the IRVU
2 Chronicles 26 in the ISVN
2 Chronicles 26 in the JSNT
2 Chronicles 26 in the KAPI
2 Chronicles 26 in the KBT1ETNIK
2 Chronicles 26 in the KBV
2 Chronicles 26 in the KJV
2 Chronicles 26 in the KNFD
2 Chronicles 26 in the LBA
2 Chronicles 26 in the LBLA
2 Chronicles 26 in the LNT
2 Chronicles 26 in the LSV
2 Chronicles 26 in the MAAL
2 Chronicles 26 in the MBV
2 Chronicles 26 in the MBV2
2 Chronicles 26 in the MHNT
2 Chronicles 26 in the MKNFD
2 Chronicles 26 in the MNG
2 Chronicles 26 in the MNT
2 Chronicles 26 in the MNT2
2 Chronicles 26 in the MRS1T
2 Chronicles 26 in the NAA
2 Chronicles 26 in the NASB
2 Chronicles 26 in the NBLA
2 Chronicles 26 in the NBS
2 Chronicles 26 in the NBVTP
2 Chronicles 26 in the NET2
2 Chronicles 26 in the NIV11
2 Chronicles 26 in the NNT
2 Chronicles 26 in the NNT2
2 Chronicles 26 in the NNT3
2 Chronicles 26 in the PDDPT
2 Chronicles 26 in the PFNT
2 Chronicles 26 in the RMNT
2 Chronicles 26 in the SBIAS
2 Chronicles 26 in the SBIBS
2 Chronicles 26 in the SBIBS2
2 Chronicles 26 in the SBICS
2 Chronicles 26 in the SBIDS
2 Chronicles 26 in the SBIGS
2 Chronicles 26 in the SBIHS
2 Chronicles 26 in the SBIIS
2 Chronicles 26 in the SBIIS2
2 Chronicles 26 in the SBIIS3
2 Chronicles 26 in the SBIKS
2 Chronicles 26 in the SBIKS2
2 Chronicles 26 in the SBIMS
2 Chronicles 26 in the SBIOS
2 Chronicles 26 in the SBIPS
2 Chronicles 26 in the SBISS
2 Chronicles 26 in the SBITS
2 Chronicles 26 in the SBITS2
2 Chronicles 26 in the SBITS3
2 Chronicles 26 in the SBITS4
2 Chronicles 26 in the SBIUS
2 Chronicles 26 in the SBIVS
2 Chronicles 26 in the SBT
2 Chronicles 26 in the SBT1E
2 Chronicles 26 in the SCHL
2 Chronicles 26 in the SNT
2 Chronicles 26 in the SUSU
2 Chronicles 26 in the SUSU2
2 Chronicles 26 in the SYNO
2 Chronicles 26 in the TBIAOTANT
2 Chronicles 26 in the TBT1E
2 Chronicles 26 in the TBT1E2
2 Chronicles 26 in the TFTIP
2 Chronicles 26 in the TFTU
2 Chronicles 26 in the TGNTATF3T
2 Chronicles 26 in the THAI
2 Chronicles 26 in the TNFD
2 Chronicles 26 in the TNT
2 Chronicles 26 in the TNTIK
2 Chronicles 26 in the TNTIL
2 Chronicles 26 in the TNTIN
2 Chronicles 26 in the TNTIP
2 Chronicles 26 in the TNTIZ
2 Chronicles 26 in the TOMA
2 Chronicles 26 in the TTENT
2 Chronicles 26 in the UBG
2 Chronicles 26 in the UGV
2 Chronicles 26 in the UGV2
2 Chronicles 26 in the UGV3
2 Chronicles 26 in the VBL
2 Chronicles 26 in the VDCC
2 Chronicles 26 in the YALU
2 Chronicles 26 in the YAPE
2 Chronicles 26 in the YBVTP
2 Chronicles 26 in the ZBP