2 Chronicles 29 (BOSCB)

1 Hezekia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhija mwanasikana waZekaria. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvangoitwa naDhavhidhi baba vake. 3 Mumwedzi wokutanga wegore rokutanga kutonga kwake akazarura masuo etemberi akaagadziridza. 4 Akauyisa vaprista navaRevhi akavaunganidza muchivara chokudivi rokumabvazuva. 5 Uye akati, “Teererai kwandiri, vaRevhi! Zvinatsei zvino uye munatse temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Mubvise kusvibiswa kwose munzvimbo tsvene. 6 Madzibaba edu akanga asina kutendeka; vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari uye vakamusiya. Vakabvisa zviso zvavo panzvimbo inogara Jehovha, vakamufuratira. 7 Vakapfigawo mikova yebiravira uye vakadzima mwenje. Havana kupisira zvinonhuhwira kana kupa zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri. 8 Naizvozvo, kutsamwa kwaJehovha kwakawira pamusoro peJudha neJerusarema, akavaita chinhu chinotyisa, chinovhundutsa nechinosekwa, sezvamunoona nameso enyu chaiwo. 9 Ndokusaka madzibaba edu akaurayiwa nomunondo uye vanakomana navanasikana vedu navakadzi vedu vava muutapwa. 10 Zvino ndinoda kuita mhiko naJehovha, Mwari waIsraeri; kuitira kuti kutsamwa kwake kunotyisa kubve kwatiri. 11 Vanakomana vangu, musava vanhu vasina hanya zvino, nokuti Jehovha akakusarudzai kuti mumire pamberi pake, uye mumushandire, kuti mushumire pamberi pake uye mupise zvinonhuhwira.” 12 Ipapo vaRevhi ava vakasimuka vakashanda: kubva kuvaKohati,Mahati mwanakomana waAmasai naJoere mwanakomana waAzaria;kubva kuvaMerari,Kishi mwanakomana waAbhidhi naAzaria mwanakomana waJeharereri;kubva kuvaGerishoni,Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa; 13 kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,Shimiri naJeyeri;kubva kuzvizvarwa zvaAsafi,Zekaria naMatania; 14 kubva kuzvizvarwa zvaHemani,Jehieri naShimei;kubva kuzvizvarwa zvaJedhutuni,Shemaya naUzieri. 15 Pavakaunganidza hama dzavo vakazvinatsa, vakapinda mukati kuti vachenese temberi yaJehovha sokurayira kwakanga kwaitwa namambo, vachitevera shoko raJehovha. 16 Vaprista vakaenda munzvimbo tsvene yaJehovha kuti vandoichenesa. Vakabudisa kuchivanze chetemberi yaJehovha zvose zvakanga zvisina kuchena zvavakaona mutemberi yaJehovha. VaRevhi vakazvitora vakaenda nazvo kuMupata weKidhironi. 17 Vakatanga kunatsa pazuva rokutanga romwedzi wokutanga uye pazuva rorusere romwedzi vakasvika pabiravira raJehovha. Kwamamwezve mazuva masere vakanatsa temberi yaJehovha pachayo, vakapedza nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga. 18 Ipapo vakaenda kuna mambo Hezekia vakandomuzivisa kuti: “Tachenesa temberi yaJehovha yose, aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo yose, netafura yekuisira chingwa chakatsaurwa, nemidziyo yayo yose. 19 Tagadzira uye tanatsa midziyo yose yakabviswa naMambo Ahazi mukusatendeka kwake paakanga ari mambo. Zvino yava pamberi pearitari yaJehovha.” 20 Mangwanani ezuva raitevera Mambo Hezekia akaunganidza vakuru veguta pamwe chete vakakwira kutemberi yaJehovha. 21 Vakauya nehando nomwe, makondobwe manomwe, namakwai makono manomwe nembudzi hono nomwe sechibayiro chezvivi choushe, chenzvimbo tsvene necheJudha. Mambo akarayira vaprista, zvizvarwa zvaAroni kuti vapisire zvibayiro izvi paaritari yaJehovha. 22 Saka vakauraya hando dziya, uye vaprista vakatora ropa vakarisasa paaritari mushure mezvo vakauraya makondobwe vakasasa ropa rawo paaritari; uye vakauraya makwayana vakasasa ropa rawo paaritari. 23 Mbudzi dzechipiriso chechivi dzakauyiswa pamberi pamambo neungano, uye vakaisa maoko avo pamusoro padzo. 24 Ipapo vaprista vakadziuraya vakaisa ropa radzo paaritari sechipiriso chechivi kuti vayananisire Israeri yose, nokuti mambo akanga arayira kuti kuitwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chechivi zvichiitirwa Israeri yose. 25 Akaisa vaRevhi mutemberi yaJehovha vane makandira, nemitengeranwa nembira sezvaakanga arayirwa naDhavhidhi naGadhi muoni wamambo naNatani muprofita. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza navaprofita vake. 26 Saka vaRevhi vakamira vakagadzirira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi uye vaprista vaine hwamanda dzavo. 27 Hezekia akarayira vanhu kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Chipiriso pachakatanga, kuimbira Jehovha kwakatangawo, kuchiteverwa nehwamanda nezviridzwa zvaDhavhidhi mambo weIsraeri. 28 Ungano yose yakakotama ichinamata, vaimbi pavaiimba uye varidzi vehwamanda vachiridza. Zvose izvi zvakaenderera mberi kusvikira chibayiro chechipiriso chinopiswa chapera. 29 Pavakapedza kupa zvipiriso, mambo navose vaakanga anavo vakapfugama pasi vakanamata. 30 Mambo Hezekia namachinda ake vakarayira vaRevhi kuti varumbidze Jehovha namashoko aDhavhidhi neaAsafi muoni. Saka vakaimba nziyo dzokurumbidza nomufaro uye vakakotama vakanamata. 31 Ipapo Hezekia akati, “Imi iye zvino mazvikumikidza kuna Jehovha. Uyai nezvipiriso zvokuvonga kutemberi yaJehovha.” Saka ungano yose yakauyisa zvipiriso nezvipo zvokuvonga, uye vose vaiva nemwoyo inoda vakauyisa zvipiriso zvinopiswa. 32 Zvipiriso zvinopiswa zvakauyiswa neungano zvaiti hando makumi manomwe, namakondobwe zana, namakwayana makono mazana maviri, zvose izvi zvaiva zvokupisira kuna Jehovha. 33 Mhuka dzose dzakanga dzatsaurwa sezvipiriso dzaisvika hando mazana matanhatu namakwai nembudzi zviuru zvitatu. 34 Kunyange zvakadaro, vaprista vakanga vari vashoma kwazvo kuti vakwanise kuvhiya zvipiriso zvose izvi; saka hama dzavo vaRevhi vakavabatsira kusvikira basa iri rapera uye kusvikira vamwe vaprista vatsaurwa nokuti vaRevhi vakanga vakangwarira kwazvo kuzvigadza kupfuura zvaiita vaprista. 35 Paiva nezvipiriso zvinopiswa zvakawanda kwazvo, pamwe chete namafuta ezvipiriso zvokuyanana, nezvipiriso zvokunwa zvaipiwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa.Saka temberi yaJehovha yakatanga kushanda zvakare. 36 Hezekia navanhu vose vakapemberera zvakanga zvauyiswa naMwari kuvanhu vake nokuti zvakanga zvaitwa nokukurumbidza.

In Other Versions

2 Chronicles 29 in the ANGEFD

2 Chronicles 29 in the ANTPNG2D

2 Chronicles 29 in the AS21

2 Chronicles 29 in the BAGH

2 Chronicles 29 in the BBPNG

2 Chronicles 29 in the BBT1E

2 Chronicles 29 in the BDS

2 Chronicles 29 in the BEV

2 Chronicles 29 in the BHAD

2 Chronicles 29 in the BIB

2 Chronicles 29 in the BLPT

2 Chronicles 29 in the BNT

2 Chronicles 29 in the BNTABOOT

2 Chronicles 29 in the BNTLV

2 Chronicles 29 in the BOATCB

2 Chronicles 29 in the BOATCB2

2 Chronicles 29 in the BOBCV

2 Chronicles 29 in the BOCNT

2 Chronicles 29 in the BOECS

2 Chronicles 29 in the BOGWICC

2 Chronicles 29 in the BOHCB

2 Chronicles 29 in the BOHCV

2 Chronicles 29 in the BOHLNT

2 Chronicles 29 in the BOHNTLTAL

2 Chronicles 29 in the BOICB

2 Chronicles 29 in the BOILNTAP

2 Chronicles 29 in the BOITCV

2 Chronicles 29 in the BOKCV

2 Chronicles 29 in the BOKCV2

2 Chronicles 29 in the BOKHWOG

2 Chronicles 29 in the BOKSSV

2 Chronicles 29 in the BOLCB

2 Chronicles 29 in the BOLCB2

2 Chronicles 29 in the BOMCV

2 Chronicles 29 in the BONAV

2 Chronicles 29 in the BONCB

2 Chronicles 29 in the BONLT

2 Chronicles 29 in the BONUT2

2 Chronicles 29 in the BOPLNT

2 Chronicles 29 in the BOSNC

2 Chronicles 29 in the BOTLNT

2 Chronicles 29 in the BOVCB

2 Chronicles 29 in the BOYCB

2 Chronicles 29 in the BPBB

2 Chronicles 29 in the BPH

2 Chronicles 29 in the BSB

2 Chronicles 29 in the CCB

2 Chronicles 29 in the CUV

2 Chronicles 29 in the CUVS

2 Chronicles 29 in the DBT

2 Chronicles 29 in the DGDNT

2 Chronicles 29 in the DHNT

2 Chronicles 29 in the DNT

2 Chronicles 29 in the ELBE

2 Chronicles 29 in the EMTV

2 Chronicles 29 in the ESV

2 Chronicles 29 in the FBV

2 Chronicles 29 in the FEB

2 Chronicles 29 in the GGMNT

2 Chronicles 29 in the GNT

2 Chronicles 29 in the HARY

2 Chronicles 29 in the HNT

2 Chronicles 29 in the IRVA

2 Chronicles 29 in the IRVB

2 Chronicles 29 in the IRVG

2 Chronicles 29 in the IRVH

2 Chronicles 29 in the IRVK

2 Chronicles 29 in the IRVM

2 Chronicles 29 in the IRVM2

2 Chronicles 29 in the IRVO

2 Chronicles 29 in the IRVP

2 Chronicles 29 in the IRVT

2 Chronicles 29 in the IRVT2

2 Chronicles 29 in the IRVU

2 Chronicles 29 in the ISVN

2 Chronicles 29 in the JSNT

2 Chronicles 29 in the KAPI

2 Chronicles 29 in the KBT1ETNIK

2 Chronicles 29 in the KBV

2 Chronicles 29 in the KJV

2 Chronicles 29 in the KNFD

2 Chronicles 29 in the LBA

2 Chronicles 29 in the LBLA

2 Chronicles 29 in the LNT

2 Chronicles 29 in the LSV

2 Chronicles 29 in the MAAL

2 Chronicles 29 in the MBV

2 Chronicles 29 in the MBV2

2 Chronicles 29 in the MHNT

2 Chronicles 29 in the MKNFD

2 Chronicles 29 in the MNG

2 Chronicles 29 in the MNT

2 Chronicles 29 in the MNT2

2 Chronicles 29 in the MRS1T

2 Chronicles 29 in the NAA

2 Chronicles 29 in the NASB

2 Chronicles 29 in the NBLA

2 Chronicles 29 in the NBS

2 Chronicles 29 in the NBVTP

2 Chronicles 29 in the NET2

2 Chronicles 29 in the NIV11

2 Chronicles 29 in the NNT

2 Chronicles 29 in the NNT2

2 Chronicles 29 in the NNT3

2 Chronicles 29 in the PDDPT

2 Chronicles 29 in the PFNT

2 Chronicles 29 in the RMNT

2 Chronicles 29 in the SBIAS

2 Chronicles 29 in the SBIBS

2 Chronicles 29 in the SBIBS2

2 Chronicles 29 in the SBICS

2 Chronicles 29 in the SBIDS

2 Chronicles 29 in the SBIGS

2 Chronicles 29 in the SBIHS

2 Chronicles 29 in the SBIIS

2 Chronicles 29 in the SBIIS2

2 Chronicles 29 in the SBIIS3

2 Chronicles 29 in the SBIKS

2 Chronicles 29 in the SBIKS2

2 Chronicles 29 in the SBIMS

2 Chronicles 29 in the SBIOS

2 Chronicles 29 in the SBIPS

2 Chronicles 29 in the SBISS

2 Chronicles 29 in the SBITS

2 Chronicles 29 in the SBITS2

2 Chronicles 29 in the SBITS3

2 Chronicles 29 in the SBITS4

2 Chronicles 29 in the SBIUS

2 Chronicles 29 in the SBIVS

2 Chronicles 29 in the SBT

2 Chronicles 29 in the SBT1E

2 Chronicles 29 in the SCHL

2 Chronicles 29 in the SNT

2 Chronicles 29 in the SUSU

2 Chronicles 29 in the SUSU2

2 Chronicles 29 in the SYNO

2 Chronicles 29 in the TBIAOTANT

2 Chronicles 29 in the TBT1E

2 Chronicles 29 in the TBT1E2

2 Chronicles 29 in the TFTIP

2 Chronicles 29 in the TFTU

2 Chronicles 29 in the TGNTATF3T

2 Chronicles 29 in the THAI

2 Chronicles 29 in the TNFD

2 Chronicles 29 in the TNT

2 Chronicles 29 in the TNTIK

2 Chronicles 29 in the TNTIL

2 Chronicles 29 in the TNTIN

2 Chronicles 29 in the TNTIP

2 Chronicles 29 in the TNTIZ

2 Chronicles 29 in the TOMA

2 Chronicles 29 in the TTENT

2 Chronicles 29 in the UBG

2 Chronicles 29 in the UGV

2 Chronicles 29 in the UGV2

2 Chronicles 29 in the UGV3

2 Chronicles 29 in the VBL

2 Chronicles 29 in the VDCC

2 Chronicles 29 in the YALU

2 Chronicles 29 in the YAPE

2 Chronicles 29 in the YBVTP

2 Chronicles 29 in the ZBP