2 Kings 20 (BOSCB)

1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.” 2 Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati, 3 “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru. 4 Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, 5 “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha. 6 Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” 7 Ipapo Isaya akati, “Gadzirai bundu ramaonde.” Vakaita saizvozvo vakariisa pamota, uye akapora. 8 Hezekia akanga abvunza Isaya achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichakwira kutemberi yaJehovha pazuva retatu kubva zvino here?” 9 Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?” 10 Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.” 11 Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazi. 12 Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani, mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia. 13 Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura ake, sirivha negoridhe, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose. 14 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?”Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.” 15 Muprofita akamubvunza akati, “Chii chavaona mumuzinda mako?”Hezekia akapindura akati, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chinhu chiri pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.” 16 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Chinzwa shoko raJehovha: 17 Zvirokwazvo nguva ichasvika yokuti zvose zviri mumuzinda mako, nezvose zvakaunganidzwa nababa vako kusvikira pazuva ranhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. 18 Uye vamwe vavanakomana vako, venyama yako chaivo neropa rako, vauchabereka, vachatorwa kubva kwauri, uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” 19 Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?” 20 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaHezekia, nezvose zvaakaita uye namavakiro aakaita dziva nomugero waakauyisa nawo mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? 21 Hezekia akazorora namadzibaba ake. Manase mwanakomana wake akamutevera paumambo.

In Other Versions

2 Kings 20 in the ANGEFD

2 Kings 20 in the ANTPNG2D

2 Kings 20 in the AS21

2 Kings 20 in the BAGH

2 Kings 20 in the BBPNG

2 Kings 20 in the BBT1E

2 Kings 20 in the BDS

2 Kings 20 in the BEV

2 Kings 20 in the BHAD

2 Kings 20 in the BIB

2 Kings 20 in the BLPT

2 Kings 20 in the BNT

2 Kings 20 in the BNTABOOT

2 Kings 20 in the BNTLV

2 Kings 20 in the BOATCB

2 Kings 20 in the BOATCB2

2 Kings 20 in the BOBCV

2 Kings 20 in the BOCNT

2 Kings 20 in the BOECS

2 Kings 20 in the BOGWICC

2 Kings 20 in the BOHCB

2 Kings 20 in the BOHCV

2 Kings 20 in the BOHLNT

2 Kings 20 in the BOHNTLTAL

2 Kings 20 in the BOICB

2 Kings 20 in the BOILNTAP

2 Kings 20 in the BOITCV

2 Kings 20 in the BOKCV

2 Kings 20 in the BOKCV2

2 Kings 20 in the BOKHWOG

2 Kings 20 in the BOKSSV

2 Kings 20 in the BOLCB

2 Kings 20 in the BOLCB2

2 Kings 20 in the BOMCV

2 Kings 20 in the BONAV

2 Kings 20 in the BONCB

2 Kings 20 in the BONLT

2 Kings 20 in the BONUT2

2 Kings 20 in the BOPLNT

2 Kings 20 in the BOSNC

2 Kings 20 in the BOTLNT

2 Kings 20 in the BOVCB

2 Kings 20 in the BOYCB

2 Kings 20 in the BPBB

2 Kings 20 in the BPH

2 Kings 20 in the BSB

2 Kings 20 in the CCB

2 Kings 20 in the CUV

2 Kings 20 in the CUVS

2 Kings 20 in the DBT

2 Kings 20 in the DGDNT

2 Kings 20 in the DHNT

2 Kings 20 in the DNT

2 Kings 20 in the ELBE

2 Kings 20 in the EMTV

2 Kings 20 in the ESV

2 Kings 20 in the FBV

2 Kings 20 in the FEB

2 Kings 20 in the GGMNT

2 Kings 20 in the GNT

2 Kings 20 in the HARY

2 Kings 20 in the HNT

2 Kings 20 in the IRVA

2 Kings 20 in the IRVB

2 Kings 20 in the IRVG

2 Kings 20 in the IRVH

2 Kings 20 in the IRVK

2 Kings 20 in the IRVM

2 Kings 20 in the IRVM2

2 Kings 20 in the IRVO

2 Kings 20 in the IRVP

2 Kings 20 in the IRVT

2 Kings 20 in the IRVT2

2 Kings 20 in the IRVU

2 Kings 20 in the ISVN

2 Kings 20 in the JSNT

2 Kings 20 in the KAPI

2 Kings 20 in the KBT1ETNIK

2 Kings 20 in the KBV

2 Kings 20 in the KJV

2 Kings 20 in the KNFD

2 Kings 20 in the LBA

2 Kings 20 in the LBLA

2 Kings 20 in the LNT

2 Kings 20 in the LSV

2 Kings 20 in the MAAL

2 Kings 20 in the MBV

2 Kings 20 in the MBV2

2 Kings 20 in the MHNT

2 Kings 20 in the MKNFD

2 Kings 20 in the MNG

2 Kings 20 in the MNT

2 Kings 20 in the MNT2

2 Kings 20 in the MRS1T

2 Kings 20 in the NAA

2 Kings 20 in the NASB

2 Kings 20 in the NBLA

2 Kings 20 in the NBS

2 Kings 20 in the NBVTP

2 Kings 20 in the NET2

2 Kings 20 in the NIV11

2 Kings 20 in the NNT

2 Kings 20 in the NNT2

2 Kings 20 in the NNT3

2 Kings 20 in the PDDPT

2 Kings 20 in the PFNT

2 Kings 20 in the RMNT

2 Kings 20 in the SBIAS

2 Kings 20 in the SBIBS

2 Kings 20 in the SBIBS2

2 Kings 20 in the SBICS

2 Kings 20 in the SBIDS

2 Kings 20 in the SBIGS

2 Kings 20 in the SBIHS

2 Kings 20 in the SBIIS

2 Kings 20 in the SBIIS2

2 Kings 20 in the SBIIS3

2 Kings 20 in the SBIKS

2 Kings 20 in the SBIKS2

2 Kings 20 in the SBIMS

2 Kings 20 in the SBIOS

2 Kings 20 in the SBIPS

2 Kings 20 in the SBISS

2 Kings 20 in the SBITS

2 Kings 20 in the SBITS2

2 Kings 20 in the SBITS3

2 Kings 20 in the SBITS4

2 Kings 20 in the SBIUS

2 Kings 20 in the SBIVS

2 Kings 20 in the SBT

2 Kings 20 in the SBT1E

2 Kings 20 in the SCHL

2 Kings 20 in the SNT

2 Kings 20 in the SUSU

2 Kings 20 in the SUSU2

2 Kings 20 in the SYNO

2 Kings 20 in the TBIAOTANT

2 Kings 20 in the TBT1E

2 Kings 20 in the TBT1E2

2 Kings 20 in the TFTIP

2 Kings 20 in the TFTU

2 Kings 20 in the TGNTATF3T

2 Kings 20 in the THAI

2 Kings 20 in the TNFD

2 Kings 20 in the TNT

2 Kings 20 in the TNTIK

2 Kings 20 in the TNTIL

2 Kings 20 in the TNTIN

2 Kings 20 in the TNTIP

2 Kings 20 in the TNTIZ

2 Kings 20 in the TOMA

2 Kings 20 in the TTENT

2 Kings 20 in the UBG

2 Kings 20 in the UGV

2 Kings 20 in the UGV2

2 Kings 20 in the UGV3

2 Kings 20 in the VBL

2 Kings 20 in the VDCC

2 Kings 20 in the YALU

2 Kings 20 in the YAPE

2 Kings 20 in the YBVTP

2 Kings 20 in the ZBP