2 Peter 2 (BOSCB)

1 Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. 2 Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3 Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri. 4 Nokuti kana Mwari asina kuregerera vatumwa pavakatadza, asi akavatumira kugehena, achivaisa mugomba rerima kuti vachengeterwe kutongwa; 5 kana asina kuregerera nyika yakare paakauyisa mafashamu pavanhu vayo vakanga vasingatyi Mwari, asi akadzivirira Noa, muparidzi wokururama, navamwewo vanomwe; 6 kana akatonga maguta eSodhomu neGomora nokuapisa nomoto kusvikira ava dota, uye akaaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasingadi Mwari; 7 uye kana akanunura Roti, murume akarurama, akatambudzika nokuda kwoupenyu hwetsvina hwavanhu vakanga vakatsauka 8 (nokuti murume uyu akarurama, agere pakati pavo zuva nezuva, akatambudzwa mumwoyo wake wakarurama nezviito zvavasakurama zvaakaona nezvaakanzwa), 9 kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa. 10 Izvozvo zvinoitwa navaya vanotevera kuchiva kwakaora kwomunhu wenyama uye vachizvidza vakuru.Vanhu ava havatyi kutuka zvisikwa zvokudenga, vakashinga uye vanozvikudza; 11 asi kunyange vatumwa, kunyange zvazvo vakasimba kwazvo uye vane simba guru, havauyi pamberi paIshe vachituka nokupomera mhosva zvakadai kuzvisikwa izvi. 12 Asi vanhu ava vanongomhura panyaya dzavasinganzwisisi. Vakaita semhuka dzisina murangariro, zvisikwa zvisingashanduki papfungwa, zvakangoberekerwa kubatwa nokuparadzwa, uye semhuka idzodzo naivowo vachaparara. 13 Vacharipirwa nokurwadziswa nokuda kwezvakaipa zvavakaita. Mukufunga kwavo vanoti kutamba masikati ndizvo zvinofadza. Ivo ndivo makwapa namavara, vanofara mune zvinovagutsa pavanenge vachidya nemi. 14 Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa! 15 Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama. 16 Asi akatsiurwa nembongoro nokuda kwokuita kwake zvakaipa, mhuka isina mutauro yakataura nenzwi romunhu uye ikadzivisa kupenga kwomuprofita. 17 Ava vanhu matsime asina mvura uye imhute inosundwa nemhepo. Vakachengeterwa rima guru. 18 Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka. 19 Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda. 20 Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga. 21 Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari. 22 Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.”

In Other Versions

2 Peter 2 in the ANGEFD

2 Peter 2 in the ANTPNG2D

2 Peter 2 in the AS21

2 Peter 2 in the BAGH

2 Peter 2 in the BBPNG

2 Peter 2 in the BBT1E

2 Peter 2 in the BDS

2 Peter 2 in the BEV

2 Peter 2 in the BHAD

2 Peter 2 in the BIB

2 Peter 2 in the BLPT

2 Peter 2 in the BNT

2 Peter 2 in the BNTABOOT

2 Peter 2 in the BNTLV

2 Peter 2 in the BOATCB

2 Peter 2 in the BOATCB2

2 Peter 2 in the BOBCV

2 Peter 2 in the BOCNT

2 Peter 2 in the BOECS

2 Peter 2 in the BOGWICC

2 Peter 2 in the BOHCB

2 Peter 2 in the BOHCV

2 Peter 2 in the BOHLNT

2 Peter 2 in the BOHNTLTAL

2 Peter 2 in the BOICB

2 Peter 2 in the BOILNTAP

2 Peter 2 in the BOITCV

2 Peter 2 in the BOKCV

2 Peter 2 in the BOKCV2

2 Peter 2 in the BOKHWOG

2 Peter 2 in the BOKSSV

2 Peter 2 in the BOLCB

2 Peter 2 in the BOLCB2

2 Peter 2 in the BOMCV

2 Peter 2 in the BONAV

2 Peter 2 in the BONCB

2 Peter 2 in the BONLT

2 Peter 2 in the BONUT2

2 Peter 2 in the BOPLNT

2 Peter 2 in the BOSNC

2 Peter 2 in the BOTLNT

2 Peter 2 in the BOVCB

2 Peter 2 in the BOYCB

2 Peter 2 in the BPBB

2 Peter 2 in the BPH

2 Peter 2 in the BSB

2 Peter 2 in the CCB

2 Peter 2 in the CUV

2 Peter 2 in the CUVS

2 Peter 2 in the DBT

2 Peter 2 in the DGDNT

2 Peter 2 in the DHNT

2 Peter 2 in the DNT

2 Peter 2 in the ELBE

2 Peter 2 in the EMTV

2 Peter 2 in the ESV

2 Peter 2 in the FBV

2 Peter 2 in the FEB

2 Peter 2 in the GGMNT

2 Peter 2 in the GNT

2 Peter 2 in the HARY

2 Peter 2 in the HNT

2 Peter 2 in the IRVA

2 Peter 2 in the IRVB

2 Peter 2 in the IRVG

2 Peter 2 in the IRVH

2 Peter 2 in the IRVK

2 Peter 2 in the IRVM

2 Peter 2 in the IRVM2

2 Peter 2 in the IRVO

2 Peter 2 in the IRVP

2 Peter 2 in the IRVT

2 Peter 2 in the IRVT2

2 Peter 2 in the IRVU

2 Peter 2 in the ISVN

2 Peter 2 in the JSNT

2 Peter 2 in the KAPI

2 Peter 2 in the KBT1ETNIK

2 Peter 2 in the KBV

2 Peter 2 in the KJV

2 Peter 2 in the KNFD

2 Peter 2 in the LBA

2 Peter 2 in the LBLA

2 Peter 2 in the LNT

2 Peter 2 in the LSV

2 Peter 2 in the MAAL

2 Peter 2 in the MBV

2 Peter 2 in the MBV2

2 Peter 2 in the MHNT

2 Peter 2 in the MKNFD

2 Peter 2 in the MNG

2 Peter 2 in the MNT

2 Peter 2 in the MNT2

2 Peter 2 in the MRS1T

2 Peter 2 in the NAA

2 Peter 2 in the NASB

2 Peter 2 in the NBLA

2 Peter 2 in the NBS

2 Peter 2 in the NBVTP

2 Peter 2 in the NET2

2 Peter 2 in the NIV11

2 Peter 2 in the NNT

2 Peter 2 in the NNT2

2 Peter 2 in the NNT3

2 Peter 2 in the PDDPT

2 Peter 2 in the PFNT

2 Peter 2 in the RMNT

2 Peter 2 in the SBIAS

2 Peter 2 in the SBIBS

2 Peter 2 in the SBIBS2

2 Peter 2 in the SBICS

2 Peter 2 in the SBIDS

2 Peter 2 in the SBIGS

2 Peter 2 in the SBIHS

2 Peter 2 in the SBIIS

2 Peter 2 in the SBIIS2

2 Peter 2 in the SBIIS3

2 Peter 2 in the SBIKS

2 Peter 2 in the SBIKS2

2 Peter 2 in the SBIMS

2 Peter 2 in the SBIOS

2 Peter 2 in the SBIPS

2 Peter 2 in the SBISS

2 Peter 2 in the SBITS

2 Peter 2 in the SBITS2

2 Peter 2 in the SBITS3

2 Peter 2 in the SBITS4

2 Peter 2 in the SBIUS

2 Peter 2 in the SBIVS

2 Peter 2 in the SBT

2 Peter 2 in the SBT1E

2 Peter 2 in the SCHL

2 Peter 2 in the SNT

2 Peter 2 in the SUSU

2 Peter 2 in the SUSU2

2 Peter 2 in the SYNO

2 Peter 2 in the TBIAOTANT

2 Peter 2 in the TBT1E

2 Peter 2 in the TBT1E2

2 Peter 2 in the TFTIP

2 Peter 2 in the TFTU

2 Peter 2 in the TGNTATF3T

2 Peter 2 in the THAI

2 Peter 2 in the TNFD

2 Peter 2 in the TNT

2 Peter 2 in the TNTIK

2 Peter 2 in the TNTIL

2 Peter 2 in the TNTIN

2 Peter 2 in the TNTIP

2 Peter 2 in the TNTIZ

2 Peter 2 in the TOMA

2 Peter 2 in the TTENT

2 Peter 2 in the UBG

2 Peter 2 in the UGV

2 Peter 2 in the UGV2

2 Peter 2 in the UGV3

2 Peter 2 in the VBL

2 Peter 2 in the VDCC

2 Peter 2 in the YALU

2 Peter 2 in the YAPE

2 Peter 2 in the YBVTP

2 Peter 2 in the ZBP