2 Samuel 4 (BOSCB)

1 Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka. 2 Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rinoverengerwawo kuna Bhenjamini, 3 nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.) 4 Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti. 5 Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwaIshi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati. 6 Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya padumbu. Ipapo Rekabhu nomununʼuna wake Bhaana vakabva vatiza. 7 Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha. 8 Vakandosvika nomusoro wa Ishi-Bhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.” 9 Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose, 10 pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake! 11 Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!” 12 Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.

In Other Versions

2 Samuel 4 in the ANGEFD

2 Samuel 4 in the ANTPNG2D

2 Samuel 4 in the AS21

2 Samuel 4 in the BAGH

2 Samuel 4 in the BBPNG

2 Samuel 4 in the BBT1E

2 Samuel 4 in the BDS

2 Samuel 4 in the BEV

2 Samuel 4 in the BHAD

2 Samuel 4 in the BIB

2 Samuel 4 in the BLPT

2 Samuel 4 in the BNT

2 Samuel 4 in the BNTABOOT

2 Samuel 4 in the BNTLV

2 Samuel 4 in the BOATCB

2 Samuel 4 in the BOATCB2

2 Samuel 4 in the BOBCV

2 Samuel 4 in the BOCNT

2 Samuel 4 in the BOECS

2 Samuel 4 in the BOGWICC

2 Samuel 4 in the BOHCB

2 Samuel 4 in the BOHCV

2 Samuel 4 in the BOHLNT

2 Samuel 4 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 4 in the BOICB

2 Samuel 4 in the BOILNTAP

2 Samuel 4 in the BOITCV

2 Samuel 4 in the BOKCV

2 Samuel 4 in the BOKCV2

2 Samuel 4 in the BOKHWOG

2 Samuel 4 in the BOKSSV

2 Samuel 4 in the BOLCB

2 Samuel 4 in the BOLCB2

2 Samuel 4 in the BOMCV

2 Samuel 4 in the BONAV

2 Samuel 4 in the BONCB

2 Samuel 4 in the BONLT

2 Samuel 4 in the BONUT2

2 Samuel 4 in the BOPLNT

2 Samuel 4 in the BOSNC

2 Samuel 4 in the BOTLNT

2 Samuel 4 in the BOVCB

2 Samuel 4 in the BOYCB

2 Samuel 4 in the BPBB

2 Samuel 4 in the BPH

2 Samuel 4 in the BSB

2 Samuel 4 in the CCB

2 Samuel 4 in the CUV

2 Samuel 4 in the CUVS

2 Samuel 4 in the DBT

2 Samuel 4 in the DGDNT

2 Samuel 4 in the DHNT

2 Samuel 4 in the DNT

2 Samuel 4 in the ELBE

2 Samuel 4 in the EMTV

2 Samuel 4 in the ESV

2 Samuel 4 in the FBV

2 Samuel 4 in the FEB

2 Samuel 4 in the GGMNT

2 Samuel 4 in the GNT

2 Samuel 4 in the HARY

2 Samuel 4 in the HNT

2 Samuel 4 in the IRVA

2 Samuel 4 in the IRVB

2 Samuel 4 in the IRVG

2 Samuel 4 in the IRVH

2 Samuel 4 in the IRVK

2 Samuel 4 in the IRVM

2 Samuel 4 in the IRVM2

2 Samuel 4 in the IRVO

2 Samuel 4 in the IRVP

2 Samuel 4 in the IRVT

2 Samuel 4 in the IRVT2

2 Samuel 4 in the IRVU

2 Samuel 4 in the ISVN

2 Samuel 4 in the JSNT

2 Samuel 4 in the KAPI

2 Samuel 4 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 4 in the KBV

2 Samuel 4 in the KJV

2 Samuel 4 in the KNFD

2 Samuel 4 in the LBA

2 Samuel 4 in the LBLA

2 Samuel 4 in the LNT

2 Samuel 4 in the LSV

2 Samuel 4 in the MAAL

2 Samuel 4 in the MBV

2 Samuel 4 in the MBV2

2 Samuel 4 in the MHNT

2 Samuel 4 in the MKNFD

2 Samuel 4 in the MNG

2 Samuel 4 in the MNT

2 Samuel 4 in the MNT2

2 Samuel 4 in the MRS1T

2 Samuel 4 in the NAA

2 Samuel 4 in the NASB

2 Samuel 4 in the NBLA

2 Samuel 4 in the NBS

2 Samuel 4 in the NBVTP

2 Samuel 4 in the NET2

2 Samuel 4 in the NIV11

2 Samuel 4 in the NNT

2 Samuel 4 in the NNT2

2 Samuel 4 in the NNT3

2 Samuel 4 in the PDDPT

2 Samuel 4 in the PFNT

2 Samuel 4 in the RMNT

2 Samuel 4 in the SBIAS

2 Samuel 4 in the SBIBS

2 Samuel 4 in the SBIBS2

2 Samuel 4 in the SBICS

2 Samuel 4 in the SBIDS

2 Samuel 4 in the SBIGS

2 Samuel 4 in the SBIHS

2 Samuel 4 in the SBIIS

2 Samuel 4 in the SBIIS2

2 Samuel 4 in the SBIIS3

2 Samuel 4 in the SBIKS

2 Samuel 4 in the SBIKS2

2 Samuel 4 in the SBIMS

2 Samuel 4 in the SBIOS

2 Samuel 4 in the SBIPS

2 Samuel 4 in the SBISS

2 Samuel 4 in the SBITS

2 Samuel 4 in the SBITS2

2 Samuel 4 in the SBITS3

2 Samuel 4 in the SBITS4

2 Samuel 4 in the SBIUS

2 Samuel 4 in the SBIVS

2 Samuel 4 in the SBT

2 Samuel 4 in the SBT1E

2 Samuel 4 in the SCHL

2 Samuel 4 in the SNT

2 Samuel 4 in the SUSU

2 Samuel 4 in the SUSU2

2 Samuel 4 in the SYNO

2 Samuel 4 in the TBIAOTANT

2 Samuel 4 in the TBT1E

2 Samuel 4 in the TBT1E2

2 Samuel 4 in the TFTIP

2 Samuel 4 in the TFTU

2 Samuel 4 in the TGNTATF3T

2 Samuel 4 in the THAI

2 Samuel 4 in the TNFD

2 Samuel 4 in the TNT

2 Samuel 4 in the TNTIK

2 Samuel 4 in the TNTIL

2 Samuel 4 in the TNTIN

2 Samuel 4 in the TNTIP

2 Samuel 4 in the TNTIZ

2 Samuel 4 in the TOMA

2 Samuel 4 in the TTENT

2 Samuel 4 in the UBG

2 Samuel 4 in the UGV

2 Samuel 4 in the UGV2

2 Samuel 4 in the UGV3

2 Samuel 4 in the VBL

2 Samuel 4 in the VDCC

2 Samuel 4 in the YALU

2 Samuel 4 in the YAPE

2 Samuel 4 in the YBVTP

2 Samuel 4 in the ZBP