2 Samuel 5 (BOSCB)

1 Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ” 3 Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. 4 Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana. 5 MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu. 6 Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.” 7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi. 8 Pazuva iro, Dhavhidhi akati, “Wose anoda kukunda vaJebhusi ngaatange apinda nomugero wemvura kuti asvike pane ‘zvirema namapofu’ vanova ndivo vavengi vaDhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “ ‘Mapofu nezvirema’ vasapinda muimba yaMambo.” 9 Dhavhidhi akagara munhare uye akaitumidza kuti Guta raDhavhidhi. Akavaka nzvimbo yose yakaipoteredza, kubva panheyo dzaitsigira rusvingo zvichipinda mukati. 10 Simba rake rakaramba richiwedzerwa, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose aiva naye. 11 Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda omusidhari, navavezi navavaki vanoshandisa matombo uye vakavakira Dhavhidhi muzinda. 12 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo weIsraeri uye akanga asimudzira umambo hwake nokuda kwavanhu vake Israeri. 13 Mushure mokunge abva paHebhuroni, Dhavhidhi akazvitorera vamwe varongo navakadzi muJerusarema, uye akaberekerwa vamwe vanakomana navanasikana. 14 Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shobhabhi, Natani, Soromoni, 15 Ibhari, Erishua, Shamua, Nefegi, Jafia, 16 Erishama, Eriadha naErifereti. 17 VaFiristia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakakwidza vose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa ndokubva aburukira kunhare. 18 Zvino vaFiristia vakanga vauya vakapararira muMupata weRefaimi. 19 Saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFiristia? Ko, muchavaisa mumaoko angu here?”Jehovha akamupindura akati, “Enda, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFiristia mumaoko ako.” 20 Naizvozvo Dhavhidhi akaenda kuBhaari Perazimu, uye ikoko akavakunda. Akati, “Sokupaza kunoita mvura, Jehovha apaza vavengi vangu pamberi pangu.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Bhaari Perazimu. 21 VaFiristia vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo. 22 VaFiristia vakadzokazve uye vakapararira muMupata weRefaimi; 23 saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akapindura akati, “Musakwidza makavananga, asi potererai nokumashure kwavo mugovarwisa mberi kwemiti yemibharisamu. 24 Pamunongonzwa ruzha rwokufamba kwavanhu pamusoro pemiti yemibharisamu, mubve mafamba nokukurumidza, nokuti zvichareva kuti Jehovha aenda mberi kwenyu kuti aparadze hondo yavaFiristia.” 25 Naizvozvo Dhavhidhi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha, uye akaparadza vaFiristia kubva paGibheoni kusvika kuGezeri.

In Other Versions

2 Samuel 5 in the ANGEFD

2 Samuel 5 in the ANTPNG2D

2 Samuel 5 in the AS21

2 Samuel 5 in the BAGH

2 Samuel 5 in the BBPNG

2 Samuel 5 in the BBT1E

2 Samuel 5 in the BDS

2 Samuel 5 in the BEV

2 Samuel 5 in the BHAD

2 Samuel 5 in the BIB

2 Samuel 5 in the BLPT

2 Samuel 5 in the BNT

2 Samuel 5 in the BNTABOOT

2 Samuel 5 in the BNTLV

2 Samuel 5 in the BOATCB

2 Samuel 5 in the BOATCB2

2 Samuel 5 in the BOBCV

2 Samuel 5 in the BOCNT

2 Samuel 5 in the BOECS

2 Samuel 5 in the BOGWICC

2 Samuel 5 in the BOHCB

2 Samuel 5 in the BOHCV

2 Samuel 5 in the BOHLNT

2 Samuel 5 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 5 in the BOICB

2 Samuel 5 in the BOILNTAP

2 Samuel 5 in the BOITCV

2 Samuel 5 in the BOKCV

2 Samuel 5 in the BOKCV2

2 Samuel 5 in the BOKHWOG

2 Samuel 5 in the BOKSSV

2 Samuel 5 in the BOLCB

2 Samuel 5 in the BOLCB2

2 Samuel 5 in the BOMCV

2 Samuel 5 in the BONAV

2 Samuel 5 in the BONCB

2 Samuel 5 in the BONLT

2 Samuel 5 in the BONUT2

2 Samuel 5 in the BOPLNT

2 Samuel 5 in the BOSNC

2 Samuel 5 in the BOTLNT

2 Samuel 5 in the BOVCB

2 Samuel 5 in the BOYCB

2 Samuel 5 in the BPBB

2 Samuel 5 in the BPH

2 Samuel 5 in the BSB

2 Samuel 5 in the CCB

2 Samuel 5 in the CUV

2 Samuel 5 in the CUVS

2 Samuel 5 in the DBT

2 Samuel 5 in the DGDNT

2 Samuel 5 in the DHNT

2 Samuel 5 in the DNT

2 Samuel 5 in the ELBE

2 Samuel 5 in the EMTV

2 Samuel 5 in the ESV

2 Samuel 5 in the FBV

2 Samuel 5 in the FEB

2 Samuel 5 in the GGMNT

2 Samuel 5 in the GNT

2 Samuel 5 in the HARY

2 Samuel 5 in the HNT

2 Samuel 5 in the IRVA

2 Samuel 5 in the IRVB

2 Samuel 5 in the IRVG

2 Samuel 5 in the IRVH

2 Samuel 5 in the IRVK

2 Samuel 5 in the IRVM

2 Samuel 5 in the IRVM2

2 Samuel 5 in the IRVO

2 Samuel 5 in the IRVP

2 Samuel 5 in the IRVT

2 Samuel 5 in the IRVT2

2 Samuel 5 in the IRVU

2 Samuel 5 in the ISVN

2 Samuel 5 in the JSNT

2 Samuel 5 in the KAPI

2 Samuel 5 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 5 in the KBV

2 Samuel 5 in the KJV

2 Samuel 5 in the KNFD

2 Samuel 5 in the LBA

2 Samuel 5 in the LBLA

2 Samuel 5 in the LNT

2 Samuel 5 in the LSV

2 Samuel 5 in the MAAL

2 Samuel 5 in the MBV

2 Samuel 5 in the MBV2

2 Samuel 5 in the MHNT

2 Samuel 5 in the MKNFD

2 Samuel 5 in the MNG

2 Samuel 5 in the MNT

2 Samuel 5 in the MNT2

2 Samuel 5 in the MRS1T

2 Samuel 5 in the NAA

2 Samuel 5 in the NASB

2 Samuel 5 in the NBLA

2 Samuel 5 in the NBS

2 Samuel 5 in the NBVTP

2 Samuel 5 in the NET2

2 Samuel 5 in the NIV11

2 Samuel 5 in the NNT

2 Samuel 5 in the NNT2

2 Samuel 5 in the NNT3

2 Samuel 5 in the PDDPT

2 Samuel 5 in the PFNT

2 Samuel 5 in the RMNT

2 Samuel 5 in the SBIAS

2 Samuel 5 in the SBIBS

2 Samuel 5 in the SBIBS2

2 Samuel 5 in the SBICS

2 Samuel 5 in the SBIDS

2 Samuel 5 in the SBIGS

2 Samuel 5 in the SBIHS

2 Samuel 5 in the SBIIS

2 Samuel 5 in the SBIIS2

2 Samuel 5 in the SBIIS3

2 Samuel 5 in the SBIKS

2 Samuel 5 in the SBIKS2

2 Samuel 5 in the SBIMS

2 Samuel 5 in the SBIOS

2 Samuel 5 in the SBIPS

2 Samuel 5 in the SBISS

2 Samuel 5 in the SBITS

2 Samuel 5 in the SBITS2

2 Samuel 5 in the SBITS3

2 Samuel 5 in the SBITS4

2 Samuel 5 in the SBIUS

2 Samuel 5 in the SBIVS

2 Samuel 5 in the SBT

2 Samuel 5 in the SBT1E

2 Samuel 5 in the SCHL

2 Samuel 5 in the SNT

2 Samuel 5 in the SUSU

2 Samuel 5 in the SUSU2

2 Samuel 5 in the SYNO

2 Samuel 5 in the TBIAOTANT

2 Samuel 5 in the TBT1E

2 Samuel 5 in the TBT1E2

2 Samuel 5 in the TFTIP

2 Samuel 5 in the TFTU

2 Samuel 5 in the TGNTATF3T

2 Samuel 5 in the THAI

2 Samuel 5 in the TNFD

2 Samuel 5 in the TNT

2 Samuel 5 in the TNTIK

2 Samuel 5 in the TNTIL

2 Samuel 5 in the TNTIN

2 Samuel 5 in the TNTIP

2 Samuel 5 in the TNTIZ

2 Samuel 5 in the TOMA

2 Samuel 5 in the TTENT

2 Samuel 5 in the UBG

2 Samuel 5 in the UGV

2 Samuel 5 in the UGV2

2 Samuel 5 in the UGV3

2 Samuel 5 in the VBL

2 Samuel 5 in the VDCC

2 Samuel 5 in the YALU

2 Samuel 5 in the YAPE

2 Samuel 5 in the YBVTP

2 Samuel 5 in the ZBP