2 Samuel 6 (BOSCB)

1 Dhavhidhi akaunganidza zvakare varume veIsraeri vakanga vasarudzwa, vaisvika makumi matatu ezviuru. 2 Akasimuka akaenda navanhu vose vaakanga anavo kuBhaara reJudha, kundotora areka yaMwari kubva ikoko, iyo inodanwa neZita, iro zita raJehovha Wamasimba Ose, agere pakati pamakerubhi ari pamusoro peareka. 3 Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi 4 areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo. 5 Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matambureni, ngoma dzamatare namakandira. 6 Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa. 7 Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari. 8 Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza. 9 Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?” 10 Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti. 11 Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza, iye neimba yake yose. 12 Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro. 13 Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa. 14 Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose, 15 iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda. 16 Areka yaJehovha payakanga yopinda muGuta raDhavhidhi, Mikari mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye paakaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make. 17 Vakasvika neareka yaJehovha vakaigadzika panzvimbo yayo mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, uye Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha. 18 Zvino akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha Wamasimba Ose. 19 Ipapo akazotorazve chingwa, keke ramadheti nekeke ramazambiringa akaomeswa akazvipa kuno mumwe nomumwe weungano yose yavaIsraeri, varume navakadzi. Uye vanhu vose vakaenda kudzimba dzavo. 20 Dhavhidhi paakadzokera kumba kuti andoropafadza veimba yake, Mikari mwanasikana waSauro akabuda kundosangana naye akati, “Mambo weIsraeri azvisimudzira sei nhasi, zvaabvisa nguo dzoushe pamberi pavarandakadzi vavaranda vake sezvinoitwa nebenzi ripi zvaro.” 21 Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndazviita pamberi paJehovha, iye akandisarudza pachinzvimbo chababa vako kana mumwe munhu upi zvake muimba yake uye akandiita kuti ndive mutongi wavanhu vaJehovha, vaIsraeri; naizvozvo ndichapembera pamberi paJehovha. 22 Ndichazvideredza kupfuura izvi, uye ndichazvininipisa pachangu. Asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.” 23 Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.

In Other Versions

2 Samuel 6 in the ANGEFD

2 Samuel 6 in the ANTPNG2D

2 Samuel 6 in the AS21

2 Samuel 6 in the BAGH

2 Samuel 6 in the BBPNG

2 Samuel 6 in the BBT1E

2 Samuel 6 in the BDS

2 Samuel 6 in the BEV

2 Samuel 6 in the BHAD

2 Samuel 6 in the BIB

2 Samuel 6 in the BLPT

2 Samuel 6 in the BNT

2 Samuel 6 in the BNTABOOT

2 Samuel 6 in the BNTLV

2 Samuel 6 in the BOATCB

2 Samuel 6 in the BOATCB2

2 Samuel 6 in the BOBCV

2 Samuel 6 in the BOCNT

2 Samuel 6 in the BOECS

2 Samuel 6 in the BOGWICC

2 Samuel 6 in the BOHCB

2 Samuel 6 in the BOHCV

2 Samuel 6 in the BOHLNT

2 Samuel 6 in the BOHNTLTAL

2 Samuel 6 in the BOICB

2 Samuel 6 in the BOILNTAP

2 Samuel 6 in the BOITCV

2 Samuel 6 in the BOKCV

2 Samuel 6 in the BOKCV2

2 Samuel 6 in the BOKHWOG

2 Samuel 6 in the BOKSSV

2 Samuel 6 in the BOLCB

2 Samuel 6 in the BOLCB2

2 Samuel 6 in the BOMCV

2 Samuel 6 in the BONAV

2 Samuel 6 in the BONCB

2 Samuel 6 in the BONLT

2 Samuel 6 in the BONUT2

2 Samuel 6 in the BOPLNT

2 Samuel 6 in the BOSNC

2 Samuel 6 in the BOTLNT

2 Samuel 6 in the BOVCB

2 Samuel 6 in the BOYCB

2 Samuel 6 in the BPBB

2 Samuel 6 in the BPH

2 Samuel 6 in the BSB

2 Samuel 6 in the CCB

2 Samuel 6 in the CUV

2 Samuel 6 in the CUVS

2 Samuel 6 in the DBT

2 Samuel 6 in the DGDNT

2 Samuel 6 in the DHNT

2 Samuel 6 in the DNT

2 Samuel 6 in the ELBE

2 Samuel 6 in the EMTV

2 Samuel 6 in the ESV

2 Samuel 6 in the FBV

2 Samuel 6 in the FEB

2 Samuel 6 in the GGMNT

2 Samuel 6 in the GNT

2 Samuel 6 in the HARY

2 Samuel 6 in the HNT

2 Samuel 6 in the IRVA

2 Samuel 6 in the IRVB

2 Samuel 6 in the IRVG

2 Samuel 6 in the IRVH

2 Samuel 6 in the IRVK

2 Samuel 6 in the IRVM

2 Samuel 6 in the IRVM2

2 Samuel 6 in the IRVO

2 Samuel 6 in the IRVP

2 Samuel 6 in the IRVT

2 Samuel 6 in the IRVT2

2 Samuel 6 in the IRVU

2 Samuel 6 in the ISVN

2 Samuel 6 in the JSNT

2 Samuel 6 in the KAPI

2 Samuel 6 in the KBT1ETNIK

2 Samuel 6 in the KBV

2 Samuel 6 in the KJV

2 Samuel 6 in the KNFD

2 Samuel 6 in the LBA

2 Samuel 6 in the LBLA

2 Samuel 6 in the LNT

2 Samuel 6 in the LSV

2 Samuel 6 in the MAAL

2 Samuel 6 in the MBV

2 Samuel 6 in the MBV2

2 Samuel 6 in the MHNT

2 Samuel 6 in the MKNFD

2 Samuel 6 in the MNG

2 Samuel 6 in the MNT

2 Samuel 6 in the MNT2

2 Samuel 6 in the MRS1T

2 Samuel 6 in the NAA

2 Samuel 6 in the NASB

2 Samuel 6 in the NBLA

2 Samuel 6 in the NBS

2 Samuel 6 in the NBVTP

2 Samuel 6 in the NET2

2 Samuel 6 in the NIV11

2 Samuel 6 in the NNT

2 Samuel 6 in the NNT2

2 Samuel 6 in the NNT3

2 Samuel 6 in the PDDPT

2 Samuel 6 in the PFNT

2 Samuel 6 in the RMNT

2 Samuel 6 in the SBIAS

2 Samuel 6 in the SBIBS

2 Samuel 6 in the SBIBS2

2 Samuel 6 in the SBICS

2 Samuel 6 in the SBIDS

2 Samuel 6 in the SBIGS

2 Samuel 6 in the SBIHS

2 Samuel 6 in the SBIIS

2 Samuel 6 in the SBIIS2

2 Samuel 6 in the SBIIS3

2 Samuel 6 in the SBIKS

2 Samuel 6 in the SBIKS2

2 Samuel 6 in the SBIMS

2 Samuel 6 in the SBIOS

2 Samuel 6 in the SBIPS

2 Samuel 6 in the SBISS

2 Samuel 6 in the SBITS

2 Samuel 6 in the SBITS2

2 Samuel 6 in the SBITS3

2 Samuel 6 in the SBITS4

2 Samuel 6 in the SBIUS

2 Samuel 6 in the SBIVS

2 Samuel 6 in the SBT

2 Samuel 6 in the SBT1E

2 Samuel 6 in the SCHL

2 Samuel 6 in the SNT

2 Samuel 6 in the SUSU

2 Samuel 6 in the SUSU2

2 Samuel 6 in the SYNO

2 Samuel 6 in the TBIAOTANT

2 Samuel 6 in the TBT1E

2 Samuel 6 in the TBT1E2

2 Samuel 6 in the TFTIP

2 Samuel 6 in the TFTU

2 Samuel 6 in the TGNTATF3T

2 Samuel 6 in the THAI

2 Samuel 6 in the TNFD

2 Samuel 6 in the TNT

2 Samuel 6 in the TNTIK

2 Samuel 6 in the TNTIL

2 Samuel 6 in the TNTIN

2 Samuel 6 in the TNTIP

2 Samuel 6 in the TNTIZ

2 Samuel 6 in the TOMA

2 Samuel 6 in the TTENT

2 Samuel 6 in the UBG

2 Samuel 6 in the UGV

2 Samuel 6 in the UGV2

2 Samuel 6 in the UGV3

2 Samuel 6 in the VBL

2 Samuel 6 in the VDCC

2 Samuel 6 in the YALU

2 Samuel 6 in the YAPE

2 Samuel 6 in the YBVTP

2 Samuel 6 in the ZBP