Deuteronomy 26 (BOSCB)
1 Kana uchinge wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka uye kana uchinge waitora wava kugara mairi, 2 utore zvimwe zvezvibereko zvose zvokutanga zvauchakohwa kubva pavhu renyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako ugozviisa mudengu. Ipapo ugoenda kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wako achasarudza kuti Zita rake rigarepo, 3 uye ugoti kumuprista ari kushumira panguva iyoyo, “Ndinozvireva nhasi pamberi paJehovha Mwari wako kuti ndasvika munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha kuti achatipa.” 4 Muprista anofanira kutora dengu kubva mumaoko ako agoriisa pasi pamberi pearitari yaJehovha Mwari wake. 5 Ipapo uchataura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, “Baba vangu vakanga vari muAramu mufambi, vakadzika vakaenda kuIjipiti navanhu vashoma uye vakagarako vakazova rudzi rukuru, rune simba uye runa vanhu vazhinji. 6 Asi vaIjipita vakatiitira zvakaipa, vakatitambudza, vachitibatisa basa rinorema. 7 Ipapo takadana kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu akaona kutambudzika kwedu, kushandiswa nokumanikidzwa kwedu. 8 Saka Jehovha akatibudisa muIjipiti nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo uye nezvishamiso. 9 Akatiuyisa panzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi. 10 Zvino ndauya nezvibereko zvokutanga zvevhu ramakandipa imi, iyemi Jehovha.” Uise dengu pamberi paJehovha Mwari wako uye ugopfugama pamberi pake. 11 Uye iwe navaRevhi, navatorwa vari pakati penyu muchafara mune zvose zvakanaka zvawakaitirwa naJehovha Mwari wako, iwe nemhuri yako. 12 Kana uchinge wapedza kutsaura chegumi chezvose zvawakawana mugore rechitatu, gore rechegumi, uchachipa kuvaRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, kuitira kuti vagodya vachiguta mumaguta enyu. 13 Ipapo ugoti kuna Jehovha Mwari wako, “Ndabvisa mugove mutsvene paimba yangu uye ndaupa kumuRevhi, nokumutorwa, nokunherera uye nokuchirikadzi, maererano nezvose zvamakarayira. Handina kutsauka kubva pamirayiro yenyu kana kukanganwa kunyange mumwe chete zvawo. 14 Handina kudya kana chikamu zvacho chomugove mutsvene panguva yandaiva pakuchema, kana kubvisa chikamu chawo panguva yandaiva ndisina kunatswa, kana kupa chikamu chawo kuvakafa. Ndakateerera Jehovha Mwari wangu; ndaita zvose zvamakandirayira. 15 Tarirai muri kudenga, panzvimbo yougaro hwenyu tsvene, mugoropafadza vanhu venyu Israeri uye nenyika yamakatipa sezvamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.” 16 Jehovha Mwari wenyu anokurayirai nhasi kuti muteerere mitemo nemirayiro iyi; muchenjerere kuichengeta nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 17 Mareva nhasi kuti Jehovha ndiye Mwari wenyu uye kuti muchafamba munzira dzake, uye kuti muchamuteerera. 18 Uye Jehovha azvireva nhasi kuti imi muri vanhu vake, pfuma yake inokosha sezvaakavimbisa, uye kuti imi muchachengeta mirayiro yake. 19 Ati achakukurisai kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita pakurumbidzwa, napamukurumbira napakukudzwa kuti muve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, sezvaakavimbisa.
In Other Versions
Deuteronomy 26 in the ANGEFD
Deuteronomy 26 in the ANTPNG2D
Deuteronomy 26 in the AS21
Deuteronomy 26 in the BAGH
Deuteronomy 26 in the BBPNG
Deuteronomy 26 in the BBT1E
Deuteronomy 26 in the BDS
Deuteronomy 26 in the BEV
Deuteronomy 26 in the BHAD
Deuteronomy 26 in the BIB
Deuteronomy 26 in the BLPT
Deuteronomy 26 in the BNT
Deuteronomy 26 in the BNTABOOT
Deuteronomy 26 in the BNTLV
Deuteronomy 26 in the BOATCB
Deuteronomy 26 in the BOATCB2
Deuteronomy 26 in the BOBCV
Deuteronomy 26 in the BOCNT
Deuteronomy 26 in the BOECS
Deuteronomy 26 in the BOGWICC
Deuteronomy 26 in the BOHCB
Deuteronomy 26 in the BOHCV
Deuteronomy 26 in the BOHLNT
Deuteronomy 26 in the BOHNTLTAL
Deuteronomy 26 in the BOICB
Deuteronomy 26 in the BOILNTAP
Deuteronomy 26 in the BOITCV
Deuteronomy 26 in the BOKCV
Deuteronomy 26 in the BOKCV2
Deuteronomy 26 in the BOKHWOG
Deuteronomy 26 in the BOKSSV
Deuteronomy 26 in the BOLCB
Deuteronomy 26 in the BOLCB2
Deuteronomy 26 in the BOMCV
Deuteronomy 26 in the BONAV
Deuteronomy 26 in the BONCB
Deuteronomy 26 in the BONLT
Deuteronomy 26 in the BONUT2
Deuteronomy 26 in the BOPLNT
Deuteronomy 26 in the BOSNC
Deuteronomy 26 in the BOTLNT
Deuteronomy 26 in the BOVCB
Deuteronomy 26 in the BOYCB
Deuteronomy 26 in the BPBB
Deuteronomy 26 in the BPH
Deuteronomy 26 in the BSB
Deuteronomy 26 in the CCB
Deuteronomy 26 in the CUV
Deuteronomy 26 in the CUVS
Deuteronomy 26 in the DBT
Deuteronomy 26 in the DGDNT
Deuteronomy 26 in the DHNT
Deuteronomy 26 in the DNT
Deuteronomy 26 in the ELBE
Deuteronomy 26 in the EMTV
Deuteronomy 26 in the ESV
Deuteronomy 26 in the FBV
Deuteronomy 26 in the FEB
Deuteronomy 26 in the GGMNT
Deuteronomy 26 in the GNT
Deuteronomy 26 in the HARY
Deuteronomy 26 in the HNT
Deuteronomy 26 in the IRVA
Deuteronomy 26 in the IRVB
Deuteronomy 26 in the IRVG
Deuteronomy 26 in the IRVH
Deuteronomy 26 in the IRVK
Deuteronomy 26 in the IRVM
Deuteronomy 26 in the IRVM2
Deuteronomy 26 in the IRVO
Deuteronomy 26 in the IRVP
Deuteronomy 26 in the IRVT
Deuteronomy 26 in the IRVT2
Deuteronomy 26 in the IRVU
Deuteronomy 26 in the ISVN
Deuteronomy 26 in the JSNT
Deuteronomy 26 in the KAPI
Deuteronomy 26 in the KBT1ETNIK
Deuteronomy 26 in the KBV
Deuteronomy 26 in the KJV
Deuteronomy 26 in the KNFD
Deuteronomy 26 in the LBA
Deuteronomy 26 in the LBLA
Deuteronomy 26 in the LNT
Deuteronomy 26 in the LSV
Deuteronomy 26 in the MAAL
Deuteronomy 26 in the MBV
Deuteronomy 26 in the MBV2
Deuteronomy 26 in the MHNT
Deuteronomy 26 in the MKNFD
Deuteronomy 26 in the MNG
Deuteronomy 26 in the MNT
Deuteronomy 26 in the MNT2
Deuteronomy 26 in the MRS1T
Deuteronomy 26 in the NAA
Deuteronomy 26 in the NASB
Deuteronomy 26 in the NBLA
Deuteronomy 26 in the NBS
Deuteronomy 26 in the NBVTP
Deuteronomy 26 in the NET2
Deuteronomy 26 in the NIV11
Deuteronomy 26 in the NNT
Deuteronomy 26 in the NNT2
Deuteronomy 26 in the NNT3
Deuteronomy 26 in the PDDPT
Deuteronomy 26 in the PFNT
Deuteronomy 26 in the RMNT
Deuteronomy 26 in the SBIAS
Deuteronomy 26 in the SBIBS
Deuteronomy 26 in the SBIBS2
Deuteronomy 26 in the SBICS
Deuteronomy 26 in the SBIDS
Deuteronomy 26 in the SBIGS
Deuteronomy 26 in the SBIHS
Deuteronomy 26 in the SBIIS
Deuteronomy 26 in the SBIIS2
Deuteronomy 26 in the SBIIS3
Deuteronomy 26 in the SBIKS
Deuteronomy 26 in the SBIKS2
Deuteronomy 26 in the SBIMS
Deuteronomy 26 in the SBIOS
Deuteronomy 26 in the SBIPS
Deuteronomy 26 in the SBISS
Deuteronomy 26 in the SBITS
Deuteronomy 26 in the SBITS2
Deuteronomy 26 in the SBITS3
Deuteronomy 26 in the SBITS4
Deuteronomy 26 in the SBIUS
Deuteronomy 26 in the SBIVS
Deuteronomy 26 in the SBT
Deuteronomy 26 in the SBT1E
Deuteronomy 26 in the SCHL
Deuteronomy 26 in the SNT
Deuteronomy 26 in the SUSU
Deuteronomy 26 in the SUSU2
Deuteronomy 26 in the SYNO
Deuteronomy 26 in the TBIAOTANT
Deuteronomy 26 in the TBT1E
Deuteronomy 26 in the TBT1E2
Deuteronomy 26 in the TFTIP
Deuteronomy 26 in the TFTU
Deuteronomy 26 in the TGNTATF3T
Deuteronomy 26 in the THAI
Deuteronomy 26 in the TNFD
Deuteronomy 26 in the TNT
Deuteronomy 26 in the TNTIK
Deuteronomy 26 in the TNTIL
Deuteronomy 26 in the TNTIN
Deuteronomy 26 in the TNTIP
Deuteronomy 26 in the TNTIZ
Deuteronomy 26 in the TOMA
Deuteronomy 26 in the TTENT
Deuteronomy 26 in the UBG
Deuteronomy 26 in the UGV
Deuteronomy 26 in the UGV2
Deuteronomy 26 in the UGV3
Deuteronomy 26 in the VBL
Deuteronomy 26 in the VDCC
Deuteronomy 26 in the YALU
Deuteronomy 26 in the YAPE
Deuteronomy 26 in the YBVTP
Deuteronomy 26 in the ZBP