Ephesians 3 (BOSCB)
1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi veDzimwe Ndudzi: 2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, 3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu. 4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakavanzika chaKristu, 5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari. 6 Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu. 7 Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake. 8 Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki; 9 uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. 10 Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga, 11 maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. 12 Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi. 13 Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu. 14 Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba, 15 nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari. 16 Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, 17 kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, 18 muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, 19 uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari. 20 Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu, 21 ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.
In Other Versions
Ephesians 3 in the ANGEFD
Ephesians 3 in the ANTPNG2D
Ephesians 3 in the AS21
Ephesians 3 in the BAGH
Ephesians 3 in the BBPNG
Ephesians 3 in the BBT1E
Ephesians 3 in the BDS
Ephesians 3 in the BEV
Ephesians 3 in the BHAD
Ephesians 3 in the BIB
Ephesians 3 in the BLPT
Ephesians 3 in the BNT
Ephesians 3 in the BNTABOOT
Ephesians 3 in the BNTLV
Ephesians 3 in the BOATCB
Ephesians 3 in the BOATCB2
Ephesians 3 in the BOBCV
Ephesians 3 in the BOCNT
Ephesians 3 in the BOECS
Ephesians 3 in the BOGWICC
Ephesians 3 in the BOHCB
Ephesians 3 in the BOHCV
Ephesians 3 in the BOHLNT
Ephesians 3 in the BOHNTLTAL
Ephesians 3 in the BOICB
Ephesians 3 in the BOILNTAP
Ephesians 3 in the BOITCV
Ephesians 3 in the BOKCV
Ephesians 3 in the BOKCV2
Ephesians 3 in the BOKHWOG
Ephesians 3 in the BOKSSV
Ephesians 3 in the BOLCB
Ephesians 3 in the BOLCB2
Ephesians 3 in the BOMCV
Ephesians 3 in the BONAV
Ephesians 3 in the BONCB
Ephesians 3 in the BONLT
Ephesians 3 in the BONUT2
Ephesians 3 in the BOPLNT
Ephesians 3 in the BOSNC
Ephesians 3 in the BOTLNT
Ephesians 3 in the BOVCB
Ephesians 3 in the BOYCB
Ephesians 3 in the BPBB
Ephesians 3 in the BPH
Ephesians 3 in the BSB
Ephesians 3 in the CCB
Ephesians 3 in the CUV
Ephesians 3 in the CUVS
Ephesians 3 in the DBT
Ephesians 3 in the DGDNT
Ephesians 3 in the DHNT
Ephesians 3 in the DNT
Ephesians 3 in the ELBE
Ephesians 3 in the EMTV
Ephesians 3 in the ESV
Ephesians 3 in the FBV
Ephesians 3 in the FEB
Ephesians 3 in the GGMNT
Ephesians 3 in the GNT
Ephesians 3 in the HARY
Ephesians 3 in the HNT
Ephesians 3 in the IRVA
Ephesians 3 in the IRVB
Ephesians 3 in the IRVG
Ephesians 3 in the IRVH
Ephesians 3 in the IRVK
Ephesians 3 in the IRVM
Ephesians 3 in the IRVM2
Ephesians 3 in the IRVO
Ephesians 3 in the IRVP
Ephesians 3 in the IRVT
Ephesians 3 in the IRVT2
Ephesians 3 in the IRVU
Ephesians 3 in the ISVN
Ephesians 3 in the JSNT
Ephesians 3 in the KAPI
Ephesians 3 in the KBT1ETNIK
Ephesians 3 in the KBV
Ephesians 3 in the KJV
Ephesians 3 in the KNFD
Ephesians 3 in the LBA
Ephesians 3 in the LBLA
Ephesians 3 in the LNT
Ephesians 3 in the LSV
Ephesians 3 in the MAAL
Ephesians 3 in the MBV
Ephesians 3 in the MBV2
Ephesians 3 in the MHNT
Ephesians 3 in the MKNFD
Ephesians 3 in the MNG
Ephesians 3 in the MNT
Ephesians 3 in the MNT2
Ephesians 3 in the MRS1T
Ephesians 3 in the NAA
Ephesians 3 in the NASB
Ephesians 3 in the NBLA
Ephesians 3 in the NBS
Ephesians 3 in the NBVTP
Ephesians 3 in the NET2
Ephesians 3 in the NIV11
Ephesians 3 in the NNT
Ephesians 3 in the NNT2
Ephesians 3 in the NNT3
Ephesians 3 in the PDDPT
Ephesians 3 in the PFNT
Ephesians 3 in the RMNT
Ephesians 3 in the SBIAS
Ephesians 3 in the SBIBS
Ephesians 3 in the SBIBS2
Ephesians 3 in the SBICS
Ephesians 3 in the SBIDS
Ephesians 3 in the SBIGS
Ephesians 3 in the SBIHS
Ephesians 3 in the SBIIS
Ephesians 3 in the SBIIS2
Ephesians 3 in the SBIIS3
Ephesians 3 in the SBIKS
Ephesians 3 in the SBIKS2
Ephesians 3 in the SBIMS
Ephesians 3 in the SBIOS
Ephesians 3 in the SBIPS
Ephesians 3 in the SBISS
Ephesians 3 in the SBITS
Ephesians 3 in the SBITS2
Ephesians 3 in the SBITS3
Ephesians 3 in the SBITS4
Ephesians 3 in the SBIUS
Ephesians 3 in the SBIVS
Ephesians 3 in the SBT
Ephesians 3 in the SBT1E
Ephesians 3 in the SCHL
Ephesians 3 in the SNT
Ephesians 3 in the SUSU
Ephesians 3 in the SUSU2
Ephesians 3 in the SYNO
Ephesians 3 in the TBIAOTANT
Ephesians 3 in the TBT1E
Ephesians 3 in the TBT1E2
Ephesians 3 in the TFTIP
Ephesians 3 in the TFTU
Ephesians 3 in the TGNTATF3T
Ephesians 3 in the THAI
Ephesians 3 in the TNFD
Ephesians 3 in the TNT
Ephesians 3 in the TNTIK
Ephesians 3 in the TNTIL
Ephesians 3 in the TNTIN
Ephesians 3 in the TNTIP
Ephesians 3 in the TNTIZ
Ephesians 3 in the TOMA
Ephesians 3 in the TTENT
Ephesians 3 in the UBG
Ephesians 3 in the UGV
Ephesians 3 in the UGV2
Ephesians 3 in the UGV3
Ephesians 3 in the VBL
Ephesians 3 in the VDCC
Ephesians 3 in the YALU
Ephesians 3 in the YAPE
Ephesians 3 in the YBVTP
Ephesians 3 in the ZBP