Esther 6 (BOSCB)
1 Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. 2 Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi. 3 Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.”Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.” 4 Mambo akati, “Ndiani ari muruvazhe?” Zvino Hamani akanga achangopinda muruvazhe rwokunze rwapamuzinda kuti azotaura kuna mambo maererano nokusungirira Modhekai pamatanda aakanga amisa. 5 Varanda vake vakati, “Hamani amire paruvazhe?”Mambo akarayira achiti, “Uyai naye muno.” 6 Hamani paakapinda, mambo akamubvunza achiti, “Chii chingaitwa namambo kumunhu waangafarira kukudza?”Ipapo Hamani akati mumwoyo make, “Ndiani aripo angada kukudzwa namambo kunze kwangu?” 7 Naizvozvo akapindura mambo akati, “Iye munhu, mambo waanofarira kukudza, 8 ngavamutorere nguo youshe yakambopfekwa namambo nebhiza rakambotasvwa namambo, rine korona youshe yakaiswa pamusoro paro. 9 Ipapo nguo youshe nebhiza ngazviiswe kuno mumwe wamakurukota amambo anokudzwa kwazvo. Ngavapfekedze munhu uyo mambo waanofarira kukudza, vamutungamirire ari pabhiza vachipinda nomumigwagwa iri pakati peguta, vachidanidzira pamberi pake vachiti, ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu uyo mambo anofarira kukudza!’ ” 10 Mambo akarayira Hamani achiti, “Enda nokukurumidza, utore nguo nebhiza uitire Modhekai muJudha, sezvawareva, uyo anogara pasuo ramambo. Usambosiya kana chinhu chimwe chezvawareva.” 11 Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!” 12 Mushure mezvo Modhekai akadzokera pasuo ramambo. Asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba, achichema akafukidza musoro wake, 13 uye akandoudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakanga zvaitika kwaari.Varayiri vake nomukadzi wake Zereshi vakati kwaari, “Sezvo Modhekai, uyo aita kuti uwe pamberi pake, ari wechiJudha, haugoni kumirisana naye, zvirokwazvo uchaparara!” 14 Vakati vachiri kutaura naye, varanda vamambo vakasvika ndokuita kuti Hamani aende kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.
In Other Versions
Esther 6 in the ANGEFD
Esther 6 in the ANTPNG2D
Esther 6 in the AS21
Esther 6 in the BAGH
Esther 6 in the BBPNG
Esther 6 in the BBT1E
Esther 6 in the BDS
Esther 6 in the BEV
Esther 6 in the BHAD
Esther 6 in the BIB
Esther 6 in the BLPT
Esther 6 in the BNT
Esther 6 in the BNTABOOT
Esther 6 in the BNTLV
Esther 6 in the BOATCB
Esther 6 in the BOATCB2
Esther 6 in the BOBCV
Esther 6 in the BOCNT
Esther 6 in the BOECS
Esther 6 in the BOGWICC
Esther 6 in the BOHCB
Esther 6 in the BOHCV
Esther 6 in the BOHLNT
Esther 6 in the BOHNTLTAL
Esther 6 in the BOICB
Esther 6 in the BOILNTAP
Esther 6 in the BOITCV
Esther 6 in the BOKCV
Esther 6 in the BOKCV2
Esther 6 in the BOKHWOG
Esther 6 in the BOKSSV
Esther 6 in the BOLCB
Esther 6 in the BOLCB2
Esther 6 in the BOMCV
Esther 6 in the BONAV
Esther 6 in the BONCB
Esther 6 in the BONLT
Esther 6 in the BONUT2
Esther 6 in the BOPLNT
Esther 6 in the BOSNC
Esther 6 in the BOTLNT
Esther 6 in the BOVCB
Esther 6 in the BOYCB
Esther 6 in the BPBB
Esther 6 in the BPH
Esther 6 in the BSB
Esther 6 in the CCB
Esther 6 in the CUV
Esther 6 in the CUVS
Esther 6 in the DBT
Esther 6 in the DGDNT
Esther 6 in the DHNT
Esther 6 in the DNT
Esther 6 in the ELBE
Esther 6 in the EMTV
Esther 6 in the ESV
Esther 6 in the FBV
Esther 6 in the FEB
Esther 6 in the GGMNT
Esther 6 in the GNT
Esther 6 in the HARY
Esther 6 in the HNT
Esther 6 in the IRVA
Esther 6 in the IRVB
Esther 6 in the IRVG
Esther 6 in the IRVH
Esther 6 in the IRVK
Esther 6 in the IRVM
Esther 6 in the IRVM2
Esther 6 in the IRVO
Esther 6 in the IRVP
Esther 6 in the IRVT
Esther 6 in the IRVT2
Esther 6 in the IRVU
Esther 6 in the ISVN
Esther 6 in the JSNT
Esther 6 in the KAPI
Esther 6 in the KBT1ETNIK
Esther 6 in the KBV
Esther 6 in the KJV
Esther 6 in the KNFD
Esther 6 in the LBA
Esther 6 in the LBLA
Esther 6 in the LNT
Esther 6 in the LSV
Esther 6 in the MAAL
Esther 6 in the MBV
Esther 6 in the MBV2
Esther 6 in the MHNT
Esther 6 in the MKNFD
Esther 6 in the MNG
Esther 6 in the MNT
Esther 6 in the MNT2
Esther 6 in the MRS1T
Esther 6 in the NAA
Esther 6 in the NASB
Esther 6 in the NBLA
Esther 6 in the NBS
Esther 6 in the NBVTP
Esther 6 in the NET2
Esther 6 in the NIV11
Esther 6 in the NNT
Esther 6 in the NNT2
Esther 6 in the NNT3
Esther 6 in the PDDPT
Esther 6 in the PFNT
Esther 6 in the RMNT
Esther 6 in the SBIAS
Esther 6 in the SBIBS
Esther 6 in the SBIBS2
Esther 6 in the SBICS
Esther 6 in the SBIDS
Esther 6 in the SBIGS
Esther 6 in the SBIHS
Esther 6 in the SBIIS
Esther 6 in the SBIIS2
Esther 6 in the SBIIS3
Esther 6 in the SBIKS
Esther 6 in the SBIKS2
Esther 6 in the SBIMS
Esther 6 in the SBIOS
Esther 6 in the SBIPS
Esther 6 in the SBISS
Esther 6 in the SBITS
Esther 6 in the SBITS2
Esther 6 in the SBITS3
Esther 6 in the SBITS4
Esther 6 in the SBIUS
Esther 6 in the SBIVS
Esther 6 in the SBT
Esther 6 in the SBT1E
Esther 6 in the SCHL
Esther 6 in the SNT
Esther 6 in the SUSU
Esther 6 in the SUSU2
Esther 6 in the SYNO
Esther 6 in the TBIAOTANT
Esther 6 in the TBT1E
Esther 6 in the TBT1E2
Esther 6 in the TFTIP
Esther 6 in the TFTU
Esther 6 in the TGNTATF3T
Esther 6 in the THAI
Esther 6 in the TNFD
Esther 6 in the TNT
Esther 6 in the TNTIK
Esther 6 in the TNTIL
Esther 6 in the TNTIN
Esther 6 in the TNTIP
Esther 6 in the TNTIZ
Esther 6 in the TOMA
Esther 6 in the TTENT
Esther 6 in the UBG
Esther 6 in the UGV
Esther 6 in the UGV2
Esther 6 in the UGV3
Esther 6 in the VBL
Esther 6 in the VDCC
Esther 6 in the YALU
Esther 6 in the YAPE
Esther 6 in the YBVTP
Esther 6 in the ZBP