Exodus 24 (BOSCB)
1 Ipapo akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe, 2 asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.” 3 Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.” 4 Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha.Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri. 5 Ipapo akatuma majaya avaIsraeri, uye vakapa zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira hando duku sezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha. 6 Mozisi akatora hafu yeropa akariisa mumidziyo, uye imwe hafu akaisasa paaritari. 7 Ipapo akatora Bhuku reSungano akariverengera vanhu. Ivo vakati, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha; tichazviteerera.” 8 Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.” 9 Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira 10 uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafire, chakanga chichionekwa sedenga pacharo. 11 Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa. 12 Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.” 13 Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari. 14 Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.” 15 Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza, 16 uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore. 17 KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. 18 Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
In Other Versions
Exodus 24 in the ANGEFD
Exodus 24 in the ANTPNG2D
Exodus 24 in the AS21
Exodus 24 in the BAGH
Exodus 24 in the BBPNG
Exodus 24 in the BBT1E
Exodus 24 in the BDS
Exodus 24 in the BEV
Exodus 24 in the BHAD
Exodus 24 in the BIB
Exodus 24 in the BLPT
Exodus 24 in the BNT
Exodus 24 in the BNTABOOT
Exodus 24 in the BNTLV
Exodus 24 in the BOATCB
Exodus 24 in the BOATCB2
Exodus 24 in the BOBCV
Exodus 24 in the BOCNT
Exodus 24 in the BOECS
Exodus 24 in the BOGWICC
Exodus 24 in the BOHCB
Exodus 24 in the BOHCV
Exodus 24 in the BOHLNT
Exodus 24 in the BOHNTLTAL
Exodus 24 in the BOICB
Exodus 24 in the BOILNTAP
Exodus 24 in the BOITCV
Exodus 24 in the BOKCV
Exodus 24 in the BOKCV2
Exodus 24 in the BOKHWOG
Exodus 24 in the BOKSSV
Exodus 24 in the BOLCB
Exodus 24 in the BOLCB2
Exodus 24 in the BOMCV
Exodus 24 in the BONAV
Exodus 24 in the BONCB
Exodus 24 in the BONLT
Exodus 24 in the BONUT2
Exodus 24 in the BOPLNT
Exodus 24 in the BOSNC
Exodus 24 in the BOTLNT
Exodus 24 in the BOVCB
Exodus 24 in the BOYCB
Exodus 24 in the BPBB
Exodus 24 in the BPH
Exodus 24 in the BSB
Exodus 24 in the CCB
Exodus 24 in the CUV
Exodus 24 in the CUVS
Exodus 24 in the DBT
Exodus 24 in the DGDNT
Exodus 24 in the DHNT
Exodus 24 in the DNT
Exodus 24 in the ELBE
Exodus 24 in the EMTV
Exodus 24 in the ESV
Exodus 24 in the FBV
Exodus 24 in the FEB
Exodus 24 in the GGMNT
Exodus 24 in the GNT
Exodus 24 in the HARY
Exodus 24 in the HNT
Exodus 24 in the IRVA
Exodus 24 in the IRVB
Exodus 24 in the IRVG
Exodus 24 in the IRVH
Exodus 24 in the IRVK
Exodus 24 in the IRVM
Exodus 24 in the IRVM2
Exodus 24 in the IRVO
Exodus 24 in the IRVP
Exodus 24 in the IRVT
Exodus 24 in the IRVT2
Exodus 24 in the IRVU
Exodus 24 in the ISVN
Exodus 24 in the JSNT
Exodus 24 in the KAPI
Exodus 24 in the KBT1ETNIK
Exodus 24 in the KBV
Exodus 24 in the KJV
Exodus 24 in the KNFD
Exodus 24 in the LBA
Exodus 24 in the LBLA
Exodus 24 in the LNT
Exodus 24 in the LSV
Exodus 24 in the MAAL
Exodus 24 in the MBV
Exodus 24 in the MBV2
Exodus 24 in the MHNT
Exodus 24 in the MKNFD
Exodus 24 in the MNG
Exodus 24 in the MNT
Exodus 24 in the MNT2
Exodus 24 in the MRS1T
Exodus 24 in the NAA
Exodus 24 in the NASB
Exodus 24 in the NBLA
Exodus 24 in the NBS
Exodus 24 in the NBVTP
Exodus 24 in the NET2
Exodus 24 in the NIV11
Exodus 24 in the NNT
Exodus 24 in the NNT2
Exodus 24 in the NNT3
Exodus 24 in the PDDPT
Exodus 24 in the PFNT
Exodus 24 in the RMNT
Exodus 24 in the SBIAS
Exodus 24 in the SBIBS
Exodus 24 in the SBIBS2
Exodus 24 in the SBICS
Exodus 24 in the SBIDS
Exodus 24 in the SBIGS
Exodus 24 in the SBIHS
Exodus 24 in the SBIIS
Exodus 24 in the SBIIS2
Exodus 24 in the SBIIS3
Exodus 24 in the SBIKS
Exodus 24 in the SBIKS2
Exodus 24 in the SBIMS
Exodus 24 in the SBIOS
Exodus 24 in the SBIPS
Exodus 24 in the SBISS
Exodus 24 in the SBITS
Exodus 24 in the SBITS2
Exodus 24 in the SBITS3
Exodus 24 in the SBITS4
Exodus 24 in the SBIUS
Exodus 24 in the SBIVS
Exodus 24 in the SBT
Exodus 24 in the SBT1E
Exodus 24 in the SCHL
Exodus 24 in the SNT
Exodus 24 in the SUSU
Exodus 24 in the SUSU2
Exodus 24 in the SYNO
Exodus 24 in the TBIAOTANT
Exodus 24 in the TBT1E
Exodus 24 in the TBT1E2
Exodus 24 in the TFTIP
Exodus 24 in the TFTU
Exodus 24 in the TGNTATF3T
Exodus 24 in the THAI
Exodus 24 in the TNFD
Exodus 24 in the TNT
Exodus 24 in the TNTIK
Exodus 24 in the TNTIL
Exodus 24 in the TNTIN
Exodus 24 in the TNTIP
Exodus 24 in the TNTIZ
Exodus 24 in the TOMA
Exodus 24 in the TTENT
Exodus 24 in the UBG
Exodus 24 in the UGV
Exodus 24 in the UGV2
Exodus 24 in the UGV3
Exodus 24 in the VBL
Exodus 24 in the VDCC
Exodus 24 in the YALU
Exodus 24 in the YAPE
Exodus 24 in the YBVTP
Exodus 24 in the ZBP