Exodus 25 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape. 3 “Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: “goridhe, sirivha, ndarira; 4 wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka;makushe embudzi; 5 matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa;matanda omuunga; 6 mafuta omuorivhi emwenje;zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira; 7 mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. 8 “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo. 9 Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza. 10 “Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu, upamhi kubhiti nehafu, uye kubhiti nehafu pakukwira. 11 Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza. 12 Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi. 13 Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe. 14 Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo. 15 Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa. 16 Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai. 17 “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti nehafu paupamhi. 18 Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. 19 Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. 20 Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. 21 Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai. 22 Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri. 23 “Uite tafura namatanda omuunga yakareba makubhiti maviri, kubhiti rimwe chete paupamhi uye kubhiti nehafu pakukwirira. 24 Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe. 25 Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruoko ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri. 26 Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo. 27 Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura. 28 Uite matanda omuunga, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo. 29 Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso. 30 Uise chingwa choKuratidza patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose. 31 “Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho. 32 Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve. 33 Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje. 34 Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva. 35 Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu. 36 Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa. 37 “Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho. 38 Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka. 39 Tarenda regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi. 40 Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.

In Other Versions

Exodus 25 in the ANGEFD

Exodus 25 in the ANTPNG2D

Exodus 25 in the AS21

Exodus 25 in the BAGH

Exodus 25 in the BBPNG

Exodus 25 in the BBT1E

Exodus 25 in the BDS

Exodus 25 in the BEV

Exodus 25 in the BHAD

Exodus 25 in the BIB

Exodus 25 in the BLPT

Exodus 25 in the BNT

Exodus 25 in the BNTABOOT

Exodus 25 in the BNTLV

Exodus 25 in the BOATCB

Exodus 25 in the BOATCB2

Exodus 25 in the BOBCV

Exodus 25 in the BOCNT

Exodus 25 in the BOECS

Exodus 25 in the BOGWICC

Exodus 25 in the BOHCB

Exodus 25 in the BOHCV

Exodus 25 in the BOHLNT

Exodus 25 in the BOHNTLTAL

Exodus 25 in the BOICB

Exodus 25 in the BOILNTAP

Exodus 25 in the BOITCV

Exodus 25 in the BOKCV

Exodus 25 in the BOKCV2

Exodus 25 in the BOKHWOG

Exodus 25 in the BOKSSV

Exodus 25 in the BOLCB

Exodus 25 in the BOLCB2

Exodus 25 in the BOMCV

Exodus 25 in the BONAV

Exodus 25 in the BONCB

Exodus 25 in the BONLT

Exodus 25 in the BONUT2

Exodus 25 in the BOPLNT

Exodus 25 in the BOSNC

Exodus 25 in the BOTLNT

Exodus 25 in the BOVCB

Exodus 25 in the BOYCB

Exodus 25 in the BPBB

Exodus 25 in the BPH

Exodus 25 in the BSB

Exodus 25 in the CCB

Exodus 25 in the CUV

Exodus 25 in the CUVS

Exodus 25 in the DBT

Exodus 25 in the DGDNT

Exodus 25 in the DHNT

Exodus 25 in the DNT

Exodus 25 in the ELBE

Exodus 25 in the EMTV

Exodus 25 in the ESV

Exodus 25 in the FBV

Exodus 25 in the FEB

Exodus 25 in the GGMNT

Exodus 25 in the GNT

Exodus 25 in the HARY

Exodus 25 in the HNT

Exodus 25 in the IRVA

Exodus 25 in the IRVB

Exodus 25 in the IRVG

Exodus 25 in the IRVH

Exodus 25 in the IRVK

Exodus 25 in the IRVM

Exodus 25 in the IRVM2

Exodus 25 in the IRVO

Exodus 25 in the IRVP

Exodus 25 in the IRVT

Exodus 25 in the IRVT2

Exodus 25 in the IRVU

Exodus 25 in the ISVN

Exodus 25 in the JSNT

Exodus 25 in the KAPI

Exodus 25 in the KBT1ETNIK

Exodus 25 in the KBV

Exodus 25 in the KJV

Exodus 25 in the KNFD

Exodus 25 in the LBA

Exodus 25 in the LBLA

Exodus 25 in the LNT

Exodus 25 in the LSV

Exodus 25 in the MAAL

Exodus 25 in the MBV

Exodus 25 in the MBV2

Exodus 25 in the MHNT

Exodus 25 in the MKNFD

Exodus 25 in the MNG

Exodus 25 in the MNT

Exodus 25 in the MNT2

Exodus 25 in the MRS1T

Exodus 25 in the NAA

Exodus 25 in the NASB

Exodus 25 in the NBLA

Exodus 25 in the NBS

Exodus 25 in the NBVTP

Exodus 25 in the NET2

Exodus 25 in the NIV11

Exodus 25 in the NNT

Exodus 25 in the NNT2

Exodus 25 in the NNT3

Exodus 25 in the PDDPT

Exodus 25 in the PFNT

Exodus 25 in the RMNT

Exodus 25 in the SBIAS

Exodus 25 in the SBIBS

Exodus 25 in the SBIBS2

Exodus 25 in the SBICS

Exodus 25 in the SBIDS

Exodus 25 in the SBIGS

Exodus 25 in the SBIHS

Exodus 25 in the SBIIS

Exodus 25 in the SBIIS2

Exodus 25 in the SBIIS3

Exodus 25 in the SBIKS

Exodus 25 in the SBIKS2

Exodus 25 in the SBIMS

Exodus 25 in the SBIOS

Exodus 25 in the SBIPS

Exodus 25 in the SBISS

Exodus 25 in the SBITS

Exodus 25 in the SBITS2

Exodus 25 in the SBITS3

Exodus 25 in the SBITS4

Exodus 25 in the SBIUS

Exodus 25 in the SBIVS

Exodus 25 in the SBT

Exodus 25 in the SBT1E

Exodus 25 in the SCHL

Exodus 25 in the SNT

Exodus 25 in the SUSU

Exodus 25 in the SUSU2

Exodus 25 in the SYNO

Exodus 25 in the TBIAOTANT

Exodus 25 in the TBT1E

Exodus 25 in the TBT1E2

Exodus 25 in the TFTIP

Exodus 25 in the TFTU

Exodus 25 in the TGNTATF3T

Exodus 25 in the THAI

Exodus 25 in the TNFD

Exodus 25 in the TNT

Exodus 25 in the TNTIK

Exodus 25 in the TNTIL

Exodus 25 in the TNTIN

Exodus 25 in the TNTIP

Exodus 25 in the TNTIZ

Exodus 25 in the TOMA

Exodus 25 in the TTENT

Exodus 25 in the UBG

Exodus 25 in the UGV

Exodus 25 in the UGV2

Exodus 25 in the UGV3

Exodus 25 in the VBL

Exodus 25 in the VDCC

Exodus 25 in the YALU

Exodus 25 in the YAPE

Exodus 25 in the YBVTP

Exodus 25 in the ZBP