Exodus 6 (BOSCB)

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.” 2 Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha. 3 Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari. 4 Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa. 5 Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu. 6 “Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru. 7 Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita. 8 Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ” 9 Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye. 10 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 11 “Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.” 12 Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?” 13 Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti. 14 Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzavo: Vanakomana vaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri vaiva Hanoki naParu, Hezironi naKami.Idzi ndidzo dzakanga dziri dzimba dzaRubheni. 15 Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani.Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaSimeoni. 16 Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi maererano nokunyorwa kwawo:Gerishoni, Kohati naMerari.(Revhi akararama makore zana namakumi matatu namanomwe.) 17 Vanakomana vaGerishoni, nedzimba dzavo, vaiva Ribhini naShimei. 18 Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Kohati akararama kwamakore zana namakumi matatu namatatu. 19 Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi.Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo. 20 Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi.(Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe.) 21 Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri. 22 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri. 23 Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari. 24 Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu.Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora. 25 Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, mhuri nemhuri. 26 Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.” 27 Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni. 28 Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti, 29 akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.” 30 Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”

In Other Versions

Exodus 6 in the ANGEFD

Exodus 6 in the ANTPNG2D

Exodus 6 in the AS21

Exodus 6 in the BAGH

Exodus 6 in the BBPNG

Exodus 6 in the BBT1E

Exodus 6 in the BDS

Exodus 6 in the BEV

Exodus 6 in the BHAD

Exodus 6 in the BIB

Exodus 6 in the BLPT

Exodus 6 in the BNT

Exodus 6 in the BNTABOOT

Exodus 6 in the BNTLV

Exodus 6 in the BOATCB

Exodus 6 in the BOATCB2

Exodus 6 in the BOBCV

Exodus 6 in the BOCNT

Exodus 6 in the BOECS

Exodus 6 in the BOGWICC

Exodus 6 in the BOHCB

Exodus 6 in the BOHCV

Exodus 6 in the BOHLNT

Exodus 6 in the BOHNTLTAL

Exodus 6 in the BOICB

Exodus 6 in the BOILNTAP

Exodus 6 in the BOITCV

Exodus 6 in the BOKCV

Exodus 6 in the BOKCV2

Exodus 6 in the BOKHWOG

Exodus 6 in the BOKSSV

Exodus 6 in the BOLCB

Exodus 6 in the BOLCB2

Exodus 6 in the BOMCV

Exodus 6 in the BONAV

Exodus 6 in the BONCB

Exodus 6 in the BONLT

Exodus 6 in the BONUT2

Exodus 6 in the BOPLNT

Exodus 6 in the BOSNC

Exodus 6 in the BOTLNT

Exodus 6 in the BOVCB

Exodus 6 in the BOYCB

Exodus 6 in the BPBB

Exodus 6 in the BPH

Exodus 6 in the BSB

Exodus 6 in the CCB

Exodus 6 in the CUV

Exodus 6 in the CUVS

Exodus 6 in the DBT

Exodus 6 in the DGDNT

Exodus 6 in the DHNT

Exodus 6 in the DNT

Exodus 6 in the ELBE

Exodus 6 in the EMTV

Exodus 6 in the ESV

Exodus 6 in the FBV

Exodus 6 in the FEB

Exodus 6 in the GGMNT

Exodus 6 in the GNT

Exodus 6 in the HARY

Exodus 6 in the HNT

Exodus 6 in the IRVA

Exodus 6 in the IRVB

Exodus 6 in the IRVG

Exodus 6 in the IRVH

Exodus 6 in the IRVK

Exodus 6 in the IRVM

Exodus 6 in the IRVM2

Exodus 6 in the IRVO

Exodus 6 in the IRVP

Exodus 6 in the IRVT

Exodus 6 in the IRVT2

Exodus 6 in the IRVU

Exodus 6 in the ISVN

Exodus 6 in the JSNT

Exodus 6 in the KAPI

Exodus 6 in the KBT1ETNIK

Exodus 6 in the KBV

Exodus 6 in the KJV

Exodus 6 in the KNFD

Exodus 6 in the LBA

Exodus 6 in the LBLA

Exodus 6 in the LNT

Exodus 6 in the LSV

Exodus 6 in the MAAL

Exodus 6 in the MBV

Exodus 6 in the MBV2

Exodus 6 in the MHNT

Exodus 6 in the MKNFD

Exodus 6 in the MNG

Exodus 6 in the MNT

Exodus 6 in the MNT2

Exodus 6 in the MRS1T

Exodus 6 in the NAA

Exodus 6 in the NASB

Exodus 6 in the NBLA

Exodus 6 in the NBS

Exodus 6 in the NBVTP

Exodus 6 in the NET2

Exodus 6 in the NIV11

Exodus 6 in the NNT

Exodus 6 in the NNT2

Exodus 6 in the NNT3

Exodus 6 in the PDDPT

Exodus 6 in the PFNT

Exodus 6 in the RMNT

Exodus 6 in the SBIAS

Exodus 6 in the SBIBS

Exodus 6 in the SBIBS2

Exodus 6 in the SBICS

Exodus 6 in the SBIDS

Exodus 6 in the SBIGS

Exodus 6 in the SBIHS

Exodus 6 in the SBIIS

Exodus 6 in the SBIIS2

Exodus 6 in the SBIIS3

Exodus 6 in the SBIKS

Exodus 6 in the SBIKS2

Exodus 6 in the SBIMS

Exodus 6 in the SBIOS

Exodus 6 in the SBIPS

Exodus 6 in the SBISS

Exodus 6 in the SBITS

Exodus 6 in the SBITS2

Exodus 6 in the SBITS3

Exodus 6 in the SBITS4

Exodus 6 in the SBIUS

Exodus 6 in the SBIVS

Exodus 6 in the SBT

Exodus 6 in the SBT1E

Exodus 6 in the SCHL

Exodus 6 in the SNT

Exodus 6 in the SUSU

Exodus 6 in the SUSU2

Exodus 6 in the SYNO

Exodus 6 in the TBIAOTANT

Exodus 6 in the TBT1E

Exodus 6 in the TBT1E2

Exodus 6 in the TFTIP

Exodus 6 in the TFTU

Exodus 6 in the TGNTATF3T

Exodus 6 in the THAI

Exodus 6 in the TNFD

Exodus 6 in the TNT

Exodus 6 in the TNTIK

Exodus 6 in the TNTIL

Exodus 6 in the TNTIN

Exodus 6 in the TNTIP

Exodus 6 in the TNTIZ

Exodus 6 in the TOMA

Exodus 6 in the TTENT

Exodus 6 in the UBG

Exodus 6 in the UGV

Exodus 6 in the UGV2

Exodus 6 in the UGV3

Exodus 6 in the VBL

Exodus 6 in the VDCC

Exodus 6 in the YALU

Exodus 6 in the YAPE

Exodus 6 in the YBVTP

Exodus 6 in the ZBP