Ezekiel 1 (BOSCB)

1 Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari. 2 Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini, 3 shoko raJehovha rakasvika kuna Ezekieri muprista, mwanakomana waBhuzi paRwizi rweKebhari munyika yavaBhabhironi. Ipapo, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pake. 4 Ndakatarira, ndikaona dutu remhepo richibva nechokumusoro, gore guru rine mheni yaipenya uye rakakomberedzwa nechiedza chaibwinya. Pakati pomoto paitarisika sedare rinopfuta, 5 uye mumoto makanga mune zvakanga zvakaita sezvisikwa zvipenyu zvina. Pakuonekwa kwazvo, chimiro chazvo chakanga chiri chomunhu, 6 asi chimwe nechimwe chazvo chakanga chine zviso zvina namapapiro mana. 7 Makumbo azvo akanga akarurama; tsoka dzazvo dzakanga dzakaita sedzemhuru uye dzichipenya sendarira yakabwinyiswa. 8 Zvakanga zvina maoko omunhu pasi pamapapiro azvo pamativi azvo mana. Zvose zviri zvina zvaiva nezviso namapapiro, 9 uye mapapiro azvo aigunzvana. Chimwe nechimwe chazvo chaienda mberi chakarurama; zvakanga zvisingacheuki pakufamba kwazvo. 10 Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo. 11 Ndizvo zvakanga zvakaita zviso zvazvo. Mapapiro azvo akanga akatambanudzirwa kumusoro; chimwe nechimwe chakanga china mapapiro maviri rimwe richigunzva bapiro rechimwe chisikwa kumativi ose, uye mapapiro maviri akafukidza muviri wacho. 12 Chimwe nechimwe chainanga mberi chakarurama. Kwose kwaienda mweya, ndiko kwazvaienda, zvisingacheuki pakufamba kwazvo. 13 Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri. 14 Zvisikwa zvaimhanya zvichienda mberi zvichidzoka semheni inopenya. 15 Ndakati ndichitarira kuzvisikwa zvipenyu, ndakaona vhiri riri pasi porutivi rwechisikwa chimwe nechimwe nezviso zvacho zvina. 16 Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri. 17 Pakufamba kwazvo, zvaigona kuenda neimwe yenzira ina dzakanga dzakatariswa nezvisikwa zvina; mavhiri akanga asingatsauki zvisikwa pazvaifamba. 18 Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose. 19 Zvisikwa zvipenyu zvaiti kana zvofamba, mavhiri aiva parutivi ofambawo; uye kana zvisikwa zvipenyu zvikasimuka kubva pasi, mavhiri aisimukawo. 20 Kwose kwaienda mweya, zvaiendawo, uye mavhiri aisimuka pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. 21 Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri. 22 Kumusoro kwemisoro yezvisikwa zvipenyu kwakanga kwakawaridzwa chinhu chakanga chakaita sedenga, chaivaima sechando uye chaishamisa. 23 Pasi pedenga mapapiro azvo akanga akatambanudzwa, bapiro rechimwe chisikwa richinosangana nebapiro rechimwe chisikwa, uye chimwe nechimwe chaiva namapapiro maviri akanga akafukidza muviri wacho. 24 Zvisikwa zvaiti zvofamba, ndainzwa kuunga kwamapapiro azvo, zvichitinhira semvura zhinji, senzwi roWamasimba Ose, sebope ravarwi. Zvaiti zvikamira zvaideredza mapapiro azvo. 25 Ipapo inzwi rakasvika richibva kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pazvo, pazvakanga zvakamira zvakaderedza mapapiro azvo. 26 Kumusoro kwedenga rakanga riri pamusoro pemisoro yazvo, kwakanga kune chinhu chairatidzika sechigaro choushe chakanga chakaita sebwe resafuri uye pamusoro-soro pechigaro choushe pakanga pano mufananidzo wakanga wakaita sewomunhu. 27 Ndakaona kuti pane zvairatidzika sechiuno chake zvichikwira kumusoro, akanga akaita sedare romoto unopenya, sokunge akazara nomoto, uye kubva ipapo zvichienda pasi, airatidzika somoto; uye chiedza chaipenya kwazvo chakanga chakamukomberedza. 28 Sezvakaita muraravungu uri mumakore pazuva rokunaya kwemvura, izvozvo, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwakanga kwakamukomberedza. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita kuonekwa kwokubwinya kwaJehovha.Pandakazviona izvozvo, ndakawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.

In Other Versions

Ezekiel 1 in the ANGEFD

Ezekiel 1 in the ANTPNG2D

Ezekiel 1 in the AS21

Ezekiel 1 in the BAGH

Ezekiel 1 in the BBPNG

Ezekiel 1 in the BBT1E

Ezekiel 1 in the BDS

Ezekiel 1 in the BEV

Ezekiel 1 in the BHAD

Ezekiel 1 in the BIB

Ezekiel 1 in the BLPT

Ezekiel 1 in the BNT

Ezekiel 1 in the BNTABOOT

Ezekiel 1 in the BNTLV

Ezekiel 1 in the BOATCB

Ezekiel 1 in the BOATCB2

Ezekiel 1 in the BOBCV

Ezekiel 1 in the BOCNT

Ezekiel 1 in the BOECS

Ezekiel 1 in the BOGWICC

Ezekiel 1 in the BOHCB

Ezekiel 1 in the BOHCV

Ezekiel 1 in the BOHLNT

Ezekiel 1 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 1 in the BOICB

Ezekiel 1 in the BOILNTAP

Ezekiel 1 in the BOITCV

Ezekiel 1 in the BOKCV

Ezekiel 1 in the BOKCV2

Ezekiel 1 in the BOKHWOG

Ezekiel 1 in the BOKSSV

Ezekiel 1 in the BOLCB

Ezekiel 1 in the BOLCB2

Ezekiel 1 in the BOMCV

Ezekiel 1 in the BONAV

Ezekiel 1 in the BONCB

Ezekiel 1 in the BONLT

Ezekiel 1 in the BONUT2

Ezekiel 1 in the BOPLNT

Ezekiel 1 in the BOSNC

Ezekiel 1 in the BOTLNT

Ezekiel 1 in the BOVCB

Ezekiel 1 in the BOYCB

Ezekiel 1 in the BPBB

Ezekiel 1 in the BPH

Ezekiel 1 in the BSB

Ezekiel 1 in the CCB

Ezekiel 1 in the CUV

Ezekiel 1 in the CUVS

Ezekiel 1 in the DBT

Ezekiel 1 in the DGDNT

Ezekiel 1 in the DHNT

Ezekiel 1 in the DNT

Ezekiel 1 in the ELBE

Ezekiel 1 in the EMTV

Ezekiel 1 in the ESV

Ezekiel 1 in the FBV

Ezekiel 1 in the FEB

Ezekiel 1 in the GGMNT

Ezekiel 1 in the GNT

Ezekiel 1 in the HARY

Ezekiel 1 in the HNT

Ezekiel 1 in the IRVA

Ezekiel 1 in the IRVB

Ezekiel 1 in the IRVG

Ezekiel 1 in the IRVH

Ezekiel 1 in the IRVK

Ezekiel 1 in the IRVM

Ezekiel 1 in the IRVM2

Ezekiel 1 in the IRVO

Ezekiel 1 in the IRVP

Ezekiel 1 in the IRVT

Ezekiel 1 in the IRVT2

Ezekiel 1 in the IRVU

Ezekiel 1 in the ISVN

Ezekiel 1 in the JSNT

Ezekiel 1 in the KAPI

Ezekiel 1 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 1 in the KBV

Ezekiel 1 in the KJV

Ezekiel 1 in the KNFD

Ezekiel 1 in the LBA

Ezekiel 1 in the LBLA

Ezekiel 1 in the LNT

Ezekiel 1 in the LSV

Ezekiel 1 in the MAAL

Ezekiel 1 in the MBV

Ezekiel 1 in the MBV2

Ezekiel 1 in the MHNT

Ezekiel 1 in the MKNFD

Ezekiel 1 in the MNG

Ezekiel 1 in the MNT

Ezekiel 1 in the MNT2

Ezekiel 1 in the MRS1T

Ezekiel 1 in the NAA

Ezekiel 1 in the NASB

Ezekiel 1 in the NBLA

Ezekiel 1 in the NBS

Ezekiel 1 in the NBVTP

Ezekiel 1 in the NET2

Ezekiel 1 in the NIV11

Ezekiel 1 in the NNT

Ezekiel 1 in the NNT2

Ezekiel 1 in the NNT3

Ezekiel 1 in the PDDPT

Ezekiel 1 in the PFNT

Ezekiel 1 in the RMNT

Ezekiel 1 in the SBIAS

Ezekiel 1 in the SBIBS

Ezekiel 1 in the SBIBS2

Ezekiel 1 in the SBICS

Ezekiel 1 in the SBIDS

Ezekiel 1 in the SBIGS

Ezekiel 1 in the SBIHS

Ezekiel 1 in the SBIIS

Ezekiel 1 in the SBIIS2

Ezekiel 1 in the SBIIS3

Ezekiel 1 in the SBIKS

Ezekiel 1 in the SBIKS2

Ezekiel 1 in the SBIMS

Ezekiel 1 in the SBIOS

Ezekiel 1 in the SBIPS

Ezekiel 1 in the SBISS

Ezekiel 1 in the SBITS

Ezekiel 1 in the SBITS2

Ezekiel 1 in the SBITS3

Ezekiel 1 in the SBITS4

Ezekiel 1 in the SBIUS

Ezekiel 1 in the SBIVS

Ezekiel 1 in the SBT

Ezekiel 1 in the SBT1E

Ezekiel 1 in the SCHL

Ezekiel 1 in the SNT

Ezekiel 1 in the SUSU

Ezekiel 1 in the SUSU2

Ezekiel 1 in the SYNO

Ezekiel 1 in the TBIAOTANT

Ezekiel 1 in the TBT1E

Ezekiel 1 in the TBT1E2

Ezekiel 1 in the TFTIP

Ezekiel 1 in the TFTU

Ezekiel 1 in the TGNTATF3T

Ezekiel 1 in the THAI

Ezekiel 1 in the TNFD

Ezekiel 1 in the TNT

Ezekiel 1 in the TNTIK

Ezekiel 1 in the TNTIL

Ezekiel 1 in the TNTIN

Ezekiel 1 in the TNTIP

Ezekiel 1 in the TNTIZ

Ezekiel 1 in the TOMA

Ezekiel 1 in the TTENT

Ezekiel 1 in the UBG

Ezekiel 1 in the UGV

Ezekiel 1 in the UGV2

Ezekiel 1 in the UGV3

Ezekiel 1 in the VBL

Ezekiel 1 in the VDCC

Ezekiel 1 in the YALU

Ezekiel 1 in the YAPE

Ezekiel 1 in the YBVTP

Ezekiel 1 in the ZBP