Ezekiel 11 (BOSCB)

1 Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pane varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu. 2 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino. 3 Vanoti, ‘Ko, nguva haisati yasvika here yokuvaka dzimba? Guta rino ihari yokubikira, uye isu tisu nyama.’ 4 Naizvozvo profita pamusoro pavo; profita, mwanakomana womunhu.” 5 Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pangu, iye akanditaurira kuti nditi: “Zvanzi naJehovha: Ndizvo zvamunotaura, imi imba yaIsraeri, asi ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu. 6 Makauraya vanhu vazhinji muguta rino uye mukazadza nzira dzaro nevakafa. 7 “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri. 8 Munotya munondo, zvino munondo ndiwo wandichauyisa kuzokurwisai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9 Ndichakubudisai kunze kweguta ndigokuisai mumaoko avatorwa uye ndichakurangai. 10 Muchaurayiwa nomunondo, uye ini ndichakutongai pamiganhu yaIsraeri. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. 11 Guta rino haringavi hari kwamuri, nemi hamungavi nyama mariri; ndichakutongai ini pamiganhu yeIsraeri. 12 Uye muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu asi makafamba netsika dzendudzi dzakakupoteredzai.” 13 Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?” 14 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 15 “Mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako dzeropa neimba yose yaIsraeri, ndivo vainzi navanhu veJerusarema, ‘Vari kure kwazvo naJehovha; nyika ino takaipiwa kuti ive yedu.’ 16 “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kunyange ndakavaendesa kure pakati pendudzi uye ndikavaparadzira pakati penyika, asi kwechinguva chiduku ndakanga ndiri nzvimbo yavo tsvene munyika dzavakaenda.’ 17 “Naizvozvo uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuunganidzai kubva kundudzi ndigokudzosai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa uye ndichakupaizve nyika yaIsraeri.’ 18 “Vachadzokera kwairi vagobvisa zvifananidzo zvayo zvose zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza. 19 Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. 20 Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo. 21 Asi kana vari vaya vane mwoyo inotevera zvakaumbwa zvavo zvakaipisisa nezvifananidzo zvinonyangadza, ndichaburutsa pamisoro yavo chaiyo zvavakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” 22 Ipapo makerubhi namavhiri parutivi pawo akatambanudza mapapiro awo, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo. 23 Kubwinya kwaJehovha kwakakwira kuchibva mukati meguta kukandomira pamusoro pegomo nechokumabvazuva kwaro. 24 Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari.Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri, 25 uye ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha.

In Other Versions

Ezekiel 11 in the ANGEFD

Ezekiel 11 in the ANTPNG2D

Ezekiel 11 in the AS21

Ezekiel 11 in the BAGH

Ezekiel 11 in the BBPNG

Ezekiel 11 in the BBT1E

Ezekiel 11 in the BDS

Ezekiel 11 in the BEV

Ezekiel 11 in the BHAD

Ezekiel 11 in the BIB

Ezekiel 11 in the BLPT

Ezekiel 11 in the BNT

Ezekiel 11 in the BNTABOOT

Ezekiel 11 in the BNTLV

Ezekiel 11 in the BOATCB

Ezekiel 11 in the BOATCB2

Ezekiel 11 in the BOBCV

Ezekiel 11 in the BOCNT

Ezekiel 11 in the BOECS

Ezekiel 11 in the BOGWICC

Ezekiel 11 in the BOHCB

Ezekiel 11 in the BOHCV

Ezekiel 11 in the BOHLNT

Ezekiel 11 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 11 in the BOICB

Ezekiel 11 in the BOILNTAP

Ezekiel 11 in the BOITCV

Ezekiel 11 in the BOKCV

Ezekiel 11 in the BOKCV2

Ezekiel 11 in the BOKHWOG

Ezekiel 11 in the BOKSSV

Ezekiel 11 in the BOLCB

Ezekiel 11 in the BOLCB2

Ezekiel 11 in the BOMCV

Ezekiel 11 in the BONAV

Ezekiel 11 in the BONCB

Ezekiel 11 in the BONLT

Ezekiel 11 in the BONUT2

Ezekiel 11 in the BOPLNT

Ezekiel 11 in the BOSNC

Ezekiel 11 in the BOTLNT

Ezekiel 11 in the BOVCB

Ezekiel 11 in the BOYCB

Ezekiel 11 in the BPBB

Ezekiel 11 in the BPH

Ezekiel 11 in the BSB

Ezekiel 11 in the CCB

Ezekiel 11 in the CUV

Ezekiel 11 in the CUVS

Ezekiel 11 in the DBT

Ezekiel 11 in the DGDNT

Ezekiel 11 in the DHNT

Ezekiel 11 in the DNT

Ezekiel 11 in the ELBE

Ezekiel 11 in the EMTV

Ezekiel 11 in the ESV

Ezekiel 11 in the FBV

Ezekiel 11 in the FEB

Ezekiel 11 in the GGMNT

Ezekiel 11 in the GNT

Ezekiel 11 in the HARY

Ezekiel 11 in the HNT

Ezekiel 11 in the IRVA

Ezekiel 11 in the IRVB

Ezekiel 11 in the IRVG

Ezekiel 11 in the IRVH

Ezekiel 11 in the IRVK

Ezekiel 11 in the IRVM

Ezekiel 11 in the IRVM2

Ezekiel 11 in the IRVO

Ezekiel 11 in the IRVP

Ezekiel 11 in the IRVT

Ezekiel 11 in the IRVT2

Ezekiel 11 in the IRVU

Ezekiel 11 in the ISVN

Ezekiel 11 in the JSNT

Ezekiel 11 in the KAPI

Ezekiel 11 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 11 in the KBV

Ezekiel 11 in the KJV

Ezekiel 11 in the KNFD

Ezekiel 11 in the LBA

Ezekiel 11 in the LBLA

Ezekiel 11 in the LNT

Ezekiel 11 in the LSV

Ezekiel 11 in the MAAL

Ezekiel 11 in the MBV

Ezekiel 11 in the MBV2

Ezekiel 11 in the MHNT

Ezekiel 11 in the MKNFD

Ezekiel 11 in the MNG

Ezekiel 11 in the MNT

Ezekiel 11 in the MNT2

Ezekiel 11 in the MRS1T

Ezekiel 11 in the NAA

Ezekiel 11 in the NASB

Ezekiel 11 in the NBLA

Ezekiel 11 in the NBS

Ezekiel 11 in the NBVTP

Ezekiel 11 in the NET2

Ezekiel 11 in the NIV11

Ezekiel 11 in the NNT

Ezekiel 11 in the NNT2

Ezekiel 11 in the NNT3

Ezekiel 11 in the PDDPT

Ezekiel 11 in the PFNT

Ezekiel 11 in the RMNT

Ezekiel 11 in the SBIAS

Ezekiel 11 in the SBIBS

Ezekiel 11 in the SBIBS2

Ezekiel 11 in the SBICS

Ezekiel 11 in the SBIDS

Ezekiel 11 in the SBIGS

Ezekiel 11 in the SBIHS

Ezekiel 11 in the SBIIS

Ezekiel 11 in the SBIIS2

Ezekiel 11 in the SBIIS3

Ezekiel 11 in the SBIKS

Ezekiel 11 in the SBIKS2

Ezekiel 11 in the SBIMS

Ezekiel 11 in the SBIOS

Ezekiel 11 in the SBIPS

Ezekiel 11 in the SBISS

Ezekiel 11 in the SBITS

Ezekiel 11 in the SBITS2

Ezekiel 11 in the SBITS3

Ezekiel 11 in the SBITS4

Ezekiel 11 in the SBIUS

Ezekiel 11 in the SBIVS

Ezekiel 11 in the SBT

Ezekiel 11 in the SBT1E

Ezekiel 11 in the SCHL

Ezekiel 11 in the SNT

Ezekiel 11 in the SUSU

Ezekiel 11 in the SUSU2

Ezekiel 11 in the SYNO

Ezekiel 11 in the TBIAOTANT

Ezekiel 11 in the TBT1E

Ezekiel 11 in the TBT1E2

Ezekiel 11 in the TFTIP

Ezekiel 11 in the TFTU

Ezekiel 11 in the TGNTATF3T

Ezekiel 11 in the THAI

Ezekiel 11 in the TNFD

Ezekiel 11 in the TNT

Ezekiel 11 in the TNTIK

Ezekiel 11 in the TNTIL

Ezekiel 11 in the TNTIN

Ezekiel 11 in the TNTIP

Ezekiel 11 in the TNTIZ

Ezekiel 11 in the TOMA

Ezekiel 11 in the TTENT

Ezekiel 11 in the UBG

Ezekiel 11 in the UGV

Ezekiel 11 in the UGV2

Ezekiel 11 in the UGV3

Ezekiel 11 in the VBL

Ezekiel 11 in the VDCC

Ezekiel 11 in the YALU

Ezekiel 11 in the YAPE

Ezekiel 11 in the YBVTP

Ezekiel 11 in the ZBP