Ezekiel 34 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? 3 Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. 4 Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha uye noutsinye. 5 Saka akapararira nokuti kwakanga kusina mufudzi, uye paakapararira akava zvokudya zvezvikara zvesango. 6 Makwai angu akadzungaira pamusoro pamakomo napazvikomo zvose. Akaparadzirwa panyika yose, uye hakuna akaaronda kana kuatsvaka. 7 “ ‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: 8 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu, 9 naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha: 10 Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo. 11 “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza. 12 Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima. 13 Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika. 14 Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri. 15 Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 16 Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira. 17 “ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondobwe nembudzi. 18 Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu? 19 Ko, makwai angu angafanirwa nokudya kana kunwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu here? 20 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari: Tarira, ini ndimene ndichatonga pakati peakakora nemakwai akaonda. 21 Nokuda kwokuti munosunda norutivi nepfudzi, muchitunga makwai asina simba nenyanga dzenyu kusvikira maadzingira kure, 22 ini ndicharwira makwai angu, uye haangazopambwizve. Ndichatonga pakati pehwai neimwe hwai. 23 Ndichaisa pamusoro pawo mufudzi mumwe chete, muranda wangu Dhavhidhi uye achaafudza; iye achaafudza agova mufudzi wawo. 24 Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, uye muranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pawo. Ini Jehovha ndazvitaura. 25 “ ‘Ndichaita sungano yorugare navo uye ndichadzinga zvikara panyika kuti vagogara mugwenga vagovata zvakanaka musango. 26 Ndichaaropafadza nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu. Ndichanayisa mvura nenguva yayo; pachava nemibvumbi yamaropafadzo. 27 Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa. 28 Havachazopambwizve nendudzi, uye zvikara zvesango hazvingavadyizve. Vachagara zvakanaka, uye hakuna angavatyisa. 29 Ndichavapa nyika ine mukurumbira nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi. 30 Ipapo vachaziva kuti ini, Jehovha Mwari wavo, ndinavo uye kuti ivo, imba yaIsraeri, ndivo vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 31 Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

In Other Versions

Ezekiel 34 in the ANGEFD

Ezekiel 34 in the ANTPNG2D

Ezekiel 34 in the AS21

Ezekiel 34 in the BAGH

Ezekiel 34 in the BBPNG

Ezekiel 34 in the BBT1E

Ezekiel 34 in the BDS

Ezekiel 34 in the BEV

Ezekiel 34 in the BHAD

Ezekiel 34 in the BIB

Ezekiel 34 in the BLPT

Ezekiel 34 in the BNT

Ezekiel 34 in the BNTABOOT

Ezekiel 34 in the BNTLV

Ezekiel 34 in the BOATCB

Ezekiel 34 in the BOATCB2

Ezekiel 34 in the BOBCV

Ezekiel 34 in the BOCNT

Ezekiel 34 in the BOECS

Ezekiel 34 in the BOGWICC

Ezekiel 34 in the BOHCB

Ezekiel 34 in the BOHCV

Ezekiel 34 in the BOHLNT

Ezekiel 34 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 34 in the BOICB

Ezekiel 34 in the BOILNTAP

Ezekiel 34 in the BOITCV

Ezekiel 34 in the BOKCV

Ezekiel 34 in the BOKCV2

Ezekiel 34 in the BOKHWOG

Ezekiel 34 in the BOKSSV

Ezekiel 34 in the BOLCB

Ezekiel 34 in the BOLCB2

Ezekiel 34 in the BOMCV

Ezekiel 34 in the BONAV

Ezekiel 34 in the BONCB

Ezekiel 34 in the BONLT

Ezekiel 34 in the BONUT2

Ezekiel 34 in the BOPLNT

Ezekiel 34 in the BOSNC

Ezekiel 34 in the BOTLNT

Ezekiel 34 in the BOVCB

Ezekiel 34 in the BOYCB

Ezekiel 34 in the BPBB

Ezekiel 34 in the BPH

Ezekiel 34 in the BSB

Ezekiel 34 in the CCB

Ezekiel 34 in the CUV

Ezekiel 34 in the CUVS

Ezekiel 34 in the DBT

Ezekiel 34 in the DGDNT

Ezekiel 34 in the DHNT

Ezekiel 34 in the DNT

Ezekiel 34 in the ELBE

Ezekiel 34 in the EMTV

Ezekiel 34 in the ESV

Ezekiel 34 in the FBV

Ezekiel 34 in the FEB

Ezekiel 34 in the GGMNT

Ezekiel 34 in the GNT

Ezekiel 34 in the HARY

Ezekiel 34 in the HNT

Ezekiel 34 in the IRVA

Ezekiel 34 in the IRVB

Ezekiel 34 in the IRVG

Ezekiel 34 in the IRVH

Ezekiel 34 in the IRVK

Ezekiel 34 in the IRVM

Ezekiel 34 in the IRVM2

Ezekiel 34 in the IRVO

Ezekiel 34 in the IRVP

Ezekiel 34 in the IRVT

Ezekiel 34 in the IRVT2

Ezekiel 34 in the IRVU

Ezekiel 34 in the ISVN

Ezekiel 34 in the JSNT

Ezekiel 34 in the KAPI

Ezekiel 34 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 34 in the KBV

Ezekiel 34 in the KJV

Ezekiel 34 in the KNFD

Ezekiel 34 in the LBA

Ezekiel 34 in the LBLA

Ezekiel 34 in the LNT

Ezekiel 34 in the LSV

Ezekiel 34 in the MAAL

Ezekiel 34 in the MBV

Ezekiel 34 in the MBV2

Ezekiel 34 in the MHNT

Ezekiel 34 in the MKNFD

Ezekiel 34 in the MNG

Ezekiel 34 in the MNT

Ezekiel 34 in the MNT2

Ezekiel 34 in the MRS1T

Ezekiel 34 in the NAA

Ezekiel 34 in the NASB

Ezekiel 34 in the NBLA

Ezekiel 34 in the NBS

Ezekiel 34 in the NBVTP

Ezekiel 34 in the NET2

Ezekiel 34 in the NIV11

Ezekiel 34 in the NNT

Ezekiel 34 in the NNT2

Ezekiel 34 in the NNT3

Ezekiel 34 in the PDDPT

Ezekiel 34 in the PFNT

Ezekiel 34 in the RMNT

Ezekiel 34 in the SBIAS

Ezekiel 34 in the SBIBS

Ezekiel 34 in the SBIBS2

Ezekiel 34 in the SBICS

Ezekiel 34 in the SBIDS

Ezekiel 34 in the SBIGS

Ezekiel 34 in the SBIHS

Ezekiel 34 in the SBIIS

Ezekiel 34 in the SBIIS2

Ezekiel 34 in the SBIIS3

Ezekiel 34 in the SBIKS

Ezekiel 34 in the SBIKS2

Ezekiel 34 in the SBIMS

Ezekiel 34 in the SBIOS

Ezekiel 34 in the SBIPS

Ezekiel 34 in the SBISS

Ezekiel 34 in the SBITS

Ezekiel 34 in the SBITS2

Ezekiel 34 in the SBITS3

Ezekiel 34 in the SBITS4

Ezekiel 34 in the SBIUS

Ezekiel 34 in the SBIVS

Ezekiel 34 in the SBT

Ezekiel 34 in the SBT1E

Ezekiel 34 in the SCHL

Ezekiel 34 in the SNT

Ezekiel 34 in the SUSU

Ezekiel 34 in the SUSU2

Ezekiel 34 in the SYNO

Ezekiel 34 in the TBIAOTANT

Ezekiel 34 in the TBT1E

Ezekiel 34 in the TBT1E2

Ezekiel 34 in the TFTIP

Ezekiel 34 in the TFTU

Ezekiel 34 in the TGNTATF3T

Ezekiel 34 in the THAI

Ezekiel 34 in the TNFD

Ezekiel 34 in the TNT

Ezekiel 34 in the TNTIK

Ezekiel 34 in the TNTIL

Ezekiel 34 in the TNTIN

Ezekiel 34 in the TNTIP

Ezekiel 34 in the TNTIZ

Ezekiel 34 in the TOMA

Ezekiel 34 in the TTENT

Ezekiel 34 in the UBG

Ezekiel 34 in the UGV

Ezekiel 34 in the UGV2

Ezekiel 34 in the UGV3

Ezekiel 34 in the VBL

Ezekiel 34 in the VDCC

Ezekiel 34 in the YALU

Ezekiel 34 in the YAPE

Ezekiel 34 in the YBVTP

Ezekiel 34 in the ZBP