Ezekiel 37 (BOSCB)

1 Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. 2 Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. 3 Akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?”Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.” 4 Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: 5 Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. 6 Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” 7 Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa. 8 Ndakatarira, ndikaona marunda nenyama zvavapo uye zvakafukidzwa neganda, asi makanga musina mweya mukati mazvo. 9 Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ” 10 Saka ndakaprofita sezvaakandirayira, mweya ukapinda mukati mavo; vakararama vakamira netsoka dzavo, iri hondo huru kwazvo. 11 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’ 12 Naizvozvo profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa vanhu vangu, ndiri kuzozarura marinda enyu ndigokubudisai maari; ndichakudzoseraizve kunyika yaIsraeri. 13 Ipapo imi, vanhu vangu, muchaziva kuti ndini Jehovha, pandichazarura marinda enyu ndichikubudisai maari. 14 Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” 15 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 16 “Mwanakomana womunhu, tora rutanda unyore parwuri kuti, ‘ZvaJudha nezvaIsraeri shamwari dzake.’ Ipapo utore rumwe rutanda, ugonyora pamusoro parwo kuti, ‘Rutanda rwaEfuremu, norwaJosefa neimba yose yaIsraeri neshamwari dzake.’ 17 Uzvibatanidze pamwe chete zvive rutanda rumwe kuitira kuti zvive rutanda rumwe chete muruoko rwako. 18 “Kana vanhu venyika yako vakakubvunza vachiti, ‘Haungatiudziwo zvaunoreva nechinhu ichi here?’ 19 uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzotora rutanda rwaJosefa, rwuri muruoko rwaEfuremu, nerwaIsraeri shamwari dzake, ndigorubatanidza nerwaJudha, ndichiaita rutanda rumwe chete rwehuni, agova rutanda rumwe chete muruoko rwangu.’ 20 Uabate pamberi pavo iwo matanda awakanyora paari 21 ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kubva munyika dzose kwavakanga vaenda ndichadzosera vaIsraeri munyika yavo. 22 Ndichavaita rudzi rumwe chete munyika iyo, pamakomo eIsraeri. Pachava namambo mumwe chete pamusoro pavo vose uye havachazovazve marudzi maviri kana kupatsanurwa kuti vave umambo huviri. 23 Havachazozvisvibisizve nezvifananidzo zvavo kana nezvinonyangadza zvavo kana kudarika kuipa kwavo, nokuti ini ndichavaponesa pazvivi zvavo zvokudzokera shure, uye ndichavanatsa. Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo. 24 “ ‘Muranda wangu Dhavhidhi achava mambo pamusoro pavo, uye vose vachava nomufudzi mumwe chete. Vachatevera mirayiro yangu uye vachachenjerera kuchengeta mitemo yangu. 25 Vachagara munyika yandakapa kumuranda wangu Jakobho, iyo nyika yaigara madzibaba avo. Vachagaramo nokusingaperi ivo navana vavo navana vavana vavo uye Dhavhidhi muranda wangu achava muchinda wavo nokusingaperi. 26 Ndichaita sungano yorugare navo; ichava sungano isingaperi. Ndichavasimbisa, ndichavawanza uye ndichaisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingaperi. 27 Ugaro hwangu huchava pakati pavo, ini ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 28 Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndinoita Israeri kuti ave mutsvene, kana nzvimbo yangu tsvene ikagara pakati pavo nokusingaperi.’ ”

In Other Versions

Ezekiel 37 in the ANGEFD

Ezekiel 37 in the ANTPNG2D

Ezekiel 37 in the AS21

Ezekiel 37 in the BAGH

Ezekiel 37 in the BBPNG

Ezekiel 37 in the BBT1E

Ezekiel 37 in the BDS

Ezekiel 37 in the BEV

Ezekiel 37 in the BHAD

Ezekiel 37 in the BIB

Ezekiel 37 in the BLPT

Ezekiel 37 in the BNT

Ezekiel 37 in the BNTABOOT

Ezekiel 37 in the BNTLV

Ezekiel 37 in the BOATCB

Ezekiel 37 in the BOATCB2

Ezekiel 37 in the BOBCV

Ezekiel 37 in the BOCNT

Ezekiel 37 in the BOECS

Ezekiel 37 in the BOGWICC

Ezekiel 37 in the BOHCB

Ezekiel 37 in the BOHCV

Ezekiel 37 in the BOHLNT

Ezekiel 37 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 37 in the BOICB

Ezekiel 37 in the BOILNTAP

Ezekiel 37 in the BOITCV

Ezekiel 37 in the BOKCV

Ezekiel 37 in the BOKCV2

Ezekiel 37 in the BOKHWOG

Ezekiel 37 in the BOKSSV

Ezekiel 37 in the BOLCB

Ezekiel 37 in the BOLCB2

Ezekiel 37 in the BOMCV

Ezekiel 37 in the BONAV

Ezekiel 37 in the BONCB

Ezekiel 37 in the BONLT

Ezekiel 37 in the BONUT2

Ezekiel 37 in the BOPLNT

Ezekiel 37 in the BOSNC

Ezekiel 37 in the BOTLNT

Ezekiel 37 in the BOVCB

Ezekiel 37 in the BOYCB

Ezekiel 37 in the BPBB

Ezekiel 37 in the BPH

Ezekiel 37 in the BSB

Ezekiel 37 in the CCB

Ezekiel 37 in the CUV

Ezekiel 37 in the CUVS

Ezekiel 37 in the DBT

Ezekiel 37 in the DGDNT

Ezekiel 37 in the DHNT

Ezekiel 37 in the DNT

Ezekiel 37 in the ELBE

Ezekiel 37 in the EMTV

Ezekiel 37 in the ESV

Ezekiel 37 in the FBV

Ezekiel 37 in the FEB

Ezekiel 37 in the GGMNT

Ezekiel 37 in the GNT

Ezekiel 37 in the HARY

Ezekiel 37 in the HNT

Ezekiel 37 in the IRVA

Ezekiel 37 in the IRVB

Ezekiel 37 in the IRVG

Ezekiel 37 in the IRVH

Ezekiel 37 in the IRVK

Ezekiel 37 in the IRVM

Ezekiel 37 in the IRVM2

Ezekiel 37 in the IRVO

Ezekiel 37 in the IRVP

Ezekiel 37 in the IRVT

Ezekiel 37 in the IRVT2

Ezekiel 37 in the IRVU

Ezekiel 37 in the ISVN

Ezekiel 37 in the JSNT

Ezekiel 37 in the KAPI

Ezekiel 37 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 37 in the KBV

Ezekiel 37 in the KJV

Ezekiel 37 in the KNFD

Ezekiel 37 in the LBA

Ezekiel 37 in the LBLA

Ezekiel 37 in the LNT

Ezekiel 37 in the LSV

Ezekiel 37 in the MAAL

Ezekiel 37 in the MBV

Ezekiel 37 in the MBV2

Ezekiel 37 in the MHNT

Ezekiel 37 in the MKNFD

Ezekiel 37 in the MNG

Ezekiel 37 in the MNT

Ezekiel 37 in the MNT2

Ezekiel 37 in the MRS1T

Ezekiel 37 in the NAA

Ezekiel 37 in the NASB

Ezekiel 37 in the NBLA

Ezekiel 37 in the NBS

Ezekiel 37 in the NBVTP

Ezekiel 37 in the NET2

Ezekiel 37 in the NIV11

Ezekiel 37 in the NNT

Ezekiel 37 in the NNT2

Ezekiel 37 in the NNT3

Ezekiel 37 in the PDDPT

Ezekiel 37 in the PFNT

Ezekiel 37 in the RMNT

Ezekiel 37 in the SBIAS

Ezekiel 37 in the SBIBS

Ezekiel 37 in the SBIBS2

Ezekiel 37 in the SBICS

Ezekiel 37 in the SBIDS

Ezekiel 37 in the SBIGS

Ezekiel 37 in the SBIHS

Ezekiel 37 in the SBIIS

Ezekiel 37 in the SBIIS2

Ezekiel 37 in the SBIIS3

Ezekiel 37 in the SBIKS

Ezekiel 37 in the SBIKS2

Ezekiel 37 in the SBIMS

Ezekiel 37 in the SBIOS

Ezekiel 37 in the SBIPS

Ezekiel 37 in the SBISS

Ezekiel 37 in the SBITS

Ezekiel 37 in the SBITS2

Ezekiel 37 in the SBITS3

Ezekiel 37 in the SBITS4

Ezekiel 37 in the SBIUS

Ezekiel 37 in the SBIVS

Ezekiel 37 in the SBT

Ezekiel 37 in the SBT1E

Ezekiel 37 in the SCHL

Ezekiel 37 in the SNT

Ezekiel 37 in the SUSU

Ezekiel 37 in the SUSU2

Ezekiel 37 in the SYNO

Ezekiel 37 in the TBIAOTANT

Ezekiel 37 in the TBT1E

Ezekiel 37 in the TBT1E2

Ezekiel 37 in the TFTIP

Ezekiel 37 in the TFTU

Ezekiel 37 in the TGNTATF3T

Ezekiel 37 in the THAI

Ezekiel 37 in the TNFD

Ezekiel 37 in the TNT

Ezekiel 37 in the TNTIK

Ezekiel 37 in the TNTIL

Ezekiel 37 in the TNTIN

Ezekiel 37 in the TNTIP

Ezekiel 37 in the TNTIZ

Ezekiel 37 in the TOMA

Ezekiel 37 in the TTENT

Ezekiel 37 in the UBG

Ezekiel 37 in the UGV

Ezekiel 37 in the UGV2

Ezekiel 37 in the UGV3

Ezekiel 37 in the VBL

Ezekiel 37 in the VDCC

Ezekiel 37 in the YALU

Ezekiel 37 in the YAPE

Ezekiel 37 in the YBVTP

Ezekiel 37 in the ZBP