Ezekiel 8 (BOSCB)

1 Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. 2 Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa. 3 Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika nedenga uye muzviratidzo zvaMwari akanditora akandiendesa kuJerusarema, kumukova wokusuo rokumusoro roruvazhe rwomukati, pakanga pamire chifananidzo chinomutsa godo. 4 Uye ipapo pamberi pangu pakanga pane kubwinya kwaMwari waIsraeri, sapachiratidzo chandakanga ndaona mubani. 5 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira kumusoro.” Naizvozvo ndakatarisa, uye pamukova wokumusoro kwesuo rearitari ndakaona chifananidzo ichi chegodo. 6 Uye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, unoona zvavari kuita here, izvo zvinhu zvinonyangadza chose zvinoitwa neimba yaIsraeri pano, zvinhu zvichandiisa kure neimba yangu tsvene? Asika, uchaona zvimwe zvinhu zvinonyangadza kwazvo.” 7 Ipapo akaenda neni kumukova wokuruvazhe. Ndakatarisa ndikaona buri pamadziro. 8 Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chichera zvino mumadziro.” Saka ndakachera mumadziro ndikaona mukova imomo. 9 Ipapo akati kwandiri, “Pinda mukati undoona zvinhu zvakaipa uye zvinonyangadza zvavanoita pano.” 10 Saka ndakapinda mukati ndikatarisa, ndikaona mifananidzo pamadziro ose yezvinhu zvose zvinokambaira uye nemhuka dzinonyangadza nezvifananidzo zvose zveimba yaIsraeri. 11 Pamberi pazvo pakanga pamire vakuru makumi manomwe veimba yaIsraeri, uye Jaazania mwanakomana waShafani akanga akamira pakati pavo. Mumwe nomumwe akanga akabata hadyana yezvinonhuhwira muruoko rwake, uye munhuwi wegore rezvinonhuhwira wakanga uchienda kumusoro. 12 Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona here zvinoitwa navakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nomumwe pashongwe yechifananidzo chake? Vanoti, ‘Jehovha haationi, Jehovha akaramba nyika.’ ” 13 Akatizve, “Uchavaona vachiita zvinhu zvinonyangadza kupfuura izvi.” 14 Ipapo akaenda neni kumukova wokusuo rokumusoro weimba yaJehovha, ndikaona vakadzi vagerepo, vachichema Tamuzi. 15 Akati kwandiri, “Unoona here izvi, mwanakomana womunhu? Uchaona zvinhu zvakatonyanya kuipa kupfuura izvi.” 16 Zvino akaenda neni kuruvazhe rwomukati meimba yaJehovha, uye ipapo pamukova wetemberi, pakati pebiravira nearitari, pakanga pana varume vaikarosvika makumi maviri navashanu. Vakafuratira temberi yaJehovha uye zviso zvavo zvakatarisa kumabvazuva, vakanga vachipfugamira zuva kurutivi rwamabvazuva. 17 Akati kwandiri, “Wazviona here izvi, iwe mwanakomana womunhu? Chinhu chiduku here kuimba yaJudha kuti vaite zvinhu zvinonyangadza zvavari kuita pano? Vanofanira here kuzadzazve nyika nechisimba uye nokuramba vachinditsamwisa? Vatarise vachiisa davi kumhuno dzavo. 18 Naizvozvo ndichavaranga nehasha; handingavanzwiri tsitsi kana kuvaponesa. Kunyange vakaridza mhere munzeve dzangu, handingavanzwi.”

In Other Versions

Ezekiel 8 in the ANGEFD

Ezekiel 8 in the ANTPNG2D

Ezekiel 8 in the AS21

Ezekiel 8 in the BAGH

Ezekiel 8 in the BBPNG

Ezekiel 8 in the BBT1E

Ezekiel 8 in the BDS

Ezekiel 8 in the BEV

Ezekiel 8 in the BHAD

Ezekiel 8 in the BIB

Ezekiel 8 in the BLPT

Ezekiel 8 in the BNT

Ezekiel 8 in the BNTABOOT

Ezekiel 8 in the BNTLV

Ezekiel 8 in the BOATCB

Ezekiel 8 in the BOATCB2

Ezekiel 8 in the BOBCV

Ezekiel 8 in the BOCNT

Ezekiel 8 in the BOECS

Ezekiel 8 in the BOGWICC

Ezekiel 8 in the BOHCB

Ezekiel 8 in the BOHCV

Ezekiel 8 in the BOHLNT

Ezekiel 8 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 8 in the BOICB

Ezekiel 8 in the BOILNTAP

Ezekiel 8 in the BOITCV

Ezekiel 8 in the BOKCV

Ezekiel 8 in the BOKCV2

Ezekiel 8 in the BOKHWOG

Ezekiel 8 in the BOKSSV

Ezekiel 8 in the BOLCB

Ezekiel 8 in the BOLCB2

Ezekiel 8 in the BOMCV

Ezekiel 8 in the BONAV

Ezekiel 8 in the BONCB

Ezekiel 8 in the BONLT

Ezekiel 8 in the BONUT2

Ezekiel 8 in the BOPLNT

Ezekiel 8 in the BOSNC

Ezekiel 8 in the BOTLNT

Ezekiel 8 in the BOVCB

Ezekiel 8 in the BOYCB

Ezekiel 8 in the BPBB

Ezekiel 8 in the BPH

Ezekiel 8 in the BSB

Ezekiel 8 in the CCB

Ezekiel 8 in the CUV

Ezekiel 8 in the CUVS

Ezekiel 8 in the DBT

Ezekiel 8 in the DGDNT

Ezekiel 8 in the DHNT

Ezekiel 8 in the DNT

Ezekiel 8 in the ELBE

Ezekiel 8 in the EMTV

Ezekiel 8 in the ESV

Ezekiel 8 in the FBV

Ezekiel 8 in the FEB

Ezekiel 8 in the GGMNT

Ezekiel 8 in the GNT

Ezekiel 8 in the HARY

Ezekiel 8 in the HNT

Ezekiel 8 in the IRVA

Ezekiel 8 in the IRVB

Ezekiel 8 in the IRVG

Ezekiel 8 in the IRVH

Ezekiel 8 in the IRVK

Ezekiel 8 in the IRVM

Ezekiel 8 in the IRVM2

Ezekiel 8 in the IRVO

Ezekiel 8 in the IRVP

Ezekiel 8 in the IRVT

Ezekiel 8 in the IRVT2

Ezekiel 8 in the IRVU

Ezekiel 8 in the ISVN

Ezekiel 8 in the JSNT

Ezekiel 8 in the KAPI

Ezekiel 8 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 8 in the KBV

Ezekiel 8 in the KJV

Ezekiel 8 in the KNFD

Ezekiel 8 in the LBA

Ezekiel 8 in the LBLA

Ezekiel 8 in the LNT

Ezekiel 8 in the LSV

Ezekiel 8 in the MAAL

Ezekiel 8 in the MBV

Ezekiel 8 in the MBV2

Ezekiel 8 in the MHNT

Ezekiel 8 in the MKNFD

Ezekiel 8 in the MNG

Ezekiel 8 in the MNT

Ezekiel 8 in the MNT2

Ezekiel 8 in the MRS1T

Ezekiel 8 in the NAA

Ezekiel 8 in the NASB

Ezekiel 8 in the NBLA

Ezekiel 8 in the NBS

Ezekiel 8 in the NBVTP

Ezekiel 8 in the NET2

Ezekiel 8 in the NIV11

Ezekiel 8 in the NNT

Ezekiel 8 in the NNT2

Ezekiel 8 in the NNT3

Ezekiel 8 in the PDDPT

Ezekiel 8 in the PFNT

Ezekiel 8 in the RMNT

Ezekiel 8 in the SBIAS

Ezekiel 8 in the SBIBS

Ezekiel 8 in the SBIBS2

Ezekiel 8 in the SBICS

Ezekiel 8 in the SBIDS

Ezekiel 8 in the SBIGS

Ezekiel 8 in the SBIHS

Ezekiel 8 in the SBIIS

Ezekiel 8 in the SBIIS2

Ezekiel 8 in the SBIIS3

Ezekiel 8 in the SBIKS

Ezekiel 8 in the SBIKS2

Ezekiel 8 in the SBIMS

Ezekiel 8 in the SBIOS

Ezekiel 8 in the SBIPS

Ezekiel 8 in the SBISS

Ezekiel 8 in the SBITS

Ezekiel 8 in the SBITS2

Ezekiel 8 in the SBITS3

Ezekiel 8 in the SBITS4

Ezekiel 8 in the SBIUS

Ezekiel 8 in the SBIVS

Ezekiel 8 in the SBT

Ezekiel 8 in the SBT1E

Ezekiel 8 in the SCHL

Ezekiel 8 in the SNT

Ezekiel 8 in the SUSU

Ezekiel 8 in the SUSU2

Ezekiel 8 in the SYNO

Ezekiel 8 in the TBIAOTANT

Ezekiel 8 in the TBT1E

Ezekiel 8 in the TBT1E2

Ezekiel 8 in the TFTIP

Ezekiel 8 in the TFTU

Ezekiel 8 in the TGNTATF3T

Ezekiel 8 in the THAI

Ezekiel 8 in the TNFD

Ezekiel 8 in the TNT

Ezekiel 8 in the TNTIK

Ezekiel 8 in the TNTIL

Ezekiel 8 in the TNTIN

Ezekiel 8 in the TNTIP

Ezekiel 8 in the TNTIZ

Ezekiel 8 in the TOMA

Ezekiel 8 in the TTENT

Ezekiel 8 in the UBG

Ezekiel 8 in the UGV

Ezekiel 8 in the UGV2

Ezekiel 8 in the UGV3

Ezekiel 8 in the VBL

Ezekiel 8 in the VDCC

Ezekiel 8 in the YALU

Ezekiel 8 in the YAPE

Ezekiel 8 in the YBVTP

Ezekiel 8 in the ZBP