Genesis 2 (BOSCB)
1 Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose. 2 Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. 3 Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita. 4 Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga, 5 uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika, 6 asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose, 7 Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu. 8 Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo. 9 Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. 10 Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina. 11 Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe. 12 (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.) 13 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia. 14 Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi. 15 Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta. 16 Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu; 17 asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.” 18 Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” 19 Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho. 20 Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira. 21 Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa. 22 Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume. 23 Murume akati,“Zvino uyu ibvupa ramapfupa angunenyama yenyama yangu;achanzi ‘mukadzi’,nokuti akatorwa kubva pamurume.” 24 Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe. 25 Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.
In Other Versions
Genesis 2 in the ANGEFD
Genesis 2 in the ANTPNG2D
Genesis 2 in the AS21
Genesis 2 in the BAGH
Genesis 2 in the BBPNG
Genesis 2 in the BBT1E
Genesis 2 in the BDS
Genesis 2 in the BEV
Genesis 2 in the BHAD
Genesis 2 in the BIB
Genesis 2 in the BLPT
Genesis 2 in the BNT
Genesis 2 in the BNTABOOT
Genesis 2 in the BNTLV
Genesis 2 in the BOATCB
Genesis 2 in the BOATCB2
Genesis 2 in the BOBCV
Genesis 2 in the BOCNT
Genesis 2 in the BOECS
Genesis 2 in the BOGWICC
Genesis 2 in the BOHCB
Genesis 2 in the BOHCV
Genesis 2 in the BOHLNT
Genesis 2 in the BOHNTLTAL
Genesis 2 in the BOICB
Genesis 2 in the BOILNTAP
Genesis 2 in the BOITCV
Genesis 2 in the BOKCV
Genesis 2 in the BOKCV2
Genesis 2 in the BOKHWOG
Genesis 2 in the BOKSSV
Genesis 2 in the BOLCB
Genesis 2 in the BOLCB2
Genesis 2 in the BOMCV
Genesis 2 in the BONAV
Genesis 2 in the BONCB
Genesis 2 in the BONLT
Genesis 2 in the BONUT2
Genesis 2 in the BOPLNT
Genesis 2 in the BOSNC
Genesis 2 in the BOTLNT
Genesis 2 in the BOVCB
Genesis 2 in the BOYCB
Genesis 2 in the BPBB
Genesis 2 in the BPH
Genesis 2 in the BSB
Genesis 2 in the CCB
Genesis 2 in the CUV
Genesis 2 in the CUVS
Genesis 2 in the DBT
Genesis 2 in the DGDNT
Genesis 2 in the DHNT
Genesis 2 in the DNT
Genesis 2 in the ELBE
Genesis 2 in the EMTV
Genesis 2 in the ESV
Genesis 2 in the FBV
Genesis 2 in the FEB
Genesis 2 in the GGMNT
Genesis 2 in the GNT
Genesis 2 in the HARY
Genesis 2 in the HNT
Genesis 2 in the IRVA
Genesis 2 in the IRVB
Genesis 2 in the IRVG
Genesis 2 in the IRVH
Genesis 2 in the IRVK
Genesis 2 in the IRVM
Genesis 2 in the IRVM2
Genesis 2 in the IRVO
Genesis 2 in the IRVP
Genesis 2 in the IRVT
Genesis 2 in the IRVT2
Genesis 2 in the IRVU
Genesis 2 in the ISVN
Genesis 2 in the JSNT
Genesis 2 in the KAPI
Genesis 2 in the KBT1ETNIK
Genesis 2 in the KBV
Genesis 2 in the KJV
Genesis 2 in the KNFD
Genesis 2 in the LBA
Genesis 2 in the LBLA
Genesis 2 in the LNT
Genesis 2 in the LSV
Genesis 2 in the MAAL
Genesis 2 in the MBV
Genesis 2 in the MBV2
Genesis 2 in the MHNT
Genesis 2 in the MKNFD
Genesis 2 in the MNG
Genesis 2 in the MNT
Genesis 2 in the MNT2
Genesis 2 in the MRS1T
Genesis 2 in the NAA
Genesis 2 in the NASB
Genesis 2 in the NBLA
Genesis 2 in the NBS
Genesis 2 in the NBVTP
Genesis 2 in the NET2
Genesis 2 in the NIV11
Genesis 2 in the NNT
Genesis 2 in the NNT2
Genesis 2 in the NNT3
Genesis 2 in the PDDPT
Genesis 2 in the PFNT
Genesis 2 in the RMNT
Genesis 2 in the SBIAS
Genesis 2 in the SBIBS
Genesis 2 in the SBIBS2
Genesis 2 in the SBICS
Genesis 2 in the SBIDS
Genesis 2 in the SBIGS
Genesis 2 in the SBIHS
Genesis 2 in the SBIIS
Genesis 2 in the SBIIS2
Genesis 2 in the SBIIS3
Genesis 2 in the SBIKS
Genesis 2 in the SBIKS2
Genesis 2 in the SBIMS
Genesis 2 in the SBIOS
Genesis 2 in the SBIPS
Genesis 2 in the SBISS
Genesis 2 in the SBITS
Genesis 2 in the SBITS2
Genesis 2 in the SBITS3
Genesis 2 in the SBITS4
Genesis 2 in the SBIUS
Genesis 2 in the SBIVS
Genesis 2 in the SBT
Genesis 2 in the SBT1E
Genesis 2 in the SCHL
Genesis 2 in the SNT
Genesis 2 in the SUSU
Genesis 2 in the SUSU2
Genesis 2 in the SYNO
Genesis 2 in the TBIAOTANT
Genesis 2 in the TBT1E
Genesis 2 in the TBT1E2
Genesis 2 in the TFTIP
Genesis 2 in the TFTU
Genesis 2 in the TGNTATF3T
Genesis 2 in the THAI
Genesis 2 in the TNFD
Genesis 2 in the TNT
Genesis 2 in the TNTIK
Genesis 2 in the TNTIL
Genesis 2 in the TNTIN
Genesis 2 in the TNTIP
Genesis 2 in the TNTIZ
Genesis 2 in the TOMA
Genesis 2 in the TTENT
Genesis 2 in the UBG
Genesis 2 in the UGV
Genesis 2 in the UGV2
Genesis 2 in the UGV3
Genesis 2 in the VBL
Genesis 2 in the VDCC
Genesis 2 in the YALU
Genesis 2 in the YAPE
Genesis 2 in the YBVTP
Genesis 2 in the ZBP