Genesis 24 (BOSCB)

1 Zvino Abhurahama akanga akwegura ava namakore mazhinji, uye Jehovha akanga amuropafadza pazvinhu zvose. 2 Akati kumuranda wake mukuru womumba make, iye akanga ari mutariri wezvose zvaakanga anazvo, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu. 3 Ndinoda kuti upike naJehovha, Mwari wokudenga uye Mwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, avo vandigere pakati pavo, 4 asi uchaenda kunyika yangu nokuhama dzangu ugondotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.” 5 Muranda akabvunza akati, “Ko, kana mukadzi asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndichazoenda here nomwanakomana wenyu kunyika yamakabva?” 6 Abhurahama akati, “Chenjera kuti urege kudzokera nomwanakomana wangu ikoko. 7 Jehovha, Mwari wokudenga, akandibudisa muimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu uye iye akataura kwandiri akandivimbisa nemhiko achiti, ‘Ndichapa nyika iyi kuvana vako,’ achatuma mutumwa pamberi pako kuitira kuti ugogona kuwanira mwanakomana wangu mukadzi kubva ikoko. 8 Kana mukadzi asingadi kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi. Usadzokera chete nomwanakomana wangu ikoko.” 9 Saka muranda akaisa ruoko rwake pasi pechidya chatenzi wake Abhurahama akapika mhiko kwaari maererano neshoko iri. 10 Ipapo muranda akatora ngamera dzatenzi wake gumi akaenda, akatora mhando dzezvinhu zvose zvakanaka kubva kuna tenzi wake. Akasimuka akaenda kuAramu Naharaimu akananga kuguta reNahori. 11 Akaita kuti ngamera dzipfugame pasi pedyo netsime raiva kunze kweguta; kwakanga kwava kudoka, nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura. 12 Akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, itai kuti ndibudirire nhasi, muitire tenzi wangu Abhurahama zvakanaka. 13 Onai, ndimire parutivi petsime rino, uye vanasikana vavanhu vomuguta rino vari kubuda vachiuya kuzochera mvura. 14 Ngazviitike kuti pandinoti kumusikana, ‘Ndapota, tura chirongo chako kuti ndinwewo mvura,’ uye iye akati, ‘Inwai henyu uye ndichanwisawo ngamera dzenyu’ ngaave iye wamasarudzira muranda wenyu Isaka. Naizvozvo ndichaziva kuti maitira tenzi wangu zvakanaka.” 15 Asati apedza kunyengetera, Rabheka akasvika nechirongo chake papfudzi rake. Akanga ari mwanasikana waBhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori mununʼuna waAbhurahama. 16 Musikana akanga akanaka kwazvo, ari mhandara; hakuna murume akanga ambovata naye. Akaenda kutsime, akazadza chirongo chake akadzokazve. 17 Muranda akamhanya akandosangana naye akati, “Ndapota, ndipewo mvura shoma shoma yokunwa kubva muchirongo chako.” 18 Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu,” akakurumidza kutura chirongo mumaoko ake uye akamupa kuti anwe. 19 Shure kwokumupa mvura kuti anwe, akati, “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura, kusvikira dzapedza kunwa.” 20 Saka akakurumidza kudururira mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime zvakare kundochera imwe mvura zhinji, akachera yakakwanira ngamera dzake. 21 Asina chaakataura, murume uyu akamutarisisa kuti azive kuti Jehovha akanga aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete. 22 Ngamera dzakati dzapedza kunwa, murume uya akatora mhete yegoridhe yapamhino yairema hafu yeshekeri nezvishongo zviviri zvamaoko zvairema mashekeri gumi. 23 Ipapo akamubvunza akati, “Uri mwanasikana waaniko? Ndapota, dondiudzawo, kumba kwababa vako kungaita nzvimbo yedu yokuvata here?” 24 Akamupindura akati, “Ndiri mwanasikana waBhetueri, mwanakomana waMirika akaberekera Nahori.” 25 Uye akatizve, “Tine uswa hwakawanda namashanga, uyewo nenzvimbo yenyu yokuvata.” 26 Ipapo murume uya akakotamira pasi akanamata Jehovha, 27 akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye asina kurega kuita zvakanaka nokutendeka kwake kuna tenzi wangu. Kana ndirini, Jehovha akanditungamirira parwendo rwangu akandisvitsa kumba kwehama dzatenzi wangu.” 28 Musikana akamhanya akandoudza veimba yamai vake pamusoro pezvinhu zvose izvi. 29 Zvino Rabheka akanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani, uye iye akakurumidza kubuda akaenda kumurume uya kutsime. 30 Akati achingoona mhete yemhino nezvishongo mumaoko ehanzvadzi yake, uye anzwa Rabheka achitaura zvakanga zvarehwa nomurume uyu kwaari, akabuda akaenda kumurume akamuwana amire pangamera pedyo netsime. 31 Akati, “Uya iwe wakaropafadzwa naJehovha. Wakamirireiko pano? Ndatogadzira imba nenzvimbo yengamera.” 32 Saka murume uya akaenda kumba, uye ngamera dzakaturwa. Uswa namashanga zvakavigirwa ngamera, uye iye navanhu vake vakavigirwa mvura kuti vashambe tsoka dzavo. 33 Zvokudya zvakaiswa pamberi pake, asi iye akati, “Handingatongodyi kusvikira ndakuudzai zvandinoda kureva.”Rabhani akati, “Tiudze hako zvino.” 34 Saka iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahama. 35 Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo, uye ava mupfumi. Akamupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume navarandakadzi, ngamera nembongoro. 36 Sara mukadzi watenzi wangu akamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake, uye akamupa zvinhu zvose zvaanazvo. 37 Uye tenzi wangu akaita kuti ndipike mhiko, uye akati, ‘Haufaniri kutorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, munyika yandigere, 38 asi enda kumhuri yababa vangu uye nokuimba yangu, undotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’ 39 “Ipapo ndakabvunza tenzi wangu ndikati, ‘Ko, kana mukadzi akasauya neni?’ 40 “Akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu. 41 Zvino, kana wasvika kuimba yokwangu, iwe uchasunungurwa pamhiko kunyange vakaramba kumupa kwauri, uchasunungurwa pamhiko yangu.’ 42 “Pandasvika patsime nhasi, ndati, ‘Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchida, ndapota ndipeiwo kubudirira parwendo rwandafamba. 43 Tarirai, ndimire parutivi petsime iri; kana musikana akabuda kuzochera mvura uye ndikati kwaari, “Ndapota rega ndinwe mvura shoma shoma kubva muchirongo chako,” 44 uye kana iye akati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu,” ngaave iye asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.’ 45 “Ndisati ndapedza kunyengetera mumwoyo mangu, Rabheka auya, ane chirongo chake papfudzi rake. Aenda kutsime uye akachera mvura, uye ini ndikati kwaari, ‘Ndapota ndipewo mvura ndinwe.’ 46 “Akurumidza kutura chirongo chake papfudzi rake akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa ngamera dzenyuwo.’ Saka ndanwa mvura, uye anwisawo ngamera. 47 “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’“Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’“Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake, 48 uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womununʼuna watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake. 49 Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.” 50 Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka. 51 Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.” 52 Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha. 53 Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake. 54 Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya vakanwa, uye vakararapo usiku uho.Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.” 55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.” 56 Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.” 57 Ipapo vakati, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.” 58 Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?”Iye akati, “Ndichaenda.” 59 Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake. 60 Uye vakaropafadza Rabheka vakati,“Iwe hanzvadzi yedu,uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru;vana vako ngavatoremasuo avavengi vavo.” 61 Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda. 62 Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi. 63 Humwe usiku akabuda akaenda musango kuti ambondorangarira, uye paakasimudza meso ake, akaona ngamera dzichiswedera, 64 naRabhekawo akasimudza meso ake akaona Isaka. Akaburuka kubva pangamera yake 65 uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?”Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza. 66 Ipapo muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita. 67 Isaka akamupinza mutende ramai vake Sara, uye akawana Rabheka. Saka akava mukadzi wake, uye akamuda; naizvozvo Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.

In Other Versions

Genesis 24 in the ANGEFD

Genesis 24 in the ANTPNG2D

Genesis 24 in the AS21

Genesis 24 in the BAGH

Genesis 24 in the BBPNG

Genesis 24 in the BBT1E

Genesis 24 in the BDS

Genesis 24 in the BEV

Genesis 24 in the BHAD

Genesis 24 in the BIB

Genesis 24 in the BLPT

Genesis 24 in the BNT

Genesis 24 in the BNTABOOT

Genesis 24 in the BNTLV

Genesis 24 in the BOATCB

Genesis 24 in the BOATCB2

Genesis 24 in the BOBCV

Genesis 24 in the BOCNT

Genesis 24 in the BOECS

Genesis 24 in the BOGWICC

Genesis 24 in the BOHCB

Genesis 24 in the BOHCV

Genesis 24 in the BOHLNT

Genesis 24 in the BOHNTLTAL

Genesis 24 in the BOICB

Genesis 24 in the BOILNTAP

Genesis 24 in the BOITCV

Genesis 24 in the BOKCV

Genesis 24 in the BOKCV2

Genesis 24 in the BOKHWOG

Genesis 24 in the BOKSSV

Genesis 24 in the BOLCB

Genesis 24 in the BOLCB2

Genesis 24 in the BOMCV

Genesis 24 in the BONAV

Genesis 24 in the BONCB

Genesis 24 in the BONLT

Genesis 24 in the BONUT2

Genesis 24 in the BOPLNT

Genesis 24 in the BOSNC

Genesis 24 in the BOTLNT

Genesis 24 in the BOVCB

Genesis 24 in the BOYCB

Genesis 24 in the BPBB

Genesis 24 in the BPH

Genesis 24 in the BSB

Genesis 24 in the CCB

Genesis 24 in the CUV

Genesis 24 in the CUVS

Genesis 24 in the DBT

Genesis 24 in the DGDNT

Genesis 24 in the DHNT

Genesis 24 in the DNT

Genesis 24 in the ELBE

Genesis 24 in the EMTV

Genesis 24 in the ESV

Genesis 24 in the FBV

Genesis 24 in the FEB

Genesis 24 in the GGMNT

Genesis 24 in the GNT

Genesis 24 in the HARY

Genesis 24 in the HNT

Genesis 24 in the IRVA

Genesis 24 in the IRVB

Genesis 24 in the IRVG

Genesis 24 in the IRVH

Genesis 24 in the IRVK

Genesis 24 in the IRVM

Genesis 24 in the IRVM2

Genesis 24 in the IRVO

Genesis 24 in the IRVP

Genesis 24 in the IRVT

Genesis 24 in the IRVT2

Genesis 24 in the IRVU

Genesis 24 in the ISVN

Genesis 24 in the JSNT

Genesis 24 in the KAPI

Genesis 24 in the KBT1ETNIK

Genesis 24 in the KBV

Genesis 24 in the KJV

Genesis 24 in the KNFD

Genesis 24 in the LBA

Genesis 24 in the LBLA

Genesis 24 in the LNT

Genesis 24 in the LSV

Genesis 24 in the MAAL

Genesis 24 in the MBV

Genesis 24 in the MBV2

Genesis 24 in the MHNT

Genesis 24 in the MKNFD

Genesis 24 in the MNG

Genesis 24 in the MNT

Genesis 24 in the MNT2

Genesis 24 in the MRS1T

Genesis 24 in the NAA

Genesis 24 in the NASB

Genesis 24 in the NBLA

Genesis 24 in the NBS

Genesis 24 in the NBVTP

Genesis 24 in the NET2

Genesis 24 in the NIV11

Genesis 24 in the NNT

Genesis 24 in the NNT2

Genesis 24 in the NNT3

Genesis 24 in the PDDPT

Genesis 24 in the PFNT

Genesis 24 in the RMNT

Genesis 24 in the SBIAS

Genesis 24 in the SBIBS

Genesis 24 in the SBIBS2

Genesis 24 in the SBICS

Genesis 24 in the SBIDS

Genesis 24 in the SBIGS

Genesis 24 in the SBIHS

Genesis 24 in the SBIIS

Genesis 24 in the SBIIS2

Genesis 24 in the SBIIS3

Genesis 24 in the SBIKS

Genesis 24 in the SBIKS2

Genesis 24 in the SBIMS

Genesis 24 in the SBIOS

Genesis 24 in the SBIPS

Genesis 24 in the SBISS

Genesis 24 in the SBITS

Genesis 24 in the SBITS2

Genesis 24 in the SBITS3

Genesis 24 in the SBITS4

Genesis 24 in the SBIUS

Genesis 24 in the SBIVS

Genesis 24 in the SBT

Genesis 24 in the SBT1E

Genesis 24 in the SCHL

Genesis 24 in the SNT

Genesis 24 in the SUSU

Genesis 24 in the SUSU2

Genesis 24 in the SYNO

Genesis 24 in the TBIAOTANT

Genesis 24 in the TBT1E

Genesis 24 in the TBT1E2

Genesis 24 in the TFTIP

Genesis 24 in the TFTU

Genesis 24 in the TGNTATF3T

Genesis 24 in the THAI

Genesis 24 in the TNFD

Genesis 24 in the TNT

Genesis 24 in the TNTIK

Genesis 24 in the TNTIL

Genesis 24 in the TNTIN

Genesis 24 in the TNTIP

Genesis 24 in the TNTIZ

Genesis 24 in the TOMA

Genesis 24 in the TTENT

Genesis 24 in the UBG

Genesis 24 in the UGV

Genesis 24 in the UGV2

Genesis 24 in the UGV3

Genesis 24 in the VBL

Genesis 24 in the VDCC

Genesis 24 in the YALU

Genesis 24 in the YAPE

Genesis 24 in the YBVTP

Genesis 24 in the ZBP