Genesis 28 (BOSCB)
1 Saka Isaka akadana Jakobho akamuropafadza uye akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani. 2 Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako. 3 Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji. 4 Ngaakupe iwe nezvizvarwa zvako maropafadzo akapiwa kuna Abhurahama, kuitira kuti utore nyika yaugere zvino somutorwa, nyika yakapiwa Abhurahama naMwari.” 5 Ipapo Isaka akaendesa Jakobho, uye akaenda kuPadhani Aramu, kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muAramu, hanzvadzi yaRabheka, akanga ari mai vaJakobho naEsau. 6 Zvino Esau akaziva kuti Isaka akanga aropafadza Jakobho uye kuti akanga amuendesa kuPadhani Aramu kuti andotora mukadzi ikoko, uye kuti paakamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani,” 7 uye kuti Jakobho akateerera baba namai vake akaenda kuPadhani Aramu. 8 Ipapo Esau akaziva kuti vakadzi veKenani vakanga vasingafadzi sei Isaka baba vake; 9 saka akaenda kuna Ishumaeri akandowana Maharati, hanzvadzi yaNebhayoti mwanasikana waIshumaeri mwanakomana waAbhurahama, kuwedzera pavakadzi vaakanga atova navo kare. 10 Jakobho akabva paBheerishebha akaenda kuHarani. 11 Akati asvika pane imwe nzvimbo, akavata ipapo usiku nokuti zuva rakanga ravira. Akatora rimwe ramatombo ipapo, akaritsamira akavata. 12 Akarota achiona manera amire panyika, uye musoro wawo uchisvika kudenga, uye vatumwa vaMwari vaikwidza nokudzika nawo. 13 Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi. 14 Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako. 15 Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.” 16 Jakobho akati apepuka pahope, akafunga akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, uye ndanga ndisingazvizivi.” 17 Akanga achitya uye akati, “Nzvimbo ino inotyisa sei! Iyi imba chaiyo yaMwari; iri ndiro suo rokudenga.” 18 Mangwanani akatevera Jakobho akatora dombo raakanga akatsamira akarimisa sembiru akadururira mafuta pamusoro paro. 19 Akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bheteri, kunyange zvazvo guta iro raimbonzi Ruzi. 20 Ipapo Jakobho akaita mhiko, akati, “Kana Mwari akava neni uye akandichengeta parwendo urwu rwandiri kufamba uye akandipa zvokudya kuti ndidye nenguo dzokupfeka 21 uye ndikadzoka zvakanaka kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu, 22 uye dombo iri randamisa sembiru richava imba yaMwari, uye pane zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi.”
In Other Versions
Genesis 28 in the ANGEFD
Genesis 28 in the ANTPNG2D
Genesis 28 in the AS21
Genesis 28 in the BAGH
Genesis 28 in the BBPNG
Genesis 28 in the BBT1E
Genesis 28 in the BDS
Genesis 28 in the BEV
Genesis 28 in the BHAD
Genesis 28 in the BIB
Genesis 28 in the BLPT
Genesis 28 in the BNT
Genesis 28 in the BNTABOOT
Genesis 28 in the BNTLV
Genesis 28 in the BOATCB
Genesis 28 in the BOATCB2
Genesis 28 in the BOBCV
Genesis 28 in the BOCNT
Genesis 28 in the BOECS
Genesis 28 in the BOGWICC
Genesis 28 in the BOHCB
Genesis 28 in the BOHCV
Genesis 28 in the BOHLNT
Genesis 28 in the BOHNTLTAL
Genesis 28 in the BOICB
Genesis 28 in the BOILNTAP
Genesis 28 in the BOITCV
Genesis 28 in the BOKCV
Genesis 28 in the BOKCV2
Genesis 28 in the BOKHWOG
Genesis 28 in the BOKSSV
Genesis 28 in the BOLCB
Genesis 28 in the BOLCB2
Genesis 28 in the BOMCV
Genesis 28 in the BONAV
Genesis 28 in the BONCB
Genesis 28 in the BONLT
Genesis 28 in the BONUT2
Genesis 28 in the BOPLNT
Genesis 28 in the BOSNC
Genesis 28 in the BOTLNT
Genesis 28 in the BOVCB
Genesis 28 in the BOYCB
Genesis 28 in the BPBB
Genesis 28 in the BPH
Genesis 28 in the BSB
Genesis 28 in the CCB
Genesis 28 in the CUV
Genesis 28 in the CUVS
Genesis 28 in the DBT
Genesis 28 in the DGDNT
Genesis 28 in the DHNT
Genesis 28 in the DNT
Genesis 28 in the ELBE
Genesis 28 in the EMTV
Genesis 28 in the ESV
Genesis 28 in the FBV
Genesis 28 in the FEB
Genesis 28 in the GGMNT
Genesis 28 in the GNT
Genesis 28 in the HARY
Genesis 28 in the HNT
Genesis 28 in the IRVA
Genesis 28 in the IRVB
Genesis 28 in the IRVG
Genesis 28 in the IRVH
Genesis 28 in the IRVK
Genesis 28 in the IRVM
Genesis 28 in the IRVM2
Genesis 28 in the IRVO
Genesis 28 in the IRVP
Genesis 28 in the IRVT
Genesis 28 in the IRVT2
Genesis 28 in the IRVU
Genesis 28 in the ISVN
Genesis 28 in the JSNT
Genesis 28 in the KAPI
Genesis 28 in the KBT1ETNIK
Genesis 28 in the KBV
Genesis 28 in the KJV
Genesis 28 in the KNFD
Genesis 28 in the LBA
Genesis 28 in the LBLA
Genesis 28 in the LNT
Genesis 28 in the LSV
Genesis 28 in the MAAL
Genesis 28 in the MBV
Genesis 28 in the MBV2
Genesis 28 in the MHNT
Genesis 28 in the MKNFD
Genesis 28 in the MNG
Genesis 28 in the MNT
Genesis 28 in the MNT2
Genesis 28 in the MRS1T
Genesis 28 in the NAA
Genesis 28 in the NASB
Genesis 28 in the NBLA
Genesis 28 in the NBS
Genesis 28 in the NBVTP
Genesis 28 in the NET2
Genesis 28 in the NIV11
Genesis 28 in the NNT
Genesis 28 in the NNT2
Genesis 28 in the NNT3
Genesis 28 in the PDDPT
Genesis 28 in the PFNT
Genesis 28 in the RMNT
Genesis 28 in the SBIAS
Genesis 28 in the SBIBS
Genesis 28 in the SBIBS2
Genesis 28 in the SBICS
Genesis 28 in the SBIDS
Genesis 28 in the SBIGS
Genesis 28 in the SBIHS
Genesis 28 in the SBIIS
Genesis 28 in the SBIIS2
Genesis 28 in the SBIIS3
Genesis 28 in the SBIKS
Genesis 28 in the SBIKS2
Genesis 28 in the SBIMS
Genesis 28 in the SBIOS
Genesis 28 in the SBIPS
Genesis 28 in the SBISS
Genesis 28 in the SBITS
Genesis 28 in the SBITS2
Genesis 28 in the SBITS3
Genesis 28 in the SBITS4
Genesis 28 in the SBIUS
Genesis 28 in the SBIVS
Genesis 28 in the SBT
Genesis 28 in the SBT1E
Genesis 28 in the SCHL
Genesis 28 in the SNT
Genesis 28 in the SUSU
Genesis 28 in the SUSU2
Genesis 28 in the SYNO
Genesis 28 in the TBIAOTANT
Genesis 28 in the TBT1E
Genesis 28 in the TBT1E2
Genesis 28 in the TFTIP
Genesis 28 in the TFTU
Genesis 28 in the TGNTATF3T
Genesis 28 in the THAI
Genesis 28 in the TNFD
Genesis 28 in the TNT
Genesis 28 in the TNTIK
Genesis 28 in the TNTIL
Genesis 28 in the TNTIN
Genesis 28 in the TNTIP
Genesis 28 in the TNTIZ
Genesis 28 in the TOMA
Genesis 28 in the TTENT
Genesis 28 in the UBG
Genesis 28 in the UGV
Genesis 28 in the UGV2
Genesis 28 in the UGV3
Genesis 28 in the VBL
Genesis 28 in the VDCC
Genesis 28 in the YALU
Genesis 28 in the YAPE
Genesis 28 in the YBVTP
Genesis 28 in the ZBP