Genesis 35 (BOSCB)

1 Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.” 2 Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu. 3 Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.” 4 Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifushira pasi pomuouki weShekemu. 5 Ipapo vakasimuka, kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera. 6 Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani. 7 Akavaka aritari ipapo, akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake. 8 Zvino Dhibhora, mureri waRabheka, akafa akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti. 9 Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza. 10 Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri. 11 Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekanai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye madzimambo achabuda kubva mauri. 12 Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.” 13 Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye. 14 Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri. 15 Jakobho akatumidza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri. 16 Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru. 17 Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.” 18 Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti Bheni-Oni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini. 19 Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema). 20 Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri. 21 Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri. 22 Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri: 23 Vanakomana vaRea vaiti:Rubheni dangwe raJakobho,Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni. 24 Vanakomana vaRakeri vaiva:Josefa naBhenjamini. 25 Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva:Dhani naNafutari. 26 Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva:Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu. 27 Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka. 28 Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere. 29 Ipapo akabudisa mweya wake akafa akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga.

In Other Versions

Genesis 35 in the ANGEFD

Genesis 35 in the ANTPNG2D

Genesis 35 in the AS21

Genesis 35 in the BAGH

Genesis 35 in the BBPNG

Genesis 35 in the BBT1E

Genesis 35 in the BDS

Genesis 35 in the BEV

Genesis 35 in the BHAD

Genesis 35 in the BIB

Genesis 35 in the BLPT

Genesis 35 in the BNT

Genesis 35 in the BNTABOOT

Genesis 35 in the BNTLV

Genesis 35 in the BOATCB

Genesis 35 in the BOATCB2

Genesis 35 in the BOBCV

Genesis 35 in the BOCNT

Genesis 35 in the BOECS

Genesis 35 in the BOGWICC

Genesis 35 in the BOHCB

Genesis 35 in the BOHCV

Genesis 35 in the BOHLNT

Genesis 35 in the BOHNTLTAL

Genesis 35 in the BOICB

Genesis 35 in the BOILNTAP

Genesis 35 in the BOITCV

Genesis 35 in the BOKCV

Genesis 35 in the BOKCV2

Genesis 35 in the BOKHWOG

Genesis 35 in the BOKSSV

Genesis 35 in the BOLCB

Genesis 35 in the BOLCB2

Genesis 35 in the BOMCV

Genesis 35 in the BONAV

Genesis 35 in the BONCB

Genesis 35 in the BONLT

Genesis 35 in the BONUT2

Genesis 35 in the BOPLNT

Genesis 35 in the BOSNC

Genesis 35 in the BOTLNT

Genesis 35 in the BOVCB

Genesis 35 in the BOYCB

Genesis 35 in the BPBB

Genesis 35 in the BPH

Genesis 35 in the BSB

Genesis 35 in the CCB

Genesis 35 in the CUV

Genesis 35 in the CUVS

Genesis 35 in the DBT

Genesis 35 in the DGDNT

Genesis 35 in the DHNT

Genesis 35 in the DNT

Genesis 35 in the ELBE

Genesis 35 in the EMTV

Genesis 35 in the ESV

Genesis 35 in the FBV

Genesis 35 in the FEB

Genesis 35 in the GGMNT

Genesis 35 in the GNT

Genesis 35 in the HARY

Genesis 35 in the HNT

Genesis 35 in the IRVA

Genesis 35 in the IRVB

Genesis 35 in the IRVG

Genesis 35 in the IRVH

Genesis 35 in the IRVK

Genesis 35 in the IRVM

Genesis 35 in the IRVM2

Genesis 35 in the IRVO

Genesis 35 in the IRVP

Genesis 35 in the IRVT

Genesis 35 in the IRVT2

Genesis 35 in the IRVU

Genesis 35 in the ISVN

Genesis 35 in the JSNT

Genesis 35 in the KAPI

Genesis 35 in the KBT1ETNIK

Genesis 35 in the KBV

Genesis 35 in the KJV

Genesis 35 in the KNFD

Genesis 35 in the LBA

Genesis 35 in the LBLA

Genesis 35 in the LNT

Genesis 35 in the LSV

Genesis 35 in the MAAL

Genesis 35 in the MBV

Genesis 35 in the MBV2

Genesis 35 in the MHNT

Genesis 35 in the MKNFD

Genesis 35 in the MNG

Genesis 35 in the MNT

Genesis 35 in the MNT2

Genesis 35 in the MRS1T

Genesis 35 in the NAA

Genesis 35 in the NASB

Genesis 35 in the NBLA

Genesis 35 in the NBS

Genesis 35 in the NBVTP

Genesis 35 in the NET2

Genesis 35 in the NIV11

Genesis 35 in the NNT

Genesis 35 in the NNT2

Genesis 35 in the NNT3

Genesis 35 in the PDDPT

Genesis 35 in the PFNT

Genesis 35 in the RMNT

Genesis 35 in the SBIAS

Genesis 35 in the SBIBS

Genesis 35 in the SBIBS2

Genesis 35 in the SBICS

Genesis 35 in the SBIDS

Genesis 35 in the SBIGS

Genesis 35 in the SBIHS

Genesis 35 in the SBIIS

Genesis 35 in the SBIIS2

Genesis 35 in the SBIIS3

Genesis 35 in the SBIKS

Genesis 35 in the SBIKS2

Genesis 35 in the SBIMS

Genesis 35 in the SBIOS

Genesis 35 in the SBIPS

Genesis 35 in the SBISS

Genesis 35 in the SBITS

Genesis 35 in the SBITS2

Genesis 35 in the SBITS3

Genesis 35 in the SBITS4

Genesis 35 in the SBIUS

Genesis 35 in the SBIVS

Genesis 35 in the SBT

Genesis 35 in the SBT1E

Genesis 35 in the SCHL

Genesis 35 in the SNT

Genesis 35 in the SUSU

Genesis 35 in the SUSU2

Genesis 35 in the SYNO

Genesis 35 in the TBIAOTANT

Genesis 35 in the TBT1E

Genesis 35 in the TBT1E2

Genesis 35 in the TFTIP

Genesis 35 in the TFTU

Genesis 35 in the TGNTATF3T

Genesis 35 in the THAI

Genesis 35 in the TNFD

Genesis 35 in the TNT

Genesis 35 in the TNTIK

Genesis 35 in the TNTIL

Genesis 35 in the TNTIN

Genesis 35 in the TNTIP

Genesis 35 in the TNTIZ

Genesis 35 in the TOMA

Genesis 35 in the TTENT

Genesis 35 in the UBG

Genesis 35 in the UGV

Genesis 35 in the UGV2

Genesis 35 in the UGV3

Genesis 35 in the VBL

Genesis 35 in the VDCC

Genesis 35 in the YALU

Genesis 35 in the YAPE

Genesis 35 in the YBVTP

Genesis 35 in the ZBP