Genesis 6 (BOSCB)
1 Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, 2 vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. 3 Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.” 4 VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira. 5 Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. 6 Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. 7 Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.” 8 Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha. 9 Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari. 10 Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti. 11 Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana. 12 Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo. 13 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. 14 Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. 15 Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo. 16 Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro. 17 Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara. 18 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri. 19 Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe. 20 Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. 21 Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.” 22 Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.
In Other Versions
Genesis 6 in the ANGEFD
Genesis 6 in the ANTPNG2D
Genesis 6 in the AS21
Genesis 6 in the BAGH
Genesis 6 in the BBPNG
Genesis 6 in the BBT1E
Genesis 6 in the BDS
Genesis 6 in the BEV
Genesis 6 in the BHAD
Genesis 6 in the BIB
Genesis 6 in the BLPT
Genesis 6 in the BNT
Genesis 6 in the BNTABOOT
Genesis 6 in the BNTLV
Genesis 6 in the BOATCB
Genesis 6 in the BOATCB2
Genesis 6 in the BOBCV
Genesis 6 in the BOCNT
Genesis 6 in the BOECS
Genesis 6 in the BOGWICC
Genesis 6 in the BOHCB
Genesis 6 in the BOHCV
Genesis 6 in the BOHLNT
Genesis 6 in the BOHNTLTAL
Genesis 6 in the BOICB
Genesis 6 in the BOILNTAP
Genesis 6 in the BOITCV
Genesis 6 in the BOKCV
Genesis 6 in the BOKCV2
Genesis 6 in the BOKHWOG
Genesis 6 in the BOKSSV
Genesis 6 in the BOLCB
Genesis 6 in the BOLCB2
Genesis 6 in the BOMCV
Genesis 6 in the BONAV
Genesis 6 in the BONCB
Genesis 6 in the BONLT
Genesis 6 in the BONUT2
Genesis 6 in the BOPLNT
Genesis 6 in the BOSNC
Genesis 6 in the BOTLNT
Genesis 6 in the BOVCB
Genesis 6 in the BOYCB
Genesis 6 in the BPBB
Genesis 6 in the BPH
Genesis 6 in the BSB
Genesis 6 in the CCB
Genesis 6 in the CUV
Genesis 6 in the CUVS
Genesis 6 in the DBT
Genesis 6 in the DGDNT
Genesis 6 in the DHNT
Genesis 6 in the DNT
Genesis 6 in the ELBE
Genesis 6 in the EMTV
Genesis 6 in the ESV
Genesis 6 in the FBV
Genesis 6 in the FEB
Genesis 6 in the GGMNT
Genesis 6 in the GNT
Genesis 6 in the HARY
Genesis 6 in the HNT
Genesis 6 in the IRVA
Genesis 6 in the IRVB
Genesis 6 in the IRVG
Genesis 6 in the IRVH
Genesis 6 in the IRVK
Genesis 6 in the IRVM
Genesis 6 in the IRVM2
Genesis 6 in the IRVO
Genesis 6 in the IRVP
Genesis 6 in the IRVT
Genesis 6 in the IRVT2
Genesis 6 in the IRVU
Genesis 6 in the ISVN
Genesis 6 in the JSNT
Genesis 6 in the KAPI
Genesis 6 in the KBT1ETNIK
Genesis 6 in the KBV
Genesis 6 in the KJV
Genesis 6 in the KNFD
Genesis 6 in the LBA
Genesis 6 in the LBLA
Genesis 6 in the LNT
Genesis 6 in the LSV
Genesis 6 in the MAAL
Genesis 6 in the MBV
Genesis 6 in the MBV2
Genesis 6 in the MHNT
Genesis 6 in the MKNFD
Genesis 6 in the MNG
Genesis 6 in the MNT
Genesis 6 in the MNT2
Genesis 6 in the MRS1T
Genesis 6 in the NAA
Genesis 6 in the NASB
Genesis 6 in the NBLA
Genesis 6 in the NBS
Genesis 6 in the NBVTP
Genesis 6 in the NET2
Genesis 6 in the NIV11
Genesis 6 in the NNT
Genesis 6 in the NNT2
Genesis 6 in the NNT3
Genesis 6 in the PDDPT
Genesis 6 in the PFNT
Genesis 6 in the RMNT
Genesis 6 in the SBIAS
Genesis 6 in the SBIBS
Genesis 6 in the SBIBS2
Genesis 6 in the SBICS
Genesis 6 in the SBIDS
Genesis 6 in the SBIGS
Genesis 6 in the SBIHS
Genesis 6 in the SBIIS
Genesis 6 in the SBIIS2
Genesis 6 in the SBIIS3
Genesis 6 in the SBIKS
Genesis 6 in the SBIKS2
Genesis 6 in the SBIMS
Genesis 6 in the SBIOS
Genesis 6 in the SBIPS
Genesis 6 in the SBISS
Genesis 6 in the SBITS
Genesis 6 in the SBITS2
Genesis 6 in the SBITS3
Genesis 6 in the SBITS4
Genesis 6 in the SBIUS
Genesis 6 in the SBIVS
Genesis 6 in the SBT
Genesis 6 in the SBT1E
Genesis 6 in the SCHL
Genesis 6 in the SNT
Genesis 6 in the SUSU
Genesis 6 in the SUSU2
Genesis 6 in the SYNO
Genesis 6 in the TBIAOTANT
Genesis 6 in the TBT1E
Genesis 6 in the TBT1E2
Genesis 6 in the TFTIP
Genesis 6 in the TFTU
Genesis 6 in the TGNTATF3T
Genesis 6 in the THAI
Genesis 6 in the TNFD
Genesis 6 in the TNT
Genesis 6 in the TNTIK
Genesis 6 in the TNTIL
Genesis 6 in the TNTIN
Genesis 6 in the TNTIP
Genesis 6 in the TNTIZ
Genesis 6 in the TOMA
Genesis 6 in the TTENT
Genesis 6 in the UBG
Genesis 6 in the UGV
Genesis 6 in the UGV2
Genesis 6 in the UGV3
Genesis 6 in the VBL
Genesis 6 in the VDCC
Genesis 6 in the YALU
Genesis 6 in the YAPE
Genesis 6 in the YBVTP
Genesis 6 in the ZBP