Genesis 8 (BOSCB)

1 Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. 2 Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. 3 Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, 4 uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati. 5 Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa. 6 Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka, 7 uye akatuma gunguo, uye rakaramba richibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika. 8 Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika. 9 Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva. 10 Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka. 11 Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. 12 Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari. 13 Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma. 14 Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo. 15 Ipapo Mwari akati kuna Noa, 16 “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo. 17 Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.” 18 Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake. 19 Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe. 20 Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. 21 Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. 22 “Kana nyika ichingovapo,nguva dzokudyara nedzokukohwa,kutonhora nokupisa,zhizha nechando,masikati nousikuhazvingatongogumi.”

In Other Versions

Genesis 8 in the ANGEFD

Genesis 8 in the ANTPNG2D

Genesis 8 in the AS21

Genesis 8 in the BAGH

Genesis 8 in the BBPNG

Genesis 8 in the BBT1E

Genesis 8 in the BDS

Genesis 8 in the BEV

Genesis 8 in the BHAD

Genesis 8 in the BIB

Genesis 8 in the BLPT

Genesis 8 in the BNT

Genesis 8 in the BNTABOOT

Genesis 8 in the BNTLV

Genesis 8 in the BOATCB

Genesis 8 in the BOATCB2

Genesis 8 in the BOBCV

Genesis 8 in the BOCNT

Genesis 8 in the BOECS

Genesis 8 in the BOGWICC

Genesis 8 in the BOHCB

Genesis 8 in the BOHCV

Genesis 8 in the BOHLNT

Genesis 8 in the BOHNTLTAL

Genesis 8 in the BOICB

Genesis 8 in the BOILNTAP

Genesis 8 in the BOITCV

Genesis 8 in the BOKCV

Genesis 8 in the BOKCV2

Genesis 8 in the BOKHWOG

Genesis 8 in the BOKSSV

Genesis 8 in the BOLCB

Genesis 8 in the BOLCB2

Genesis 8 in the BOMCV

Genesis 8 in the BONAV

Genesis 8 in the BONCB

Genesis 8 in the BONLT

Genesis 8 in the BONUT2

Genesis 8 in the BOPLNT

Genesis 8 in the BOSNC

Genesis 8 in the BOTLNT

Genesis 8 in the BOVCB

Genesis 8 in the BOYCB

Genesis 8 in the BPBB

Genesis 8 in the BPH

Genesis 8 in the BSB

Genesis 8 in the CCB

Genesis 8 in the CUV

Genesis 8 in the CUVS

Genesis 8 in the DBT

Genesis 8 in the DGDNT

Genesis 8 in the DHNT

Genesis 8 in the DNT

Genesis 8 in the ELBE

Genesis 8 in the EMTV

Genesis 8 in the ESV

Genesis 8 in the FBV

Genesis 8 in the FEB

Genesis 8 in the GGMNT

Genesis 8 in the GNT

Genesis 8 in the HARY

Genesis 8 in the HNT

Genesis 8 in the IRVA

Genesis 8 in the IRVB

Genesis 8 in the IRVG

Genesis 8 in the IRVH

Genesis 8 in the IRVK

Genesis 8 in the IRVM

Genesis 8 in the IRVM2

Genesis 8 in the IRVO

Genesis 8 in the IRVP

Genesis 8 in the IRVT

Genesis 8 in the IRVT2

Genesis 8 in the IRVU

Genesis 8 in the ISVN

Genesis 8 in the JSNT

Genesis 8 in the KAPI

Genesis 8 in the KBT1ETNIK

Genesis 8 in the KBV

Genesis 8 in the KJV

Genesis 8 in the KNFD

Genesis 8 in the LBA

Genesis 8 in the LBLA

Genesis 8 in the LNT

Genesis 8 in the LSV

Genesis 8 in the MAAL

Genesis 8 in the MBV

Genesis 8 in the MBV2

Genesis 8 in the MHNT

Genesis 8 in the MKNFD

Genesis 8 in the MNG

Genesis 8 in the MNT

Genesis 8 in the MNT2

Genesis 8 in the MRS1T

Genesis 8 in the NAA

Genesis 8 in the NASB

Genesis 8 in the NBLA

Genesis 8 in the NBS

Genesis 8 in the NBVTP

Genesis 8 in the NET2

Genesis 8 in the NIV11

Genesis 8 in the NNT

Genesis 8 in the NNT2

Genesis 8 in the NNT3

Genesis 8 in the PDDPT

Genesis 8 in the PFNT

Genesis 8 in the RMNT

Genesis 8 in the SBIAS

Genesis 8 in the SBIBS

Genesis 8 in the SBIBS2

Genesis 8 in the SBICS

Genesis 8 in the SBIDS

Genesis 8 in the SBIGS

Genesis 8 in the SBIHS

Genesis 8 in the SBIIS

Genesis 8 in the SBIIS2

Genesis 8 in the SBIIS3

Genesis 8 in the SBIKS

Genesis 8 in the SBIKS2

Genesis 8 in the SBIMS

Genesis 8 in the SBIOS

Genesis 8 in the SBIPS

Genesis 8 in the SBISS

Genesis 8 in the SBITS

Genesis 8 in the SBITS2

Genesis 8 in the SBITS3

Genesis 8 in the SBITS4

Genesis 8 in the SBIUS

Genesis 8 in the SBIVS

Genesis 8 in the SBT

Genesis 8 in the SBT1E

Genesis 8 in the SCHL

Genesis 8 in the SNT

Genesis 8 in the SUSU

Genesis 8 in the SUSU2

Genesis 8 in the SYNO

Genesis 8 in the TBIAOTANT

Genesis 8 in the TBT1E

Genesis 8 in the TBT1E2

Genesis 8 in the TFTIP

Genesis 8 in the TFTU

Genesis 8 in the TGNTATF3T

Genesis 8 in the THAI

Genesis 8 in the TNFD

Genesis 8 in the TNT

Genesis 8 in the TNTIK

Genesis 8 in the TNTIL

Genesis 8 in the TNTIN

Genesis 8 in the TNTIP

Genesis 8 in the TNTIZ

Genesis 8 in the TOMA

Genesis 8 in the TTENT

Genesis 8 in the UBG

Genesis 8 in the UGV

Genesis 8 in the UGV2

Genesis 8 in the UGV3

Genesis 8 in the VBL

Genesis 8 in the VDCC

Genesis 8 in the YALU

Genesis 8 in the YAPE

Genesis 8 in the YBVTP

Genesis 8 in the ZBP