Genesis 9 (BOSCB)

1 Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. 2 Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu. 3 Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose. 4 “Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi. 5 Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake. 6 “Ani naani anoteura ropa romunhu,ropa rake richateurwawo nomunhu;nokuti nomufananidzo waMwari,Mwari akaita munhu. 7 Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.” 8 Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, 9 “Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, 10 uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika. 11 Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.” 12 Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: 13 Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. 14 Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, 15 ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. 16 Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.” 17 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.” 18 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) 19 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika. 20 Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. 21 Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. 22 Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze. 23 Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo. 24 Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, 25 akati,“Kenani ngaatukwe!Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.” 26 Akatiwo,“Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu!Kenani ngaave muranda waShemu. 27 Mwari ngaakurise nyika yaJafeti;Jafeti ngaagare mumatende aShemu,uye Kenani ngaave muranda wake.” 28 Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. 29 Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

In Other Versions

Genesis 9 in the ANGEFD

Genesis 9 in the ANTPNG2D

Genesis 9 in the AS21

Genesis 9 in the BAGH

Genesis 9 in the BBPNG

Genesis 9 in the BBT1E

Genesis 9 in the BDS

Genesis 9 in the BEV

Genesis 9 in the BHAD

Genesis 9 in the BIB

Genesis 9 in the BLPT

Genesis 9 in the BNT

Genesis 9 in the BNTABOOT

Genesis 9 in the BNTLV

Genesis 9 in the BOATCB

Genesis 9 in the BOATCB2

Genesis 9 in the BOBCV

Genesis 9 in the BOCNT

Genesis 9 in the BOECS

Genesis 9 in the BOGWICC

Genesis 9 in the BOHCB

Genesis 9 in the BOHCV

Genesis 9 in the BOHLNT

Genesis 9 in the BOHNTLTAL

Genesis 9 in the BOICB

Genesis 9 in the BOILNTAP

Genesis 9 in the BOITCV

Genesis 9 in the BOKCV

Genesis 9 in the BOKCV2

Genesis 9 in the BOKHWOG

Genesis 9 in the BOKSSV

Genesis 9 in the BOLCB

Genesis 9 in the BOLCB2

Genesis 9 in the BOMCV

Genesis 9 in the BONAV

Genesis 9 in the BONCB

Genesis 9 in the BONLT

Genesis 9 in the BONUT2

Genesis 9 in the BOPLNT

Genesis 9 in the BOSNC

Genesis 9 in the BOTLNT

Genesis 9 in the BOVCB

Genesis 9 in the BOYCB

Genesis 9 in the BPBB

Genesis 9 in the BPH

Genesis 9 in the BSB

Genesis 9 in the CCB

Genesis 9 in the CUV

Genesis 9 in the CUVS

Genesis 9 in the DBT

Genesis 9 in the DGDNT

Genesis 9 in the DHNT

Genesis 9 in the DNT

Genesis 9 in the ELBE

Genesis 9 in the EMTV

Genesis 9 in the ESV

Genesis 9 in the FBV

Genesis 9 in the FEB

Genesis 9 in the GGMNT

Genesis 9 in the GNT

Genesis 9 in the HARY

Genesis 9 in the HNT

Genesis 9 in the IRVA

Genesis 9 in the IRVB

Genesis 9 in the IRVG

Genesis 9 in the IRVH

Genesis 9 in the IRVK

Genesis 9 in the IRVM

Genesis 9 in the IRVM2

Genesis 9 in the IRVO

Genesis 9 in the IRVP

Genesis 9 in the IRVT

Genesis 9 in the IRVT2

Genesis 9 in the IRVU

Genesis 9 in the ISVN

Genesis 9 in the JSNT

Genesis 9 in the KAPI

Genesis 9 in the KBT1ETNIK

Genesis 9 in the KBV

Genesis 9 in the KJV

Genesis 9 in the KNFD

Genesis 9 in the LBA

Genesis 9 in the LBLA

Genesis 9 in the LNT

Genesis 9 in the LSV

Genesis 9 in the MAAL

Genesis 9 in the MBV

Genesis 9 in the MBV2

Genesis 9 in the MHNT

Genesis 9 in the MKNFD

Genesis 9 in the MNG

Genesis 9 in the MNT

Genesis 9 in the MNT2

Genesis 9 in the MRS1T

Genesis 9 in the NAA

Genesis 9 in the NASB

Genesis 9 in the NBLA

Genesis 9 in the NBS

Genesis 9 in the NBVTP

Genesis 9 in the NET2

Genesis 9 in the NIV11

Genesis 9 in the NNT

Genesis 9 in the NNT2

Genesis 9 in the NNT3

Genesis 9 in the PDDPT

Genesis 9 in the PFNT

Genesis 9 in the RMNT

Genesis 9 in the SBIAS

Genesis 9 in the SBIBS

Genesis 9 in the SBIBS2

Genesis 9 in the SBICS

Genesis 9 in the SBIDS

Genesis 9 in the SBIGS

Genesis 9 in the SBIHS

Genesis 9 in the SBIIS

Genesis 9 in the SBIIS2

Genesis 9 in the SBIIS3

Genesis 9 in the SBIKS

Genesis 9 in the SBIKS2

Genesis 9 in the SBIMS

Genesis 9 in the SBIOS

Genesis 9 in the SBIPS

Genesis 9 in the SBISS

Genesis 9 in the SBITS

Genesis 9 in the SBITS2

Genesis 9 in the SBITS3

Genesis 9 in the SBITS4

Genesis 9 in the SBIUS

Genesis 9 in the SBIVS

Genesis 9 in the SBT

Genesis 9 in the SBT1E

Genesis 9 in the SCHL

Genesis 9 in the SNT

Genesis 9 in the SUSU

Genesis 9 in the SUSU2

Genesis 9 in the SYNO

Genesis 9 in the TBIAOTANT

Genesis 9 in the TBT1E

Genesis 9 in the TBT1E2

Genesis 9 in the TFTIP

Genesis 9 in the TFTU

Genesis 9 in the TGNTATF3T

Genesis 9 in the THAI

Genesis 9 in the TNFD

Genesis 9 in the TNT

Genesis 9 in the TNTIK

Genesis 9 in the TNTIL

Genesis 9 in the TNTIN

Genesis 9 in the TNTIP

Genesis 9 in the TNTIZ

Genesis 9 in the TOMA

Genesis 9 in the TTENT

Genesis 9 in the UBG

Genesis 9 in the UGV

Genesis 9 in the UGV2

Genesis 9 in the UGV3

Genesis 9 in the VBL

Genesis 9 in the VDCC

Genesis 9 in the YALU

Genesis 9 in the YAPE

Genesis 9 in the YBVTP

Genesis 9 in the ZBP