Judges 14 (BOSCB)

1 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia. 2 Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei kuti ave mukadzi wangu.” 3 Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?”Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.” 4 (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.) 5 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba. 6 Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana. 7 Ipapo akaburuka akandotaura nomukadzi, uye aimuda. 8 Mushure menguva yakati kuti, paakadzokera kundomuroora, akatsauka kundoona mutumbi weshumba. Mukati macho makanga mava nebumha renyuchi nouchi, 9 akahubura namaoko ake akadya achifamba. Akati asvika kuvabereki vake akavapa humwe vakadyawo naivo. Asi haana kuvaudza kuti akanga atora uchi mumutumbi weshumba. 10 Zvino baba vake vakaburuka kundoona mukadzi uya. Uye Samusoni akaita mutambo ikoko, setsika yaiitwa nezvikomba. 11 Paakasvika, akapiwa shamwari makumi matatu. 12 Samusoni akati kwavari, “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukagona kuchidudzira mukati mamazuva manomwe omutambo, ini ndichakupai nguo dzomucheka dzinosvika makumi matatu nehanzu makumi matatu. 13 Kana musingagoni kudzidudzira, imi munofanira kundipa nguo dzomucheka makumi matatu namakumi matatu ehanzu.”Ivo vakati, “Tiudze chirahwe chako. Rega tichinzwe.” 14 Akapindura akati,“Kumudyi kwakabuda chokudya;kubva kune chine simba kwakabuda zvinotapira.”Havana kugona kupa mhinduro kwamazuva matatu. 15 Pazuva rechina, vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume wako kuti atsanangure chirahwe kuti tiregere kukupisai mukafa iwe neveimba yababa vako. Munotikoka pano kuzotibira nhai?” 16 Ipapo mukadzi waSamusoni akazviwisira paari, achichema akati, “Unondivenga iwe! Haundidi chaizvo izvo. Wakapa vanhu vokwangu chirahwe, asi hauna kundiudza dudziro yacho.”Akapindura akati, “Handina kutongochitsanangurira baba vangu kana mai vangu, saka ndingachitsanangura seiko kwauri?” 17 Akachema kwamazuva manomwe ose omutambo. Saka akapedzisira amuudza pazuva rechinomwe, nokuti akaramba achingomumanikidza. Iye akabva azotsanangurira vanhu vake chirahwe. 18 Pazuva rechinomwe, zuva risati radoka, varume vomuguta vakati kwaari,“Chiiko chinotapira souchi?Chiiko chine simba seshumba?”Samusoni akati kwavari,“Dai manga musina kurima netsiru rangu,mungadai musina kugona kududzira chirahwe changu.” 19 Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba. Akaburuka akaenda kuAshikeroni, akandouraya varume makumi matatu, akakutunura zvinhu zvavo akapa nguo dzavo kuna avo vakadudzira chirahwe. Akatsamwa kwazvo akaenda kumba kwababa vake. 20 Uye mukadzi waSamusoni akapiwa kushamwari yakanga yamuperekedza pasvitsa.

In Other Versions

Judges 14 in the ANGEFD

Judges 14 in the ANTPNG2D

Judges 14 in the AS21

Judges 14 in the BAGH

Judges 14 in the BBPNG

Judges 14 in the BBT1E

Judges 14 in the BDS

Judges 14 in the BEV

Judges 14 in the BHAD

Judges 14 in the BIB

Judges 14 in the BLPT

Judges 14 in the BNT

Judges 14 in the BNTABOOT

Judges 14 in the BNTLV

Judges 14 in the BOATCB

Judges 14 in the BOATCB2

Judges 14 in the BOBCV

Judges 14 in the BOCNT

Judges 14 in the BOECS

Judges 14 in the BOGWICC

Judges 14 in the BOHCB

Judges 14 in the BOHCV

Judges 14 in the BOHLNT

Judges 14 in the BOHNTLTAL

Judges 14 in the BOICB

Judges 14 in the BOILNTAP

Judges 14 in the BOITCV

Judges 14 in the BOKCV

Judges 14 in the BOKCV2

Judges 14 in the BOKHWOG

Judges 14 in the BOKSSV

Judges 14 in the BOLCB

Judges 14 in the BOLCB2

Judges 14 in the BOMCV

Judges 14 in the BONAV

Judges 14 in the BONCB

Judges 14 in the BONLT

Judges 14 in the BONUT2

Judges 14 in the BOPLNT

Judges 14 in the BOSNC

Judges 14 in the BOTLNT

Judges 14 in the BOVCB

Judges 14 in the BOYCB

Judges 14 in the BPBB

Judges 14 in the BPH

Judges 14 in the BSB

Judges 14 in the CCB

Judges 14 in the CUV

Judges 14 in the CUVS

Judges 14 in the DBT

Judges 14 in the DGDNT

Judges 14 in the DHNT

Judges 14 in the DNT

Judges 14 in the ELBE

Judges 14 in the EMTV

Judges 14 in the ESV

Judges 14 in the FBV

Judges 14 in the FEB

Judges 14 in the GGMNT

Judges 14 in the GNT

Judges 14 in the HARY

Judges 14 in the HNT

Judges 14 in the IRVA

Judges 14 in the IRVB

Judges 14 in the IRVG

Judges 14 in the IRVH

Judges 14 in the IRVK

Judges 14 in the IRVM

Judges 14 in the IRVM2

Judges 14 in the IRVO

Judges 14 in the IRVP

Judges 14 in the IRVT

Judges 14 in the IRVT2

Judges 14 in the IRVU

Judges 14 in the ISVN

Judges 14 in the JSNT

Judges 14 in the KAPI

Judges 14 in the KBT1ETNIK

Judges 14 in the KBV

Judges 14 in the KJV

Judges 14 in the KNFD

Judges 14 in the LBA

Judges 14 in the LBLA

Judges 14 in the LNT

Judges 14 in the LSV

Judges 14 in the MAAL

Judges 14 in the MBV

Judges 14 in the MBV2

Judges 14 in the MHNT

Judges 14 in the MKNFD

Judges 14 in the MNG

Judges 14 in the MNT

Judges 14 in the MNT2

Judges 14 in the MRS1T

Judges 14 in the NAA

Judges 14 in the NASB

Judges 14 in the NBLA

Judges 14 in the NBS

Judges 14 in the NBVTP

Judges 14 in the NET2

Judges 14 in the NIV11

Judges 14 in the NNT

Judges 14 in the NNT2

Judges 14 in the NNT3

Judges 14 in the PDDPT

Judges 14 in the PFNT

Judges 14 in the RMNT

Judges 14 in the SBIAS

Judges 14 in the SBIBS

Judges 14 in the SBIBS2

Judges 14 in the SBICS

Judges 14 in the SBIDS

Judges 14 in the SBIGS

Judges 14 in the SBIHS

Judges 14 in the SBIIS

Judges 14 in the SBIIS2

Judges 14 in the SBIIS3

Judges 14 in the SBIKS

Judges 14 in the SBIKS2

Judges 14 in the SBIMS

Judges 14 in the SBIOS

Judges 14 in the SBIPS

Judges 14 in the SBISS

Judges 14 in the SBITS

Judges 14 in the SBITS2

Judges 14 in the SBITS3

Judges 14 in the SBITS4

Judges 14 in the SBIUS

Judges 14 in the SBIVS

Judges 14 in the SBT

Judges 14 in the SBT1E

Judges 14 in the SCHL

Judges 14 in the SNT

Judges 14 in the SUSU

Judges 14 in the SUSU2

Judges 14 in the SYNO

Judges 14 in the TBIAOTANT

Judges 14 in the TBT1E

Judges 14 in the TBT1E2

Judges 14 in the TFTIP

Judges 14 in the TFTU

Judges 14 in the TGNTATF3T

Judges 14 in the THAI

Judges 14 in the TNFD

Judges 14 in the TNT

Judges 14 in the TNTIK

Judges 14 in the TNTIL

Judges 14 in the TNTIN

Judges 14 in the TNTIP

Judges 14 in the TNTIZ

Judges 14 in the TOMA

Judges 14 in the TTENT

Judges 14 in the UBG

Judges 14 in the UGV

Judges 14 in the UGV2

Judges 14 in the UGV3

Judges 14 in the VBL

Judges 14 in the VDCC

Judges 14 in the YALU

Judges 14 in the YAPE

Judges 14 in the YBVTP

Judges 14 in the ZBP