Jeremiah 32 (BOSCB)

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mugore regumi raZedhekia mambo weJudha, riri gore regumi namasere raNebhukadhinezari. 2 Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha. 3 Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba. 4 Zedhekia mambo weJudha haangapukunyuki pamaoko avaBhabhironi, asi zvirokwazvo achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, vagotaurirana vakatarisana chiso nechiso achimuona nameso ake. 5 Iye achaendesa Zedhekia kuBhabhironi, kwaachagara kusvikira ndagadzirisana naye, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ukarwa navaBhabhironi haungavakundi.’ ” 6 Jeremia akati, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 7 Hanameri mwanakomana wasekuru vako Sharumi achauya kwauri achiti, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti, nokuti sezvo uriwe hama yepedyo, ndiwe une kodzero yokuutenga.’ 8 “Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’“Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha; 9 saka ndakatenga munda waiva paAnatoti kubva kuna sekuru vangu Hanameri ndokumuyerera mashekeri gumi namanomwe esirivha. 10 Ndakanyora rugwaro rwokutenga ndikarunama, ndikaita kuti pave nezvapupu, ndikamuyerera sirivha pazviyero. 11 Ndakatora gwaro rokutengeserana, riya rakanga rakanamwa riine mirayiro nezvimwe, pamwe chete neriya rakanga risina kunamwa, 12 ndokupa gwaro iri kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, pamberi paHanameri mwanakomana wasekuru vangu napamberi pezvapupu zvakanga zvaisa runyoro pagwaro rokutengeserana, napamberi pavaJudha vose vakanga vagere muruvazhe rwavarindi. 13 “Ndakarayira Bharuki pamberi pavo, ndichiti, 14 ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji. 15 Nokuti zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Dzimba, minda, uye minda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’ 16 “Mushure mokunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeria gwaro rokutengeserana, ndakanyengetera kuna Jehovha, ndichiti: 17 “Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri. 18 Imi munoratidza rudo rwenyu kuzviuru nezviuru asi muchiuyisa shamhu yezvivi zvamadzibaba pamakumbo avana vavo vanovatevera. Haiwa imi Mwari mukuru ane simba guru, mune zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, 19 zvinangwa zvenyu zvikuru uye mabasa enyu makuru. Meso enyu akasvinurira nzira dzose dzavanhu; munopa mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake uye nezvakafanira mabasa ake. 20 Makaita zviratidzo nezvishamiso muIjipiti uye mukaramba muchizviita kusvikira pazuva ranhasi, pakati peIsraeri napakati pendudzi dzimwe dzose, uye mukazviwanira mukurumbira sezvazvakaita nanhasi. 21 Makabudisa vanhu venyu veIsraeri kubva muIjipiti nezviratidzo nezvishamiso, noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutyisa kukuru. 22 Makavapa nyika ino yamakanga mapikira kupa madzibaba avo, nyika inoyerera mukaka nouchi. 23 Vakapinda vakaitora kuti ive yavo, asi havana kukuteererai kana kutevera murayiro wenyu; havana kuita zvamakanga mavarayira kuti vaite. Saka makauyisa njodzi yose iyi pamusoro pavo. 24 “Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino. 25 Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’ ” 26 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia, richiti, 27 “Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here? 28 Naizvozvo zvanzi naJehovha: ndava pedyo nokuisa guta rino mumaoko avaBhabhironi, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uyo acharikunda. 29 VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagoritungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuhwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari. 30 “Vanhu veIsraeri navanhu veJudha havana kugona kuita chinhu chakanaka asi zvakaipa chete pamberi pangu kubva pauduku hwavo; zvirokwazvo vanhu veIsraeri havana kumbogona kuita zvakanaka asi vakanditsamwisa nezvavakaita namaoko avo, ndizvo zvinotaura Jehovha. 31 Kubva pazuva rakavakwa guta rino kusvikira zvino, guta rino rakamutsa hasha dzangu nokunditsamwisa zvikuru zvokuti ndinofanira kuribvisa pamberi pangu. 32 Vanhu veIsraeri navanhu veJudha vakanditsamwisa nezvakaipa zvose zvavakaita, ivo namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaprofita vavo, ivo vanhu veJudha navanhu veJerusarema. 33 Vakandifuratira uye havana kunditarisa nezviso zvavo; kunyange ndakavadzidzisa ndadzidzisazve, havana kuteerera kana kutsiurika. 34 Vakaisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakatumidzwa Zita rangu vakaisvibisa. 35 Vakavakira Bhaari nzvimbo dzakakwirira muMupata weBheni Hinomi kuti vabayire vanakomana navanasikana vavo kuna Moreki, kunyange ndisina kuvarayira, kana kuzviisa mupfungwa dzangu, kuti vaite chinhu chinonyangadza zvakadai, nokudaro vagoita kuti Judha itadze. 36 “Imi munotaura pamusoro peguta rino muchiti, ‘Guta rino richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, nomunondo, nenzara, uye nedenda’; zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: 37 Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka. 38 Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. 39 Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. 40 Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri. 41 Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose. 42 “Zvanzi naJehovha: Sezvandakauyisa njodzi huru yose iyi pamusoro pavanhu ava, saizvozvo ndichavapa kubudirira kwose kwandakavavimbisa. 43 Zvakare, minda ichatengwa munyika ino yamunoti, ‘Idongo, haina vanhu kana zvipfuwo, nokuti yakaiswa mumaoko avaBhabhironi.’ 44 Minda ichatengwa nesirivha, uye magwaro okutengeserana achanyorwa, agonamwa uye agopupurirwa munyika yeBhenjamini, mumisha yakapoteredza Jerusarema, nomumaguta eJudha nomumaguta omunyika yezvikomo, nomujinga mezvikomo zvokumavirira, nokuNegevhi, nokuti ndichadzosazve pfuma yavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.”

In Other Versions

Jeremiah 32 in the ANGEFD

Jeremiah 32 in the ANTPNG2D

Jeremiah 32 in the AS21

Jeremiah 32 in the BAGH

Jeremiah 32 in the BBPNG

Jeremiah 32 in the BBT1E

Jeremiah 32 in the BDS

Jeremiah 32 in the BEV

Jeremiah 32 in the BHAD

Jeremiah 32 in the BIB

Jeremiah 32 in the BLPT

Jeremiah 32 in the BNT

Jeremiah 32 in the BNTABOOT

Jeremiah 32 in the BNTLV

Jeremiah 32 in the BOATCB

Jeremiah 32 in the BOATCB2

Jeremiah 32 in the BOBCV

Jeremiah 32 in the BOCNT

Jeremiah 32 in the BOECS

Jeremiah 32 in the BOGWICC

Jeremiah 32 in the BOHCB

Jeremiah 32 in the BOHCV

Jeremiah 32 in the BOHLNT

Jeremiah 32 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 32 in the BOICB

Jeremiah 32 in the BOILNTAP

Jeremiah 32 in the BOITCV

Jeremiah 32 in the BOKCV

Jeremiah 32 in the BOKCV2

Jeremiah 32 in the BOKHWOG

Jeremiah 32 in the BOKSSV

Jeremiah 32 in the BOLCB

Jeremiah 32 in the BOLCB2

Jeremiah 32 in the BOMCV

Jeremiah 32 in the BONAV

Jeremiah 32 in the BONCB

Jeremiah 32 in the BONLT

Jeremiah 32 in the BONUT2

Jeremiah 32 in the BOPLNT

Jeremiah 32 in the BOSNC

Jeremiah 32 in the BOTLNT

Jeremiah 32 in the BOVCB

Jeremiah 32 in the BOYCB

Jeremiah 32 in the BPBB

Jeremiah 32 in the BPH

Jeremiah 32 in the BSB

Jeremiah 32 in the CCB

Jeremiah 32 in the CUV

Jeremiah 32 in the CUVS

Jeremiah 32 in the DBT

Jeremiah 32 in the DGDNT

Jeremiah 32 in the DHNT

Jeremiah 32 in the DNT

Jeremiah 32 in the ELBE

Jeremiah 32 in the EMTV

Jeremiah 32 in the ESV

Jeremiah 32 in the FBV

Jeremiah 32 in the FEB

Jeremiah 32 in the GGMNT

Jeremiah 32 in the GNT

Jeremiah 32 in the HARY

Jeremiah 32 in the HNT

Jeremiah 32 in the IRVA

Jeremiah 32 in the IRVB

Jeremiah 32 in the IRVG

Jeremiah 32 in the IRVH

Jeremiah 32 in the IRVK

Jeremiah 32 in the IRVM

Jeremiah 32 in the IRVM2

Jeremiah 32 in the IRVO

Jeremiah 32 in the IRVP

Jeremiah 32 in the IRVT

Jeremiah 32 in the IRVT2

Jeremiah 32 in the IRVU

Jeremiah 32 in the ISVN

Jeremiah 32 in the JSNT

Jeremiah 32 in the KAPI

Jeremiah 32 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 32 in the KBV

Jeremiah 32 in the KJV

Jeremiah 32 in the KNFD

Jeremiah 32 in the LBA

Jeremiah 32 in the LBLA

Jeremiah 32 in the LNT

Jeremiah 32 in the LSV

Jeremiah 32 in the MAAL

Jeremiah 32 in the MBV

Jeremiah 32 in the MBV2

Jeremiah 32 in the MHNT

Jeremiah 32 in the MKNFD

Jeremiah 32 in the MNG

Jeremiah 32 in the MNT

Jeremiah 32 in the MNT2

Jeremiah 32 in the MRS1T

Jeremiah 32 in the NAA

Jeremiah 32 in the NASB

Jeremiah 32 in the NBLA

Jeremiah 32 in the NBS

Jeremiah 32 in the NBVTP

Jeremiah 32 in the NET2

Jeremiah 32 in the NIV11

Jeremiah 32 in the NNT

Jeremiah 32 in the NNT2

Jeremiah 32 in the NNT3

Jeremiah 32 in the PDDPT

Jeremiah 32 in the PFNT

Jeremiah 32 in the RMNT

Jeremiah 32 in the SBIAS

Jeremiah 32 in the SBIBS

Jeremiah 32 in the SBIBS2

Jeremiah 32 in the SBICS

Jeremiah 32 in the SBIDS

Jeremiah 32 in the SBIGS

Jeremiah 32 in the SBIHS

Jeremiah 32 in the SBIIS

Jeremiah 32 in the SBIIS2

Jeremiah 32 in the SBIIS3

Jeremiah 32 in the SBIKS

Jeremiah 32 in the SBIKS2

Jeremiah 32 in the SBIMS

Jeremiah 32 in the SBIOS

Jeremiah 32 in the SBIPS

Jeremiah 32 in the SBISS

Jeremiah 32 in the SBITS

Jeremiah 32 in the SBITS2

Jeremiah 32 in the SBITS3

Jeremiah 32 in the SBITS4

Jeremiah 32 in the SBIUS

Jeremiah 32 in the SBIVS

Jeremiah 32 in the SBT

Jeremiah 32 in the SBT1E

Jeremiah 32 in the SCHL

Jeremiah 32 in the SNT

Jeremiah 32 in the SUSU

Jeremiah 32 in the SUSU2

Jeremiah 32 in the SYNO

Jeremiah 32 in the TBIAOTANT

Jeremiah 32 in the TBT1E

Jeremiah 32 in the TBT1E2

Jeremiah 32 in the TFTIP

Jeremiah 32 in the TFTU

Jeremiah 32 in the TGNTATF3T

Jeremiah 32 in the THAI

Jeremiah 32 in the TNFD

Jeremiah 32 in the TNT

Jeremiah 32 in the TNTIK

Jeremiah 32 in the TNTIL

Jeremiah 32 in the TNTIN

Jeremiah 32 in the TNTIP

Jeremiah 32 in the TNTIZ

Jeremiah 32 in the TOMA

Jeremiah 32 in the TTENT

Jeremiah 32 in the UBG

Jeremiah 32 in the UGV

Jeremiah 32 in the UGV2

Jeremiah 32 in the UGV3

Jeremiah 32 in the VBL

Jeremiah 32 in the VDCC

Jeremiah 32 in the YALU

Jeremiah 32 in the YAPE

Jeremiah 32 in the YBVTP

Jeremiah 32 in the ZBP