Jeremiah 41 (BOSCB)
1 Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo, 2 Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo. 3 Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo. 4 Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva, 5 varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha. 6 Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.” 7 Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba. 8 Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe. 9 Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa. 10 Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni. 11 Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania, 12 vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni. 13 Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara. 14 Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea. 15 Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni. 16 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni. 17 Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti 18 kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
In Other Versions
Jeremiah 41 in the ANGEFD
Jeremiah 41 in the ANTPNG2D
Jeremiah 41 in the AS21
Jeremiah 41 in the BAGH
Jeremiah 41 in the BBPNG
Jeremiah 41 in the BBT1E
Jeremiah 41 in the BDS
Jeremiah 41 in the BEV
Jeremiah 41 in the BHAD
Jeremiah 41 in the BIB
Jeremiah 41 in the BLPT
Jeremiah 41 in the BNT
Jeremiah 41 in the BNTABOOT
Jeremiah 41 in the BNTLV
Jeremiah 41 in the BOATCB
Jeremiah 41 in the BOATCB2
Jeremiah 41 in the BOBCV
Jeremiah 41 in the BOCNT
Jeremiah 41 in the BOECS
Jeremiah 41 in the BOGWICC
Jeremiah 41 in the BOHCB
Jeremiah 41 in the BOHCV
Jeremiah 41 in the BOHLNT
Jeremiah 41 in the BOHNTLTAL
Jeremiah 41 in the BOICB
Jeremiah 41 in the BOILNTAP
Jeremiah 41 in the BOITCV
Jeremiah 41 in the BOKCV
Jeremiah 41 in the BOKCV2
Jeremiah 41 in the BOKHWOG
Jeremiah 41 in the BOKSSV
Jeremiah 41 in the BOLCB
Jeremiah 41 in the BOLCB2
Jeremiah 41 in the BOMCV
Jeremiah 41 in the BONAV
Jeremiah 41 in the BONCB
Jeremiah 41 in the BONLT
Jeremiah 41 in the BONUT2
Jeremiah 41 in the BOPLNT
Jeremiah 41 in the BOSNC
Jeremiah 41 in the BOTLNT
Jeremiah 41 in the BOVCB
Jeremiah 41 in the BOYCB
Jeremiah 41 in the BPBB
Jeremiah 41 in the BPH
Jeremiah 41 in the BSB
Jeremiah 41 in the CCB
Jeremiah 41 in the CUV
Jeremiah 41 in the CUVS
Jeremiah 41 in the DBT
Jeremiah 41 in the DGDNT
Jeremiah 41 in the DHNT
Jeremiah 41 in the DNT
Jeremiah 41 in the ELBE
Jeremiah 41 in the EMTV
Jeremiah 41 in the ESV
Jeremiah 41 in the FBV
Jeremiah 41 in the FEB
Jeremiah 41 in the GGMNT
Jeremiah 41 in the GNT
Jeremiah 41 in the HARY
Jeremiah 41 in the HNT
Jeremiah 41 in the IRVA
Jeremiah 41 in the IRVB
Jeremiah 41 in the IRVG
Jeremiah 41 in the IRVH
Jeremiah 41 in the IRVK
Jeremiah 41 in the IRVM
Jeremiah 41 in the IRVM2
Jeremiah 41 in the IRVO
Jeremiah 41 in the IRVP
Jeremiah 41 in the IRVT
Jeremiah 41 in the IRVT2
Jeremiah 41 in the IRVU
Jeremiah 41 in the ISVN
Jeremiah 41 in the JSNT
Jeremiah 41 in the KAPI
Jeremiah 41 in the KBT1ETNIK
Jeremiah 41 in the KBV
Jeremiah 41 in the KJV
Jeremiah 41 in the KNFD
Jeremiah 41 in the LBA
Jeremiah 41 in the LBLA
Jeremiah 41 in the LNT
Jeremiah 41 in the LSV
Jeremiah 41 in the MAAL
Jeremiah 41 in the MBV
Jeremiah 41 in the MBV2
Jeremiah 41 in the MHNT
Jeremiah 41 in the MKNFD
Jeremiah 41 in the MNG
Jeremiah 41 in the MNT
Jeremiah 41 in the MNT2
Jeremiah 41 in the MRS1T
Jeremiah 41 in the NAA
Jeremiah 41 in the NASB
Jeremiah 41 in the NBLA
Jeremiah 41 in the NBS
Jeremiah 41 in the NBVTP
Jeremiah 41 in the NET2
Jeremiah 41 in the NIV11
Jeremiah 41 in the NNT
Jeremiah 41 in the NNT2
Jeremiah 41 in the NNT3
Jeremiah 41 in the PDDPT
Jeremiah 41 in the PFNT
Jeremiah 41 in the RMNT
Jeremiah 41 in the SBIAS
Jeremiah 41 in the SBIBS
Jeremiah 41 in the SBIBS2
Jeremiah 41 in the SBICS
Jeremiah 41 in the SBIDS
Jeremiah 41 in the SBIGS
Jeremiah 41 in the SBIHS
Jeremiah 41 in the SBIIS
Jeremiah 41 in the SBIIS2
Jeremiah 41 in the SBIIS3
Jeremiah 41 in the SBIKS
Jeremiah 41 in the SBIKS2
Jeremiah 41 in the SBIMS
Jeremiah 41 in the SBIOS
Jeremiah 41 in the SBIPS
Jeremiah 41 in the SBISS
Jeremiah 41 in the SBITS
Jeremiah 41 in the SBITS2
Jeremiah 41 in the SBITS3
Jeremiah 41 in the SBITS4
Jeremiah 41 in the SBIUS
Jeremiah 41 in the SBIVS
Jeremiah 41 in the SBT
Jeremiah 41 in the SBT1E
Jeremiah 41 in the SCHL
Jeremiah 41 in the SNT
Jeremiah 41 in the SUSU
Jeremiah 41 in the SUSU2
Jeremiah 41 in the SYNO
Jeremiah 41 in the TBIAOTANT
Jeremiah 41 in the TBT1E
Jeremiah 41 in the TBT1E2
Jeremiah 41 in the TFTIP
Jeremiah 41 in the TFTU
Jeremiah 41 in the TGNTATF3T
Jeremiah 41 in the THAI
Jeremiah 41 in the TNFD
Jeremiah 41 in the TNT
Jeremiah 41 in the TNTIK
Jeremiah 41 in the TNTIL
Jeremiah 41 in the TNTIN
Jeremiah 41 in the TNTIP
Jeremiah 41 in the TNTIZ
Jeremiah 41 in the TOMA
Jeremiah 41 in the TTENT
Jeremiah 41 in the UBG
Jeremiah 41 in the UGV
Jeremiah 41 in the UGV2
Jeremiah 41 in the UGV3
Jeremiah 41 in the VBL
Jeremiah 41 in the VDCC
Jeremiah 41 in the YALU
Jeremiah 41 in the YAPE
Jeremiah 41 in the YBVTP
Jeremiah 41 in the ZBP