Joshua 10 (BOSCB)

1 Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo. 2 Iye navanhu vake vakavhundutswa kwazvo nazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakaita serimwe ramaguta oumambo; rakanga riri guru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva mhare pakurwa. 3 Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akatuma nhume kuna Hohani mambo weHebhuroni, nokuna Piramu mambo weJarumuti, nokuna Jafia mambo weRakishi nokuna Dhebhiri mambo weEgironi. 4 Akati, “Uyai kuno mundibatsire kurwisa Gibheoni, nokuti vakaita sungano yorugare naJoshua navaIsraeri.” 5 Ipapo madzimambo mashanu avaAmori, madzimambo eJerusarema, neHebhuroni, neJarumuti, neRakishi neEgironi, vakaunganidza varwi vavo. Vakaenda nehondo dzavo dzose vakavaka musasa pamberi peGibheoni, vakairwisa. 6 Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.” 7 Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare. 8 Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako.” 9 Naizvozvo Joshua akavarwisa vasingafungiri, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose. 10 Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha. 11 Pavaitiza pamberi pavaIsraeri nenzira yaidzika kubva kuBheti Horoni ichienda kuAzeka, Jehovha akakanda pamusoro pavo matombo makuru akanga achibva kudenga, vazhinji vavo vakafa nechimvuramabwe kupfuura avo vakaurayiwa neminondo yavaIsraeri. 12 Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri:“Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni,Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” 13 Naizvozvo zuva rakamira,nomwedziwo ukamira,kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo,sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari.Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose. 14 Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri! 15 Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa paGirigari. 16 Zvino madzimambo mashanu akanga atiza akandovanda mubako rokuMakedha. 17 Joshua paakaudzwa kuti madzimambo mashanu aya akanga awanikwa akavanda mubako paMakedha, 18 akati, “Kungurutsirai matombo makuru pamuromo webako, mugoisa vamwe varume ipapo kuti varichengete. 19 Asi musamira! Teverai vavengi venyu, muvarwise necheshure kwavo uye musavarega vachisvika kumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu avapa mumaoko enyu.” 20 Naizvozvo Joshua navaIsraeri vakavaparadza zvachose, asi vashoma vavo vakasara vakasvika kumaguta avo akavakirwa masvingo. 21 Ipapo vanhu vose vakadzokera kuna Joshua kumusasa paMakedha norugare, uye hapana kana mumwe akataura shoko pamusoro pavaIsraeri. 22 Joshua akati, “Vhurai muromo webako mugondiigira madzimambo mashanu aya.” 23 Naizvozvo vakabudisa madzimambo mashanu aya mubako, mambo weJerusarema, noweHebhuroni, noweJarumuti, noweRakishi noweEgironi. 24 Pavakauya namadzimambo aya kuna Joshua, akadana varume vose veIsraeri akati kuvatungamiri vehondo vakanga vauya naye, “Uyai pano muise tsoka dzenyu pamitsipa yamadzimambo aya.” Naizvozvo vakaenda mberi vakaisa tsoka dzavo pamitsipa yavo. 25 Joshua akati kwavari, “Musatya; musaora mwoyo. Simbai mutsunge mwoyo. Izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vose vamucharwa navo.” 26 Ipapo Joshua akavabaya akauraya madzimambo aya ndokuvasungirira pamiti mishanu, uye vakasiyiwa vakarembera pamiti kusvikira madekwana. 27 Zuva rava kuvira Joshua akarayira vanhu vakavaturura mumiti ndokuvakanda mubako mavakanga vambovanda. Vakaisa matombo makuru pamuromo webako, ayo achiripo nanhasi. 28 Musi iwoyo Joshua akatora Makedha. Akabayira guta namambo waro nomunondo akaparadza zvachose vanhu vose vakanga varimo. Haana kusiya vapenyu. Uye akaita kuna mambo weMakedha sezvaakaita kuna mambo weJeriko. 29 Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuMakedha vakaenda kuRibhina ndokuirwisa. 30 Jehovha akapawo guta iroro namambo waro muruoko rwaIsraeri. Joshua akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaita kuna mambo waro zvaakanga aita kuna mambo weJeriko. 31 Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakabva kuRibhina vakaenda kuRakishi; vakavaka misasa yavo pedyo naro vakarirwisa. 32 Jehovha akapa Rakishi kuvaIsraeri, Joshua akaritora nezuva rechipiri. Akaparadza guta navose vaiva mariri nomunondo, sezvaakaita Ribhina. 33 Ipapo Horamu mambo weGezeri akauya kuzobatsira Rakishi, asi Joshua akamukunda pamwe chete nehondo yake, kusvikira pasisina mupenyu akasara. 34 Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuRakishi vakaenda kuEgironi, vakavaka misasa pedyo naro vakarirwisa. 35 Vakaritora musi iwoyo vakariparadza nomunondo zvachose navose vaiva mariri, sezvavakaita kuRakishi. 36 Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakafamba kubva kuEgironi vakaenda kuHebhuroni vakarirwisa. 37 Vakatora guta vakariparadza nomunondo, pamwe chete namambo waro, namaguta aro, navanhu vose vaiva mariri. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakariparadza zvachose navanhu vose vaiva mariri sezvavakaita kuEgironi. 38 Ipapo Joshua navaIsraeri vose vaakanga anavo vakadzokera kuDhebhiri vakarirwisa. 39 Vakatora guta, namambo waro nemisha yaro, vakazviparadza nomunondo. Vakaparadza zvachose vose vaivamo. Hapana wavakasiya ari mupenyu. Vakaita kuDhebhiri nokuna mambo waro sezvavakanga vaita kuRibhina nokuna mambo waro uye nokuHebhuroni. 40 Naizvozvo Joshua akaparadza nharaunda yose, zvichisanganisira nyika yamakomo, neNegevhi, neyemujinga mezvikomo zvokumavirira nemitenusirwa yamakomo pamwe chete namadzimambo acho ose. Hapana waakasiya ari mupenyu. Akaparadza zvachose vose vaifema, sezvakanga zvarayirwa naJehovha, Mwari waIsraeri. 41 Joshua akavaparadza kubva kuKadheshi Bharinea kusvikira kuGaza uye nokubva kudunhu rose reGosheni kusvikira kuGibheoni. 42 Madzimambo aya ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua panguva imwe chete, nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akarwira Israeri. 43 Ipapo Joshua akadzokera navaIsraeri vose kumusasa kuGirigari.

In Other Versions

Joshua 10 in the ANGEFD

Joshua 10 in the ANTPNG2D

Joshua 10 in the AS21

Joshua 10 in the BAGH

Joshua 10 in the BBPNG

Joshua 10 in the BBT1E

Joshua 10 in the BDS

Joshua 10 in the BEV

Joshua 10 in the BHAD

Joshua 10 in the BIB

Joshua 10 in the BLPT

Joshua 10 in the BNT

Joshua 10 in the BNTABOOT

Joshua 10 in the BNTLV

Joshua 10 in the BOATCB

Joshua 10 in the BOATCB2

Joshua 10 in the BOBCV

Joshua 10 in the BOCNT

Joshua 10 in the BOECS

Joshua 10 in the BOGWICC

Joshua 10 in the BOHCB

Joshua 10 in the BOHCV

Joshua 10 in the BOHLNT

Joshua 10 in the BOHNTLTAL

Joshua 10 in the BOICB

Joshua 10 in the BOILNTAP

Joshua 10 in the BOITCV

Joshua 10 in the BOKCV

Joshua 10 in the BOKCV2

Joshua 10 in the BOKHWOG

Joshua 10 in the BOKSSV

Joshua 10 in the BOLCB

Joshua 10 in the BOLCB2

Joshua 10 in the BOMCV

Joshua 10 in the BONAV

Joshua 10 in the BONCB

Joshua 10 in the BONLT

Joshua 10 in the BONUT2

Joshua 10 in the BOPLNT

Joshua 10 in the BOSNC

Joshua 10 in the BOTLNT

Joshua 10 in the BOVCB

Joshua 10 in the BOYCB

Joshua 10 in the BPBB

Joshua 10 in the BPH

Joshua 10 in the BSB

Joshua 10 in the CCB

Joshua 10 in the CUV

Joshua 10 in the CUVS

Joshua 10 in the DBT

Joshua 10 in the DGDNT

Joshua 10 in the DHNT

Joshua 10 in the DNT

Joshua 10 in the ELBE

Joshua 10 in the EMTV

Joshua 10 in the ESV

Joshua 10 in the FBV

Joshua 10 in the FEB

Joshua 10 in the GGMNT

Joshua 10 in the GNT

Joshua 10 in the HARY

Joshua 10 in the HNT

Joshua 10 in the IRVA

Joshua 10 in the IRVB

Joshua 10 in the IRVG

Joshua 10 in the IRVH

Joshua 10 in the IRVK

Joshua 10 in the IRVM

Joshua 10 in the IRVM2

Joshua 10 in the IRVO

Joshua 10 in the IRVP

Joshua 10 in the IRVT

Joshua 10 in the IRVT2

Joshua 10 in the IRVU

Joshua 10 in the ISVN

Joshua 10 in the JSNT

Joshua 10 in the KAPI

Joshua 10 in the KBT1ETNIK

Joshua 10 in the KBV

Joshua 10 in the KJV

Joshua 10 in the KNFD

Joshua 10 in the LBA

Joshua 10 in the LBLA

Joshua 10 in the LNT

Joshua 10 in the LSV

Joshua 10 in the MAAL

Joshua 10 in the MBV

Joshua 10 in the MBV2

Joshua 10 in the MHNT

Joshua 10 in the MKNFD

Joshua 10 in the MNG

Joshua 10 in the MNT

Joshua 10 in the MNT2

Joshua 10 in the MRS1T

Joshua 10 in the NAA

Joshua 10 in the NASB

Joshua 10 in the NBLA

Joshua 10 in the NBS

Joshua 10 in the NBVTP

Joshua 10 in the NET2

Joshua 10 in the NIV11

Joshua 10 in the NNT

Joshua 10 in the NNT2

Joshua 10 in the NNT3

Joshua 10 in the PDDPT

Joshua 10 in the PFNT

Joshua 10 in the RMNT

Joshua 10 in the SBIAS

Joshua 10 in the SBIBS

Joshua 10 in the SBIBS2

Joshua 10 in the SBICS

Joshua 10 in the SBIDS

Joshua 10 in the SBIGS

Joshua 10 in the SBIHS

Joshua 10 in the SBIIS

Joshua 10 in the SBIIS2

Joshua 10 in the SBIIS3

Joshua 10 in the SBIKS

Joshua 10 in the SBIKS2

Joshua 10 in the SBIMS

Joshua 10 in the SBIOS

Joshua 10 in the SBIPS

Joshua 10 in the SBISS

Joshua 10 in the SBITS

Joshua 10 in the SBITS2

Joshua 10 in the SBITS3

Joshua 10 in the SBITS4

Joshua 10 in the SBIUS

Joshua 10 in the SBIVS

Joshua 10 in the SBT

Joshua 10 in the SBT1E

Joshua 10 in the SCHL

Joshua 10 in the SNT

Joshua 10 in the SUSU

Joshua 10 in the SUSU2

Joshua 10 in the SYNO

Joshua 10 in the TBIAOTANT

Joshua 10 in the TBT1E

Joshua 10 in the TBT1E2

Joshua 10 in the TFTIP

Joshua 10 in the TFTU

Joshua 10 in the TGNTATF3T

Joshua 10 in the THAI

Joshua 10 in the TNFD

Joshua 10 in the TNT

Joshua 10 in the TNTIK

Joshua 10 in the TNTIL

Joshua 10 in the TNTIN

Joshua 10 in the TNTIP

Joshua 10 in the TNTIZ

Joshua 10 in the TOMA

Joshua 10 in the TTENT

Joshua 10 in the UBG

Joshua 10 in the UGV

Joshua 10 in the UGV2

Joshua 10 in the UGV3

Joshua 10 in the VBL

Joshua 10 in the VDCC

Joshua 10 in the YALU

Joshua 10 in the YAPE

Joshua 10 in the YBVTP

Joshua 10 in the ZBP