Joshua 13 (BOSCB)

1 Joshua akati akwegura ava namakore mazhinji kwazvo, Jehovha akati kwaari, “Wakwegura kwazvo, uye kuchine nzvimbo zhinji dzinofanira kutorwa. 2 “Iyi ndiyo nyika yasara: nyika dzose dzavaFiristia, navaGeshuri: 3 “Kubva kuRwizi rweShihori kumabvazuva kweIjipiti, kusvikira kudunhu reEkironi nechokumusoro, iyo yose yainzi ndeyavaKenani (matunhu amadzishe mashanu avaFiristia muGaza, Ashidhodhi, Ashikeroni, Gati, neEkironi yavaAvhiti); 4 kubva zasi nyika yose yavaKenani, kubva kuAra yevaSidhoni kusvikira kuAfeki, nyika yavaAmori, 5 nenyika yavaGebhari, uye neRebhanoni yose kumabvazuva, kubva paBhaari Gadhi muzasi meGomo reHemoni, kusvikira paRebho Hamati. 6 “Kana vari vanhu vose vanogara munyika dzamakomo kubva kuRebhanoni kusvika kuMisirefoti Maimi, zvichireva vaSidhoni vose, ini pachangu ndichavadzinga pamberi pavana vaIsraeri. Unofanira kugovera nyika iyi kuvana vaIsraeri kuti ive nhaka yavo sezvandakurayira, 7 uye ugoigovanisa senhaka pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase.” 8 Imwe hafu yaManase, navaRubheni navaGadhi, vakanga vagamuchira nhaka yavakanga vapiwa naMozisi kumabvazuva kweJorodhani, sokuvagovera kwaakanga aita, iye muranda waJehovha. 9 Yaibva kuAroeri nechokumusoro kwomupata weArinoni ichibvawo kuguta riri pakati pomupata, zvichibatanidzira bani rose reMedhebha kusvikira kuDhibhoni, 10 uye maguta ose aSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavaAmoni. 11 Yaibatanidzirawo Gireadhi, nenyika yavanhu veGeshuri neMaaka neGomo rose reHemoni uye neBhashani kusvikira kuSareka, 12 zvichireva umambo hwose hwaOgi muBhashani, akanga akambotonga muAshitaroti neEdhirei uye akanga apunyuka akava mumwe wavakanga vasara pakati pavaRefaiti. Mozisi akanga avakunda akavatorera nyika yavo. 13 Asi vaIsraeri havana kudzinga vanhu veGeshuri neMaaka, naizvozvo vagere pakati pavaIsraeri kusvikira nhasi. 14 Asi kurudzi rwaRevhi haana kupa nhaka, sezvo zvipiriso zvaiitwa nomoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri, zviri izvo nhaka yavo, sezvaakavavimbisa. 15 Iyi ndiyo nhaka yakanga yapiwa rudzi rwaRubheni naMozisi, mhuri nemhuri: 16 Nyika yose kubva kuAroeri, nechokumucheto kwoMupata weArinoni, uye kubva muguta pakati pomupata, bani rose kupfuura Medhebha 17 kusvikira kuHeshibhoni namaguta ose ari mubani, kusanganisa Dhibhoni, Bhamoti Bhaari, Bheti Bhaari Meoni, 18 Jahazi, Kedhemoti, Mefaati, 19 Kiriataimi, Sibhima Zereti Shahari pachikomo chiri mumupata, 20 Bheti-Peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti Jeshimoti, 21 anova maguta ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, uyo aitonga paHeshibhoni. Mozisi akanga amukunda pamwe chete namadzishe eMidhiani vaiti Evhi, Rekemu, Zuri, Huri, naRebha, machinda aibatsirana naSihoni, akanga agere munyika iyoyo. 22 Kuchiverengwa navaya vakanga vaurayiwa muhondo, vaIsraeri vakanga vauraya nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori uyo aiita zvokuvuka. 23 Muganhu wavaRubheni wakanga uri mahombekombe erwizi rweJorodhani. Maguta aya nemisha yawo ndiwo aiva nhaka yavaRubheni mhuri nemhuri. 24 Izvi ndizvo zvakapiwa rudzi rwavaGadhi naMozisi, mhuri nemhuri: 25 Nyika yeJazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavaAmoni, kusvikira kuAroeri, pedyo neRabha; 26 nokubva kuHeshibhoni, kusvikira kuRamati Mizipa neBhetonimu, uye kubva kuMabhanaimu kusvika kunyika yeDhebhiri; 27 nomumupata, Bheti Haramu, Bheti Nimura, Sukoti neZafoni nohumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshibhoni, (kumabvazuva kweJorodhani nenyika inosvika panogumira Gungwa reKinereti). 28 Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yavaGadhi, mhuri nemhuri. 29 Izvi ndizvo zvakanga zvapiwa hafu yorudzi rwaManase naMozisi, ndiko kuti, kuhafu yemhuri yezvizvarwa zvaManase, mhuri nemhuri: 30 Nyika yavo yaibva paMahanaimi, ichibatanidzira neBhashani yose, noushe hwose hwaOgi mambo weBhashani nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; 31 hafu yeGireadhi, neAshitaroti neEdhirei, (maguta oushe hwaOgi muBhashani). Iyi ndiyo yaiva nhaka yezvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase, zvehafu yavanakomana vaMakiri, mhuri nemhuri. 32 Ndiyo nhaka yakagoverwa naMozisi pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva kweJeriko. 33 Asi rudzi rwaRevhi haruna kupiwa nhaka naMozisi; Jehovha, Mwari wavaIsraeri, ndiye nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.

In Other Versions

Joshua 13 in the ANGEFD

Joshua 13 in the ANTPNG2D

Joshua 13 in the AS21

Joshua 13 in the BAGH

Joshua 13 in the BBPNG

Joshua 13 in the BBT1E

Joshua 13 in the BDS

Joshua 13 in the BEV

Joshua 13 in the BHAD

Joshua 13 in the BIB

Joshua 13 in the BLPT

Joshua 13 in the BNT

Joshua 13 in the BNTABOOT

Joshua 13 in the BNTLV

Joshua 13 in the BOATCB

Joshua 13 in the BOATCB2

Joshua 13 in the BOBCV

Joshua 13 in the BOCNT

Joshua 13 in the BOECS

Joshua 13 in the BOGWICC

Joshua 13 in the BOHCB

Joshua 13 in the BOHCV

Joshua 13 in the BOHLNT

Joshua 13 in the BOHNTLTAL

Joshua 13 in the BOICB

Joshua 13 in the BOILNTAP

Joshua 13 in the BOITCV

Joshua 13 in the BOKCV

Joshua 13 in the BOKCV2

Joshua 13 in the BOKHWOG

Joshua 13 in the BOKSSV

Joshua 13 in the BOLCB

Joshua 13 in the BOLCB2

Joshua 13 in the BOMCV

Joshua 13 in the BONAV

Joshua 13 in the BONCB

Joshua 13 in the BONLT

Joshua 13 in the BONUT2

Joshua 13 in the BOPLNT

Joshua 13 in the BOSNC

Joshua 13 in the BOTLNT

Joshua 13 in the BOVCB

Joshua 13 in the BOYCB

Joshua 13 in the BPBB

Joshua 13 in the BPH

Joshua 13 in the BSB

Joshua 13 in the CCB

Joshua 13 in the CUV

Joshua 13 in the CUVS

Joshua 13 in the DBT

Joshua 13 in the DGDNT

Joshua 13 in the DHNT

Joshua 13 in the DNT

Joshua 13 in the ELBE

Joshua 13 in the EMTV

Joshua 13 in the ESV

Joshua 13 in the FBV

Joshua 13 in the FEB

Joshua 13 in the GGMNT

Joshua 13 in the GNT

Joshua 13 in the HARY

Joshua 13 in the HNT

Joshua 13 in the IRVA

Joshua 13 in the IRVB

Joshua 13 in the IRVG

Joshua 13 in the IRVH

Joshua 13 in the IRVK

Joshua 13 in the IRVM

Joshua 13 in the IRVM2

Joshua 13 in the IRVO

Joshua 13 in the IRVP

Joshua 13 in the IRVT

Joshua 13 in the IRVT2

Joshua 13 in the IRVU

Joshua 13 in the ISVN

Joshua 13 in the JSNT

Joshua 13 in the KAPI

Joshua 13 in the KBT1ETNIK

Joshua 13 in the KBV

Joshua 13 in the KJV

Joshua 13 in the KNFD

Joshua 13 in the LBA

Joshua 13 in the LBLA

Joshua 13 in the LNT

Joshua 13 in the LSV

Joshua 13 in the MAAL

Joshua 13 in the MBV

Joshua 13 in the MBV2

Joshua 13 in the MHNT

Joshua 13 in the MKNFD

Joshua 13 in the MNG

Joshua 13 in the MNT

Joshua 13 in the MNT2

Joshua 13 in the MRS1T

Joshua 13 in the NAA

Joshua 13 in the NASB

Joshua 13 in the NBLA

Joshua 13 in the NBS

Joshua 13 in the NBVTP

Joshua 13 in the NET2

Joshua 13 in the NIV11

Joshua 13 in the NNT

Joshua 13 in the NNT2

Joshua 13 in the NNT3

Joshua 13 in the PDDPT

Joshua 13 in the PFNT

Joshua 13 in the RMNT

Joshua 13 in the SBIAS

Joshua 13 in the SBIBS

Joshua 13 in the SBIBS2

Joshua 13 in the SBICS

Joshua 13 in the SBIDS

Joshua 13 in the SBIGS

Joshua 13 in the SBIHS

Joshua 13 in the SBIIS

Joshua 13 in the SBIIS2

Joshua 13 in the SBIIS3

Joshua 13 in the SBIKS

Joshua 13 in the SBIKS2

Joshua 13 in the SBIMS

Joshua 13 in the SBIOS

Joshua 13 in the SBIPS

Joshua 13 in the SBISS

Joshua 13 in the SBITS

Joshua 13 in the SBITS2

Joshua 13 in the SBITS3

Joshua 13 in the SBITS4

Joshua 13 in the SBIUS

Joshua 13 in the SBIVS

Joshua 13 in the SBT

Joshua 13 in the SBT1E

Joshua 13 in the SCHL

Joshua 13 in the SNT

Joshua 13 in the SUSU

Joshua 13 in the SUSU2

Joshua 13 in the SYNO

Joshua 13 in the TBIAOTANT

Joshua 13 in the TBT1E

Joshua 13 in the TBT1E2

Joshua 13 in the TFTIP

Joshua 13 in the TFTU

Joshua 13 in the TGNTATF3T

Joshua 13 in the THAI

Joshua 13 in the TNFD

Joshua 13 in the TNT

Joshua 13 in the TNTIK

Joshua 13 in the TNTIL

Joshua 13 in the TNTIN

Joshua 13 in the TNTIP

Joshua 13 in the TNTIZ

Joshua 13 in the TOMA

Joshua 13 in the TTENT

Joshua 13 in the UBG

Joshua 13 in the UGV

Joshua 13 in the UGV2

Joshua 13 in the UGV3

Joshua 13 in the VBL

Joshua 13 in the VDCC

Joshua 13 in the YALU

Joshua 13 in the YAPE

Joshua 13 in the YBVTP

Joshua 13 in the ZBP