Joshua 23 (BOSCB)

1 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. 2 Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. 3 Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai. 4 Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. 5 Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu. 6 “Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. 7 Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. 8 Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi. 9 “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi. 10 Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa. 11 Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. 12 “Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo, 13 ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu. 14 “Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona. 15 Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai. 16 Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”

In Other Versions

Joshua 23 in the ANGEFD

Joshua 23 in the ANTPNG2D

Joshua 23 in the AS21

Joshua 23 in the BAGH

Joshua 23 in the BBPNG

Joshua 23 in the BBT1E

Joshua 23 in the BDS

Joshua 23 in the BEV

Joshua 23 in the BHAD

Joshua 23 in the BIB

Joshua 23 in the BLPT

Joshua 23 in the BNT

Joshua 23 in the BNTABOOT

Joshua 23 in the BNTLV

Joshua 23 in the BOATCB

Joshua 23 in the BOATCB2

Joshua 23 in the BOBCV

Joshua 23 in the BOCNT

Joshua 23 in the BOECS

Joshua 23 in the BOGWICC

Joshua 23 in the BOHCB

Joshua 23 in the BOHCV

Joshua 23 in the BOHLNT

Joshua 23 in the BOHNTLTAL

Joshua 23 in the BOICB

Joshua 23 in the BOILNTAP

Joshua 23 in the BOITCV

Joshua 23 in the BOKCV

Joshua 23 in the BOKCV2

Joshua 23 in the BOKHWOG

Joshua 23 in the BOKSSV

Joshua 23 in the BOLCB

Joshua 23 in the BOLCB2

Joshua 23 in the BOMCV

Joshua 23 in the BONAV

Joshua 23 in the BONCB

Joshua 23 in the BONLT

Joshua 23 in the BONUT2

Joshua 23 in the BOPLNT

Joshua 23 in the BOSNC

Joshua 23 in the BOTLNT

Joshua 23 in the BOVCB

Joshua 23 in the BOYCB

Joshua 23 in the BPBB

Joshua 23 in the BPH

Joshua 23 in the BSB

Joshua 23 in the CCB

Joshua 23 in the CUV

Joshua 23 in the CUVS

Joshua 23 in the DBT

Joshua 23 in the DGDNT

Joshua 23 in the DHNT

Joshua 23 in the DNT

Joshua 23 in the ELBE

Joshua 23 in the EMTV

Joshua 23 in the ESV

Joshua 23 in the FBV

Joshua 23 in the FEB

Joshua 23 in the GGMNT

Joshua 23 in the GNT

Joshua 23 in the HARY

Joshua 23 in the HNT

Joshua 23 in the IRVA

Joshua 23 in the IRVB

Joshua 23 in the IRVG

Joshua 23 in the IRVH

Joshua 23 in the IRVK

Joshua 23 in the IRVM

Joshua 23 in the IRVM2

Joshua 23 in the IRVO

Joshua 23 in the IRVP

Joshua 23 in the IRVT

Joshua 23 in the IRVT2

Joshua 23 in the IRVU

Joshua 23 in the ISVN

Joshua 23 in the JSNT

Joshua 23 in the KAPI

Joshua 23 in the KBT1ETNIK

Joshua 23 in the KBV

Joshua 23 in the KJV

Joshua 23 in the KNFD

Joshua 23 in the LBA

Joshua 23 in the LBLA

Joshua 23 in the LNT

Joshua 23 in the LSV

Joshua 23 in the MAAL

Joshua 23 in the MBV

Joshua 23 in the MBV2

Joshua 23 in the MHNT

Joshua 23 in the MKNFD

Joshua 23 in the MNG

Joshua 23 in the MNT

Joshua 23 in the MNT2

Joshua 23 in the MRS1T

Joshua 23 in the NAA

Joshua 23 in the NASB

Joshua 23 in the NBLA

Joshua 23 in the NBS

Joshua 23 in the NBVTP

Joshua 23 in the NET2

Joshua 23 in the NIV11

Joshua 23 in the NNT

Joshua 23 in the NNT2

Joshua 23 in the NNT3

Joshua 23 in the PDDPT

Joshua 23 in the PFNT

Joshua 23 in the RMNT

Joshua 23 in the SBIAS

Joshua 23 in the SBIBS

Joshua 23 in the SBIBS2

Joshua 23 in the SBICS

Joshua 23 in the SBIDS

Joshua 23 in the SBIGS

Joshua 23 in the SBIHS

Joshua 23 in the SBIIS

Joshua 23 in the SBIIS2

Joshua 23 in the SBIIS3

Joshua 23 in the SBIKS

Joshua 23 in the SBIKS2

Joshua 23 in the SBIMS

Joshua 23 in the SBIOS

Joshua 23 in the SBIPS

Joshua 23 in the SBISS

Joshua 23 in the SBITS

Joshua 23 in the SBITS2

Joshua 23 in the SBITS3

Joshua 23 in the SBITS4

Joshua 23 in the SBIUS

Joshua 23 in the SBIVS

Joshua 23 in the SBT

Joshua 23 in the SBT1E

Joshua 23 in the SCHL

Joshua 23 in the SNT

Joshua 23 in the SUSU

Joshua 23 in the SUSU2

Joshua 23 in the SYNO

Joshua 23 in the TBIAOTANT

Joshua 23 in the TBT1E

Joshua 23 in the TBT1E2

Joshua 23 in the TFTIP

Joshua 23 in the TFTU

Joshua 23 in the TGNTATF3T

Joshua 23 in the THAI

Joshua 23 in the TNFD

Joshua 23 in the TNT

Joshua 23 in the TNTIK

Joshua 23 in the TNTIL

Joshua 23 in the TNTIN

Joshua 23 in the TNTIP

Joshua 23 in the TNTIZ

Joshua 23 in the TOMA

Joshua 23 in the TTENT

Joshua 23 in the UBG

Joshua 23 in the UGV

Joshua 23 in the UGV2

Joshua 23 in the UGV3

Joshua 23 in the VBL

Joshua 23 in the VDCC

Joshua 23 in the YALU

Joshua 23 in the YAPE

Joshua 23 in the YBVTP

Joshua 23 in the ZBP