Joshua 4 (BOSCB)
1 Rudzi rwose parwakapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akati kuna Joshua, 2 “Sarudza varume gumi navaviri kubva pakati pavanhu, mumwe chete parudzi rumwe norumwe, 3 Ugovaudza kuti vatore mabwe gumi namaviri kubva pakati peJorodhani panga pakamira vaprista chaipo, mugoatakura mugoaisa pamunorara nhasi manheru.” 4 Saka Joshua akadaidza varume gumi navaviri vaakanga asarudza kubva kuvaIsraeri, mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, 5 Akati kwavari, “Endai pamberi peareka yaJehovha mupinde pakati peJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutakura dombo pafudzi pake zvichienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, 6 kuti ave chiratidzo pakati penyu. Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ 7 muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.” 8 Saka vaIsraeri vakaita sezvavakarayirwa naJoshua. Vakatora matombo gumi namaviri kubva pakati peJorodhani, aienderana nokuwanda kwamarudzi avaIsraeri, sezvakanga zvataurirwa Joshua naJehovha; vakaatakura vakaenda nawo kumisasa yavo kwavakanoaisa pasi. 9 Joshua akamisa matombo gumi namaviri akanga ari pakati peJorodhani pakanga pakamira vaprista vakanga vakatakura areka yesungano. Uye achiripo nanhasi uno. 10 Vaprista vakanga vakatakura areka vakaramba vakamira pakati peJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha zvaitwa navanhu, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Joshua naMozisi. Vanhu vakakurumidza kuyambuka 11 uye vose vachangoyambuka, areka yaJehovha navaprista vakayambukawo vanhu vakavatarisa. 12 Varume vokwaRubheni nevokwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakayambuka, vakatakura zvombo zvokurwa nazvo, pamberi pavaIsraeri, sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMozisi. 13 Vanenge zviuru makumi mana vakanga vakatakura zvombo zvokurwa nazvo, vakayambukira mhiri pamberi paJehovha vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. 14 Pazuva iroro Jehovha akasimudzira Joshua pamberi pavaIsraeri vose; vakamuremekedza mazuva ose oupenyu hwake sokuremekedza kwavakanga vaita Mozisi. 15 Zvino Jehovha akati kuna Joshua, 16 “Rayira vaprista vakatakura areka yeChipupuriro kuti vabude kubva muJorodhani.” 17 Saka Joshua akarayira vaprista achiti, “Budai muJorodhani.” 18 Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose. 19 Pazuva regumi romwedzi wokutanga, vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko. 20 Zvino Joshua akamisa matombo gumi namaviri paGirigari avakanga vatora kubva muJorodhani. 21 Akati kuvaIsraeri, “Mumazuva anotevera kana vana venyu vobvunza madzibaba avo vachiti, ‘Ko, matombo aya anorevei?’ 22 muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’ 23 Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka. 24 Akaita izvi kuitira kuti ndudzi dzose dzapanyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha rune simba uye kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.”
In Other Versions
Joshua 4 in the ANGEFD
Joshua 4 in the ANTPNG2D
Joshua 4 in the AS21
Joshua 4 in the BAGH
Joshua 4 in the BBPNG
Joshua 4 in the BBT1E
Joshua 4 in the BDS
Joshua 4 in the BEV
Joshua 4 in the BHAD
Joshua 4 in the BIB
Joshua 4 in the BLPT
Joshua 4 in the BNT
Joshua 4 in the BNTABOOT
Joshua 4 in the BNTLV
Joshua 4 in the BOATCB
Joshua 4 in the BOATCB2
Joshua 4 in the BOBCV
Joshua 4 in the BOCNT
Joshua 4 in the BOECS
Joshua 4 in the BOGWICC
Joshua 4 in the BOHCB
Joshua 4 in the BOHCV
Joshua 4 in the BOHLNT
Joshua 4 in the BOHNTLTAL
Joshua 4 in the BOICB
Joshua 4 in the BOILNTAP
Joshua 4 in the BOITCV
Joshua 4 in the BOKCV
Joshua 4 in the BOKCV2
Joshua 4 in the BOKHWOG
Joshua 4 in the BOKSSV
Joshua 4 in the BOLCB
Joshua 4 in the BOLCB2
Joshua 4 in the BOMCV
Joshua 4 in the BONAV
Joshua 4 in the BONCB
Joshua 4 in the BONLT
Joshua 4 in the BONUT2
Joshua 4 in the BOPLNT
Joshua 4 in the BOSNC
Joshua 4 in the BOTLNT
Joshua 4 in the BOVCB
Joshua 4 in the BOYCB
Joshua 4 in the BPBB
Joshua 4 in the BPH
Joshua 4 in the BSB
Joshua 4 in the CCB
Joshua 4 in the CUV
Joshua 4 in the CUVS
Joshua 4 in the DBT
Joshua 4 in the DGDNT
Joshua 4 in the DHNT
Joshua 4 in the DNT
Joshua 4 in the ELBE
Joshua 4 in the EMTV
Joshua 4 in the ESV
Joshua 4 in the FBV
Joshua 4 in the FEB
Joshua 4 in the GGMNT
Joshua 4 in the GNT
Joshua 4 in the HARY
Joshua 4 in the HNT
Joshua 4 in the IRVA
Joshua 4 in the IRVB
Joshua 4 in the IRVG
Joshua 4 in the IRVH
Joshua 4 in the IRVK
Joshua 4 in the IRVM
Joshua 4 in the IRVM2
Joshua 4 in the IRVO
Joshua 4 in the IRVP
Joshua 4 in the IRVT
Joshua 4 in the IRVT2
Joshua 4 in the IRVU
Joshua 4 in the ISVN
Joshua 4 in the JSNT
Joshua 4 in the KAPI
Joshua 4 in the KBT1ETNIK
Joshua 4 in the KBV
Joshua 4 in the KJV
Joshua 4 in the KNFD
Joshua 4 in the LBA
Joshua 4 in the LBLA
Joshua 4 in the LNT
Joshua 4 in the LSV
Joshua 4 in the MAAL
Joshua 4 in the MBV
Joshua 4 in the MBV2
Joshua 4 in the MHNT
Joshua 4 in the MKNFD
Joshua 4 in the MNG
Joshua 4 in the MNT
Joshua 4 in the MNT2
Joshua 4 in the MRS1T
Joshua 4 in the NAA
Joshua 4 in the NASB
Joshua 4 in the NBLA
Joshua 4 in the NBS
Joshua 4 in the NBVTP
Joshua 4 in the NET2
Joshua 4 in the NIV11
Joshua 4 in the NNT
Joshua 4 in the NNT2
Joshua 4 in the NNT3
Joshua 4 in the PDDPT
Joshua 4 in the PFNT
Joshua 4 in the RMNT
Joshua 4 in the SBIAS
Joshua 4 in the SBIBS
Joshua 4 in the SBIBS2
Joshua 4 in the SBICS
Joshua 4 in the SBIDS
Joshua 4 in the SBIGS
Joshua 4 in the SBIHS
Joshua 4 in the SBIIS
Joshua 4 in the SBIIS2
Joshua 4 in the SBIIS3
Joshua 4 in the SBIKS
Joshua 4 in the SBIKS2
Joshua 4 in the SBIMS
Joshua 4 in the SBIOS
Joshua 4 in the SBIPS
Joshua 4 in the SBISS
Joshua 4 in the SBITS
Joshua 4 in the SBITS2
Joshua 4 in the SBITS3
Joshua 4 in the SBITS4
Joshua 4 in the SBIUS
Joshua 4 in the SBIVS
Joshua 4 in the SBT
Joshua 4 in the SBT1E
Joshua 4 in the SCHL
Joshua 4 in the SNT
Joshua 4 in the SUSU
Joshua 4 in the SUSU2
Joshua 4 in the SYNO
Joshua 4 in the TBIAOTANT
Joshua 4 in the TBT1E
Joshua 4 in the TBT1E2
Joshua 4 in the TFTIP
Joshua 4 in the TFTU
Joshua 4 in the TGNTATF3T
Joshua 4 in the THAI
Joshua 4 in the TNFD
Joshua 4 in the TNT
Joshua 4 in the TNTIK
Joshua 4 in the TNTIL
Joshua 4 in the TNTIN
Joshua 4 in the TNTIP
Joshua 4 in the TNTIZ
Joshua 4 in the TOMA
Joshua 4 in the TTENT
Joshua 4 in the UBG
Joshua 4 in the UGV
Joshua 4 in the UGV2
Joshua 4 in the UGV3
Joshua 4 in the VBL
Joshua 4 in the VDCC
Joshua 4 in the YALU
Joshua 4 in the YAPE
Joshua 4 in the YBVTP
Joshua 4 in the ZBP