Leviticus 22 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha. 3 “Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha. 4 “ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu, 5 kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako. 6 Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura. 7 Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake. 8 Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha. 9 “ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene. 10 “ ‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya. 11 Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake. 12 Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista. 13 Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku. 14 “ ‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro. 15 Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha, 16 nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’ ” 17 Jehovha akati kuna Mozisi, 18 “Taura kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose uti kwavari, ‘Kana mumwe wenyu, angava muIsraeri kana mutorwa, anogara muIsraeri, akapa chipo kuti chive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, kungava kuzadzisa mhiko kana kungopawo chipo, 19 munofanira kupa mukono usina kuremara wemombe, kana gwai, kana mbudzi kuitira kuti zvigogamuchirwa panzvimbo yenyu. 20 Musauya nechinhu chipi zvacho chakaremara nokuti hachizogamuchirwi panzvimbo yenyu. 21 Kana munhu akauyisa kubva mudanga remombe kana ramakwai chipiriso chokuwadzana kuna Jehovha achizadzisa kupika kwake kana kuti sechipo chokungopawo, chinofanira kuva chisina kuremara kana chisina gwapa kuti chigamuchirwe. 22 Musapa kuna Jehovha zvakapofumara, zvakakuvara kana zvakaremara, kana chinhu chine mhezi kana chine maronda anopararira. Musaisa chipi zvacho chezvinhu izvi paaritari sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 23 Munogona kupa zvakadaro sechipo chokungopawo, nzombe kana gwai rakaremera kana zvine mitezo yakarebesa kana yakapfupikisa, asi hazvigamuchirwi pakuzadzisa mhiko. 24 Hamufaniri kupa kuna Jehovha chipiriso chemhuka ina manhu akakuvara, akatswanywa, akabvamburwa kana akachekwa. Hamufaniri kuita izvi munyika menyu. 25 Uye hamufaniri kugamuchira mhuka dzakadai kubva mumaoko omutorwa muchizodzipa sechokudya chaMwari wenyu. Hadzizogamuchirwi panzvimbo yenyu nokuti dzakaremara uye hadzina kukwana.’ ” 26 Jehovha akati kuna Mozisi, 27 “Mhuru, kana gwai, kana mbudzi ikaberekwa, inofanira kugara namai vayo kwamazuva manomwe. Kubva pazuva rorusere zvichienda mberi, ichagamuchirwa sechipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 28 Musauraya mombe nomwana wayo kana gwai nomwana waro musi mumwe chete. 29 “Kana muchibayira Jehovha chibayiro chokuvonga, chibayirei nenzira inoita kuti chigogamuchirwa panzvimbo yenyu. 30 Chinofanira kudyiwa musi iwoyo, musasiya zvimwe zvacho kusvikira mangwana. Ndini Jehovha. 31 “Chengetai mirayiro yangu mugoitevera. Ndini Jehovha. 32 Musamhura zita rangu dzvene. Ndinofanira kuzivikanwa somutsvene navaIsraeri. Ndini Jehovha anokuitai vatsvene 33 uye akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha.”

In Other Versions

Leviticus 22 in the ANGEFD

Leviticus 22 in the ANTPNG2D

Leviticus 22 in the AS21

Leviticus 22 in the BAGH

Leviticus 22 in the BBPNG

Leviticus 22 in the BBT1E

Leviticus 22 in the BDS

Leviticus 22 in the BEV

Leviticus 22 in the BHAD

Leviticus 22 in the BIB

Leviticus 22 in the BLPT

Leviticus 22 in the BNT

Leviticus 22 in the BNTABOOT

Leviticus 22 in the BNTLV

Leviticus 22 in the BOATCB

Leviticus 22 in the BOATCB2

Leviticus 22 in the BOBCV

Leviticus 22 in the BOCNT

Leviticus 22 in the BOECS

Leviticus 22 in the BOGWICC

Leviticus 22 in the BOHCB

Leviticus 22 in the BOHCV

Leviticus 22 in the BOHLNT

Leviticus 22 in the BOHNTLTAL

Leviticus 22 in the BOICB

Leviticus 22 in the BOILNTAP

Leviticus 22 in the BOITCV

Leviticus 22 in the BOKCV

Leviticus 22 in the BOKCV2

Leviticus 22 in the BOKHWOG

Leviticus 22 in the BOKSSV

Leviticus 22 in the BOLCB

Leviticus 22 in the BOLCB2

Leviticus 22 in the BOMCV

Leviticus 22 in the BONAV

Leviticus 22 in the BONCB

Leviticus 22 in the BONLT

Leviticus 22 in the BONUT2

Leviticus 22 in the BOPLNT

Leviticus 22 in the BOSNC

Leviticus 22 in the BOTLNT

Leviticus 22 in the BOVCB

Leviticus 22 in the BOYCB

Leviticus 22 in the BPBB

Leviticus 22 in the BPH

Leviticus 22 in the BSB

Leviticus 22 in the CCB

Leviticus 22 in the CUV

Leviticus 22 in the CUVS

Leviticus 22 in the DBT

Leviticus 22 in the DGDNT

Leviticus 22 in the DHNT

Leviticus 22 in the DNT

Leviticus 22 in the ELBE

Leviticus 22 in the EMTV

Leviticus 22 in the ESV

Leviticus 22 in the FBV

Leviticus 22 in the FEB

Leviticus 22 in the GGMNT

Leviticus 22 in the GNT

Leviticus 22 in the HARY

Leviticus 22 in the HNT

Leviticus 22 in the IRVA

Leviticus 22 in the IRVB

Leviticus 22 in the IRVG

Leviticus 22 in the IRVH

Leviticus 22 in the IRVK

Leviticus 22 in the IRVM

Leviticus 22 in the IRVM2

Leviticus 22 in the IRVO

Leviticus 22 in the IRVP

Leviticus 22 in the IRVT

Leviticus 22 in the IRVT2

Leviticus 22 in the IRVU

Leviticus 22 in the ISVN

Leviticus 22 in the JSNT

Leviticus 22 in the KAPI

Leviticus 22 in the KBT1ETNIK

Leviticus 22 in the KBV

Leviticus 22 in the KJV

Leviticus 22 in the KNFD

Leviticus 22 in the LBA

Leviticus 22 in the LBLA

Leviticus 22 in the LNT

Leviticus 22 in the LSV

Leviticus 22 in the MAAL

Leviticus 22 in the MBV

Leviticus 22 in the MBV2

Leviticus 22 in the MHNT

Leviticus 22 in the MKNFD

Leviticus 22 in the MNG

Leviticus 22 in the MNT

Leviticus 22 in the MNT2

Leviticus 22 in the MRS1T

Leviticus 22 in the NAA

Leviticus 22 in the NASB

Leviticus 22 in the NBLA

Leviticus 22 in the NBS

Leviticus 22 in the NBVTP

Leviticus 22 in the NET2

Leviticus 22 in the NIV11

Leviticus 22 in the NNT

Leviticus 22 in the NNT2

Leviticus 22 in the NNT3

Leviticus 22 in the PDDPT

Leviticus 22 in the PFNT

Leviticus 22 in the RMNT

Leviticus 22 in the SBIAS

Leviticus 22 in the SBIBS

Leviticus 22 in the SBIBS2

Leviticus 22 in the SBICS

Leviticus 22 in the SBIDS

Leviticus 22 in the SBIGS

Leviticus 22 in the SBIHS

Leviticus 22 in the SBIIS

Leviticus 22 in the SBIIS2

Leviticus 22 in the SBIIS3

Leviticus 22 in the SBIKS

Leviticus 22 in the SBIKS2

Leviticus 22 in the SBIMS

Leviticus 22 in the SBIOS

Leviticus 22 in the SBIPS

Leviticus 22 in the SBISS

Leviticus 22 in the SBITS

Leviticus 22 in the SBITS2

Leviticus 22 in the SBITS3

Leviticus 22 in the SBITS4

Leviticus 22 in the SBIUS

Leviticus 22 in the SBIVS

Leviticus 22 in the SBT

Leviticus 22 in the SBT1E

Leviticus 22 in the SCHL

Leviticus 22 in the SNT

Leviticus 22 in the SUSU

Leviticus 22 in the SUSU2

Leviticus 22 in the SYNO

Leviticus 22 in the TBIAOTANT

Leviticus 22 in the TBT1E

Leviticus 22 in the TBT1E2

Leviticus 22 in the TFTIP

Leviticus 22 in the TFTU

Leviticus 22 in the TGNTATF3T

Leviticus 22 in the THAI

Leviticus 22 in the TNFD

Leviticus 22 in the TNT

Leviticus 22 in the TNTIK

Leviticus 22 in the TNTIL

Leviticus 22 in the TNTIN

Leviticus 22 in the TNTIP

Leviticus 22 in the TNTIZ

Leviticus 22 in the TOMA

Leviticus 22 in the TTENT

Leviticus 22 in the UBG

Leviticus 22 in the UGV

Leviticus 22 in the UGV2

Leviticus 22 in the UGV3

Leviticus 22 in the VBL

Leviticus 22 in the VDCC

Leviticus 22 in the YALU

Leviticus 22 in the YAPE

Leviticus 22 in the YBVTP

Leviticus 22 in the ZBP