Leviticus 6 (BOSCB)

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, 3 kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, 4 kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, 5 kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. 6 Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondobwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana. 7 Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.” 8 Jehovha akati kuna Mozisi, 9 “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. 10 Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. 11 Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. 12 Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. 13 Moto unofanira kuramba uchibvira paaritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima. 14 “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari. 15 Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuhwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 16 Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana. 17 Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene-tsvene. 18 Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kuzvizvarwa zvichatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ” 19 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, 20 “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru. 21 Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka, mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. 22 Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose. 23 Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.” 24 Jehovha akati kuna Mozisi, 25 “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene. 26 Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana. 27 Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene. 28 Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura. 29 Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene. 30 Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.

In Other Versions

Leviticus 6 in the ANGEFD

Leviticus 6 in the ANTPNG2D

Leviticus 6 in the AS21

Leviticus 6 in the BAGH

Leviticus 6 in the BBPNG

Leviticus 6 in the BBT1E

Leviticus 6 in the BDS

Leviticus 6 in the BEV

Leviticus 6 in the BHAD

Leviticus 6 in the BIB

Leviticus 6 in the BLPT

Leviticus 6 in the BNT

Leviticus 6 in the BNTABOOT

Leviticus 6 in the BNTLV

Leviticus 6 in the BOATCB

Leviticus 6 in the BOATCB2

Leviticus 6 in the BOBCV

Leviticus 6 in the BOCNT

Leviticus 6 in the BOECS

Leviticus 6 in the BOGWICC

Leviticus 6 in the BOHCB

Leviticus 6 in the BOHCV

Leviticus 6 in the BOHLNT

Leviticus 6 in the BOHNTLTAL

Leviticus 6 in the BOICB

Leviticus 6 in the BOILNTAP

Leviticus 6 in the BOITCV

Leviticus 6 in the BOKCV

Leviticus 6 in the BOKCV2

Leviticus 6 in the BOKHWOG

Leviticus 6 in the BOKSSV

Leviticus 6 in the BOLCB

Leviticus 6 in the BOLCB2

Leviticus 6 in the BOMCV

Leviticus 6 in the BONAV

Leviticus 6 in the BONCB

Leviticus 6 in the BONLT

Leviticus 6 in the BONUT2

Leviticus 6 in the BOPLNT

Leviticus 6 in the BOSNC

Leviticus 6 in the BOTLNT

Leviticus 6 in the BOVCB

Leviticus 6 in the BOYCB

Leviticus 6 in the BPBB

Leviticus 6 in the BPH

Leviticus 6 in the BSB

Leviticus 6 in the CCB

Leviticus 6 in the CUV

Leviticus 6 in the CUVS

Leviticus 6 in the DBT

Leviticus 6 in the DGDNT

Leviticus 6 in the DHNT

Leviticus 6 in the DNT

Leviticus 6 in the ELBE

Leviticus 6 in the EMTV

Leviticus 6 in the ESV

Leviticus 6 in the FBV

Leviticus 6 in the FEB

Leviticus 6 in the GGMNT

Leviticus 6 in the GNT

Leviticus 6 in the HARY

Leviticus 6 in the HNT

Leviticus 6 in the IRVA

Leviticus 6 in the IRVB

Leviticus 6 in the IRVG

Leviticus 6 in the IRVH

Leviticus 6 in the IRVK

Leviticus 6 in the IRVM

Leviticus 6 in the IRVM2

Leviticus 6 in the IRVO

Leviticus 6 in the IRVP

Leviticus 6 in the IRVT

Leviticus 6 in the IRVT2

Leviticus 6 in the IRVU

Leviticus 6 in the ISVN

Leviticus 6 in the JSNT

Leviticus 6 in the KAPI

Leviticus 6 in the KBT1ETNIK

Leviticus 6 in the KBV

Leviticus 6 in the KJV

Leviticus 6 in the KNFD

Leviticus 6 in the LBA

Leviticus 6 in the LBLA

Leviticus 6 in the LNT

Leviticus 6 in the LSV

Leviticus 6 in the MAAL

Leviticus 6 in the MBV

Leviticus 6 in the MBV2

Leviticus 6 in the MHNT

Leviticus 6 in the MKNFD

Leviticus 6 in the MNG

Leviticus 6 in the MNT

Leviticus 6 in the MNT2

Leviticus 6 in the MRS1T

Leviticus 6 in the NAA

Leviticus 6 in the NASB

Leviticus 6 in the NBLA

Leviticus 6 in the NBS

Leviticus 6 in the NBVTP

Leviticus 6 in the NET2

Leviticus 6 in the NIV11

Leviticus 6 in the NNT

Leviticus 6 in the NNT2

Leviticus 6 in the NNT3

Leviticus 6 in the PDDPT

Leviticus 6 in the PFNT

Leviticus 6 in the RMNT

Leviticus 6 in the SBIAS

Leviticus 6 in the SBIBS

Leviticus 6 in the SBIBS2

Leviticus 6 in the SBICS

Leviticus 6 in the SBIDS

Leviticus 6 in the SBIGS

Leviticus 6 in the SBIHS

Leviticus 6 in the SBIIS

Leviticus 6 in the SBIIS2

Leviticus 6 in the SBIIS3

Leviticus 6 in the SBIKS

Leviticus 6 in the SBIKS2

Leviticus 6 in the SBIMS

Leviticus 6 in the SBIOS

Leviticus 6 in the SBIPS

Leviticus 6 in the SBISS

Leviticus 6 in the SBITS

Leviticus 6 in the SBITS2

Leviticus 6 in the SBITS3

Leviticus 6 in the SBITS4

Leviticus 6 in the SBIUS

Leviticus 6 in the SBIVS

Leviticus 6 in the SBT

Leviticus 6 in the SBT1E

Leviticus 6 in the SCHL

Leviticus 6 in the SNT

Leviticus 6 in the SUSU

Leviticus 6 in the SUSU2

Leviticus 6 in the SYNO

Leviticus 6 in the TBIAOTANT

Leviticus 6 in the TBT1E

Leviticus 6 in the TBT1E2

Leviticus 6 in the TFTIP

Leviticus 6 in the TFTU

Leviticus 6 in the TGNTATF3T

Leviticus 6 in the THAI

Leviticus 6 in the TNFD

Leviticus 6 in the TNT

Leviticus 6 in the TNTIK

Leviticus 6 in the TNTIL

Leviticus 6 in the TNTIN

Leviticus 6 in the TNTIP

Leviticus 6 in the TNTIZ

Leviticus 6 in the TOMA

Leviticus 6 in the TTENT

Leviticus 6 in the UBG

Leviticus 6 in the UGV

Leviticus 6 in the UGV2

Leviticus 6 in the UGV3

Leviticus 6 in the VBL

Leviticus 6 in the VDCC

Leviticus 6 in the YALU

Leviticus 6 in the YAPE

Leviticus 6 in the YBVTP

Leviticus 6 in the ZBP