Matthew 17 (BOSCB)
1 Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga. 2 Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. 3 Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu. 4 Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.” 5 Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!” 6 Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo. 7 Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.” 8 Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga. 9 Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.” 10 Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” 11 Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose. 12 Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.” 13 Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi. 14 Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, 15 “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. 16 Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.” 17 Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” 18 Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo. 19 Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?” 20 Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. 21 Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.” 22 Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. 23 Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo. 24 Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, “Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?” 25 Akapindura akati, “Hongu, anoripa.”Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?” 26 Petro akapindura akati, “Kuna vamwe.” Jesu akati, “Saka vana vakasununguka. 27 Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”
In Other Versions
Matthew 17 in the ANGEFD
Matthew 17 in the ANTPNG2D
Matthew 17 in the AS21
Matthew 17 in the BAGH
Matthew 17 in the BBPNG
Matthew 17 in the BBT1E
Matthew 17 in the BDS
Matthew 17 in the BEV
Matthew 17 in the BHAD
Matthew 17 in the BIB
Matthew 17 in the BLPT
Matthew 17 in the BNT
Matthew 17 in the BNTABOOT
Matthew 17 in the BNTLV
Matthew 17 in the BOATCB
Matthew 17 in the BOATCB2
Matthew 17 in the BOBCV
Matthew 17 in the BOCNT
Matthew 17 in the BOECS
Matthew 17 in the BOGWICC
Matthew 17 in the BOHCB
Matthew 17 in the BOHCV
Matthew 17 in the BOHLNT
Matthew 17 in the BOHNTLTAL
Matthew 17 in the BOICB
Matthew 17 in the BOILNTAP
Matthew 17 in the BOITCV
Matthew 17 in the BOKCV
Matthew 17 in the BOKCV2
Matthew 17 in the BOKHWOG
Matthew 17 in the BOKSSV
Matthew 17 in the BOLCB
Matthew 17 in the BOLCB2
Matthew 17 in the BOMCV
Matthew 17 in the BONAV
Matthew 17 in the BONCB
Matthew 17 in the BONLT
Matthew 17 in the BONUT2
Matthew 17 in the BOPLNT
Matthew 17 in the BOSNC
Matthew 17 in the BOTLNT
Matthew 17 in the BOVCB
Matthew 17 in the BOYCB
Matthew 17 in the BPBB
Matthew 17 in the BPH
Matthew 17 in the BSB
Matthew 17 in the CCB
Matthew 17 in the CUV
Matthew 17 in the CUVS
Matthew 17 in the DBT
Matthew 17 in the DGDNT
Matthew 17 in the DHNT
Matthew 17 in the DNT
Matthew 17 in the ELBE
Matthew 17 in the EMTV
Matthew 17 in the ESV
Matthew 17 in the FBV
Matthew 17 in the FEB
Matthew 17 in the GGMNT
Matthew 17 in the GNT
Matthew 17 in the HARY
Matthew 17 in the HNT
Matthew 17 in the IRVA
Matthew 17 in the IRVB
Matthew 17 in the IRVG
Matthew 17 in the IRVH
Matthew 17 in the IRVK
Matthew 17 in the IRVM
Matthew 17 in the IRVM2
Matthew 17 in the IRVO
Matthew 17 in the IRVP
Matthew 17 in the IRVT
Matthew 17 in the IRVT2
Matthew 17 in the IRVU
Matthew 17 in the ISVN
Matthew 17 in the JSNT
Matthew 17 in the KAPI
Matthew 17 in the KBT1ETNIK
Matthew 17 in the KBV
Matthew 17 in the KJV
Matthew 17 in the KNFD
Matthew 17 in the LBA
Matthew 17 in the LBLA
Matthew 17 in the LNT
Matthew 17 in the LSV
Matthew 17 in the MAAL
Matthew 17 in the MBV
Matthew 17 in the MBV2
Matthew 17 in the MHNT
Matthew 17 in the MKNFD
Matthew 17 in the MNG
Matthew 17 in the MNT
Matthew 17 in the MNT2
Matthew 17 in the MRS1T
Matthew 17 in the NAA
Matthew 17 in the NASB
Matthew 17 in the NBLA
Matthew 17 in the NBS
Matthew 17 in the NBVTP
Matthew 17 in the NET2
Matthew 17 in the NIV11
Matthew 17 in the NNT
Matthew 17 in the NNT2
Matthew 17 in the NNT3
Matthew 17 in the PDDPT
Matthew 17 in the PFNT
Matthew 17 in the RMNT
Matthew 17 in the SBIAS
Matthew 17 in the SBIBS
Matthew 17 in the SBIBS2
Matthew 17 in the SBICS
Matthew 17 in the SBIDS
Matthew 17 in the SBIGS
Matthew 17 in the SBIHS
Matthew 17 in the SBIIS
Matthew 17 in the SBIIS2
Matthew 17 in the SBIIS3
Matthew 17 in the SBIKS
Matthew 17 in the SBIKS2
Matthew 17 in the SBIMS
Matthew 17 in the SBIOS
Matthew 17 in the SBIPS
Matthew 17 in the SBISS
Matthew 17 in the SBITS
Matthew 17 in the SBITS2
Matthew 17 in the SBITS3
Matthew 17 in the SBITS4
Matthew 17 in the SBIUS
Matthew 17 in the SBIVS
Matthew 17 in the SBT
Matthew 17 in the SBT1E
Matthew 17 in the SCHL
Matthew 17 in the SNT
Matthew 17 in the SUSU
Matthew 17 in the SUSU2
Matthew 17 in the SYNO
Matthew 17 in the TBIAOTANT
Matthew 17 in the TBT1E
Matthew 17 in the TBT1E2
Matthew 17 in the TFTIP
Matthew 17 in the TFTU
Matthew 17 in the TGNTATF3T
Matthew 17 in the THAI
Matthew 17 in the TNFD
Matthew 17 in the TNT
Matthew 17 in the TNTIK
Matthew 17 in the TNTIL
Matthew 17 in the TNTIN
Matthew 17 in the TNTIP
Matthew 17 in the TNTIZ
Matthew 17 in the TOMA
Matthew 17 in the TTENT
Matthew 17 in the UBG
Matthew 17 in the UGV
Matthew 17 in the UGV2
Matthew 17 in the UGV3
Matthew 17 in the VBL
Matthew 17 in the VDCC
Matthew 17 in the YALU
Matthew 17 in the YAPE
Matthew 17 in the YBVTP
Matthew 17 in the ZBP