Nehemiah 6 (BOSCB)

1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo, 2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.”Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa. 3 Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?” 4 Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose. 5 Zvino, Sanibharati akatumazve muranda wake kwandiri kechishanu, neshoko rimwe chetero netsamba mumaoko ake yakanga isina kunamwa. 6 Yakanga yakanyorwa zvinoti:“Pakati pamarudzi zvinotaurwa kuti, uye Geshemu anotiwo ichokwadi, iwe navaJudha muri kurangana kumukira mambo, ndokusaka muri kuvaka rusvingo. Pamusoro pezvo, iwe wava kuda kuva mambo wavo sokutaurwa kwazvo. 7 Uye wakatogadza vaprofita kuti vataure pamusoro pako muJerusarema vachiti: ‘MuJudha mava namambo!’ Zvino nyaya iyi ichasvika kuna mambo, saka uya titaurirane.” 8 Ndakatumira mhinduro kwaari ndikati, “Hapana chinhu chakaita sechauri kutaura chiri kuitika; ndiwe uri kungozvifunga mumusoro mako.” 9 Vose vaingoedza kutivhundutsira vachiti mumwoyo yavo, “Maoko avo achaneta nebasa, uye harizoperi.”Asi ndakanyengetera ndikati, “Simbisai maoko angu zvino.” 10 Rimwe zuva ndakaenda kumba kwaShemaya mwanakomana waDheraya, mwanakomana waMehetabheri, uyo akanga azvipfigira mumba make, iye akati, “Ngatisangane mumba yaMwari mukati metemberi tigopfiga mikova yetemberi, nokuti kuna varume vari kuuya kuzokuuraya, panguva dzousiku vari kuuya kuzokuuraya.” 11 Asi ini ndakati kwaari, “Murume akaita seni angatiza here? Uye munhu akaita seni angatizira mutemberi kuti aponese upenyu hwake here? Handidi kuenda ini!” 12 Ndakaona kuti Mwari akanga asina kumutuma asi kuti aiprofita zvakaipa pamusoro pangu nokuti akanga atengwa naTobhia naSanibharati. 13 Akanga atengwa kuti azondivhundutsira kuitira kuti ndiite chivi nokuita izvi, uye ipapo vagondipa zita rakaipa kuti vandisvibise. 14 Haiwa Mwari wangu, rangarirai henyu Tobhia naSanibharati, nokuda kwezvavaita; rangariraiwo muprofitakadzi Noadhia uye noruzhinji rwavaprofita avo vanga vachiedza kundivhundutsira. 15 Naizvozvo rusvingo rwakapera nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi waEruri, mumazuva makumi mashanu namaviri. 16 Vavengi vedu vose vakati vanzwa izvi, marudzi ose akatipoteredza akatya uye vakaora mwoyo, nokuti vakaona kuti basa iri rakanga raitwa norubatsiro rwaMwari wedu. 17 Uyezve, mumazuva iwayo vakuru veJudha vaitumira matsamba akawanda kuna Tobhia, uye mhinduro dzaibva kuna Tobhia dzairamba dzichiuya kwavari. 18 Nokuti vazhinji muJudha vakanga vaita mhiko pasi pake, sezvo akanga ari mukuwasha kuna Shekania mwanakomana waAra, uye mwanakomana wake Jehohanani akanga akawana mwanasikana waMeshurami mwanakomana waBherekia. 19 Pamusoro paizvozvo, vairamba vachingondiudza mabasa ake akanaka uye ivo vachizomuudzawo zvandinenge ndataura. Uye Tobhia akatumira matsamba okundivhundutsira.

In Other Versions

Nehemiah 6 in the ANGEFD

Nehemiah 6 in the ANTPNG2D

Nehemiah 6 in the AS21

Nehemiah 6 in the BAGH

Nehemiah 6 in the BBPNG

Nehemiah 6 in the BBT1E

Nehemiah 6 in the BDS

Nehemiah 6 in the BEV

Nehemiah 6 in the BHAD

Nehemiah 6 in the BIB

Nehemiah 6 in the BLPT

Nehemiah 6 in the BNT

Nehemiah 6 in the BNTABOOT

Nehemiah 6 in the BNTLV

Nehemiah 6 in the BOATCB

Nehemiah 6 in the BOATCB2

Nehemiah 6 in the BOBCV

Nehemiah 6 in the BOCNT

Nehemiah 6 in the BOECS

Nehemiah 6 in the BOGWICC

Nehemiah 6 in the BOHCB

Nehemiah 6 in the BOHCV

Nehemiah 6 in the BOHLNT

Nehemiah 6 in the BOHNTLTAL

Nehemiah 6 in the BOICB

Nehemiah 6 in the BOILNTAP

Nehemiah 6 in the BOITCV

Nehemiah 6 in the BOKCV

Nehemiah 6 in the BOKCV2

Nehemiah 6 in the BOKHWOG

Nehemiah 6 in the BOKSSV

Nehemiah 6 in the BOLCB

Nehemiah 6 in the BOLCB2

Nehemiah 6 in the BOMCV

Nehemiah 6 in the BONAV

Nehemiah 6 in the BONCB

Nehemiah 6 in the BONLT

Nehemiah 6 in the BONUT2

Nehemiah 6 in the BOPLNT

Nehemiah 6 in the BOSNC

Nehemiah 6 in the BOTLNT

Nehemiah 6 in the BOVCB

Nehemiah 6 in the BOYCB

Nehemiah 6 in the BPBB

Nehemiah 6 in the BPH

Nehemiah 6 in the BSB

Nehemiah 6 in the CCB

Nehemiah 6 in the CUV

Nehemiah 6 in the CUVS

Nehemiah 6 in the DBT

Nehemiah 6 in the DGDNT

Nehemiah 6 in the DHNT

Nehemiah 6 in the DNT

Nehemiah 6 in the ELBE

Nehemiah 6 in the EMTV

Nehemiah 6 in the ESV

Nehemiah 6 in the FBV

Nehemiah 6 in the FEB

Nehemiah 6 in the GGMNT

Nehemiah 6 in the GNT

Nehemiah 6 in the HARY

Nehemiah 6 in the HNT

Nehemiah 6 in the IRVA

Nehemiah 6 in the IRVB

Nehemiah 6 in the IRVG

Nehemiah 6 in the IRVH

Nehemiah 6 in the IRVK

Nehemiah 6 in the IRVM

Nehemiah 6 in the IRVM2

Nehemiah 6 in the IRVO

Nehemiah 6 in the IRVP

Nehemiah 6 in the IRVT

Nehemiah 6 in the IRVT2

Nehemiah 6 in the IRVU

Nehemiah 6 in the ISVN

Nehemiah 6 in the JSNT

Nehemiah 6 in the KAPI

Nehemiah 6 in the KBT1ETNIK

Nehemiah 6 in the KBV

Nehemiah 6 in the KJV

Nehemiah 6 in the KNFD

Nehemiah 6 in the LBA

Nehemiah 6 in the LBLA

Nehemiah 6 in the LNT

Nehemiah 6 in the LSV

Nehemiah 6 in the MAAL

Nehemiah 6 in the MBV

Nehemiah 6 in the MBV2

Nehemiah 6 in the MHNT

Nehemiah 6 in the MKNFD

Nehemiah 6 in the MNG

Nehemiah 6 in the MNT

Nehemiah 6 in the MNT2

Nehemiah 6 in the MRS1T

Nehemiah 6 in the NAA

Nehemiah 6 in the NASB

Nehemiah 6 in the NBLA

Nehemiah 6 in the NBS

Nehemiah 6 in the NBVTP

Nehemiah 6 in the NET2

Nehemiah 6 in the NIV11

Nehemiah 6 in the NNT

Nehemiah 6 in the NNT2

Nehemiah 6 in the NNT3

Nehemiah 6 in the PDDPT

Nehemiah 6 in the PFNT

Nehemiah 6 in the RMNT

Nehemiah 6 in the SBIAS

Nehemiah 6 in the SBIBS

Nehemiah 6 in the SBIBS2

Nehemiah 6 in the SBICS

Nehemiah 6 in the SBIDS

Nehemiah 6 in the SBIGS

Nehemiah 6 in the SBIHS

Nehemiah 6 in the SBIIS

Nehemiah 6 in the SBIIS2

Nehemiah 6 in the SBIIS3

Nehemiah 6 in the SBIKS

Nehemiah 6 in the SBIKS2

Nehemiah 6 in the SBIMS

Nehemiah 6 in the SBIOS

Nehemiah 6 in the SBIPS

Nehemiah 6 in the SBISS

Nehemiah 6 in the SBITS

Nehemiah 6 in the SBITS2

Nehemiah 6 in the SBITS3

Nehemiah 6 in the SBITS4

Nehemiah 6 in the SBIUS

Nehemiah 6 in the SBIVS

Nehemiah 6 in the SBT

Nehemiah 6 in the SBT1E

Nehemiah 6 in the SCHL

Nehemiah 6 in the SNT

Nehemiah 6 in the SUSU

Nehemiah 6 in the SUSU2

Nehemiah 6 in the SYNO

Nehemiah 6 in the TBIAOTANT

Nehemiah 6 in the TBT1E

Nehemiah 6 in the TBT1E2

Nehemiah 6 in the TFTIP

Nehemiah 6 in the TFTU

Nehemiah 6 in the TGNTATF3T

Nehemiah 6 in the THAI

Nehemiah 6 in the TNFD

Nehemiah 6 in the TNT

Nehemiah 6 in the TNTIK

Nehemiah 6 in the TNTIL

Nehemiah 6 in the TNTIN

Nehemiah 6 in the TNTIP

Nehemiah 6 in the TNTIZ

Nehemiah 6 in the TOMA

Nehemiah 6 in the TTENT

Nehemiah 6 in the UBG

Nehemiah 6 in the UGV

Nehemiah 6 in the UGV2

Nehemiah 6 in the UGV3

Nehemiah 6 in the VBL

Nehemiah 6 in the VDCC

Nehemiah 6 in the YALU

Nehemiah 6 in the YAPE

Nehemiah 6 in the YBVTP

Nehemiah 6 in the ZBP