Proverbs 26 (BOSCB)

1 Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa,rukudzo haruna kufanira kubenzi. 2 Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve,saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita. 3 Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro,uye shamhu musana webenzi! 4 Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro,kana kuti iwe pachako uchafanana naro. 5 Pindura benzi maererano noupenzi hwaro,kuti rirege kuona sokuti rakachenjera. 6 Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo,ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi. 7 Samakumbo echirema akangorembera ndizvozvakaita chirevo mumuromo webenzi. 8 Sokusungira ibwe pachipfuramabwendizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi. 9 Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa,ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi. 10 Somuwemburi weuta anopfura pose pose,ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake. 11 Sembwa inodzokera kumarutsi ayo,ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro. 12 Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here?Benzi rinotova netariro kupfuura iye. 13 Simbe inoti, “Kune shumba kunzira,shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!” 14 Segonhi rinotenderera pamahinji aro,ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. 15 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo. 16 Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayokupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere. 17 Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo,ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye. 18 Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto,kana miseve inouraya, 19 ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wakeuye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!” 20 Pasina huni moto unodzima;pasina makuhwa kukakavara kunopera. 21 Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto,ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. 22 Mashoko eguhwa akaita semisuvayakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu. 23 Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu,ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa. 24 Muparadzi anozvivanza namatauriro ake,asi mumwoyo make akaviga ruvengo. 25 Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura,nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. 26 Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake,asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano. 27 Kana munhu akachera gomba, achawira mariri;kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake. 28 Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa,uye muromo unobata kumeso unoparadza.

In Other Versions

Proverbs 26 in the ANGEFD

Proverbs 26 in the ANTPNG2D

Proverbs 26 in the AS21

Proverbs 26 in the BAGH

Proverbs 26 in the BBPNG

Proverbs 26 in the BBT1E

Proverbs 26 in the BDS

Proverbs 26 in the BEV

Proverbs 26 in the BHAD

Proverbs 26 in the BIB

Proverbs 26 in the BLPT

Proverbs 26 in the BNT

Proverbs 26 in the BNTABOOT

Proverbs 26 in the BNTLV

Proverbs 26 in the BOATCB

Proverbs 26 in the BOATCB2

Proverbs 26 in the BOBCV

Proverbs 26 in the BOCNT

Proverbs 26 in the BOECS

Proverbs 26 in the BOGWICC

Proverbs 26 in the BOHCB

Proverbs 26 in the BOHCV

Proverbs 26 in the BOHLNT

Proverbs 26 in the BOHNTLTAL

Proverbs 26 in the BOICB

Proverbs 26 in the BOILNTAP

Proverbs 26 in the BOITCV

Proverbs 26 in the BOKCV

Proverbs 26 in the BOKCV2

Proverbs 26 in the BOKHWOG

Proverbs 26 in the BOKSSV

Proverbs 26 in the BOLCB

Proverbs 26 in the BOLCB2

Proverbs 26 in the BOMCV

Proverbs 26 in the BONAV

Proverbs 26 in the BONCB

Proverbs 26 in the BONLT

Proverbs 26 in the BONUT2

Proverbs 26 in the BOPLNT

Proverbs 26 in the BOSNC

Proverbs 26 in the BOTLNT

Proverbs 26 in the BOVCB

Proverbs 26 in the BOYCB

Proverbs 26 in the BPBB

Proverbs 26 in the BPH

Proverbs 26 in the BSB

Proverbs 26 in the CCB

Proverbs 26 in the CUV

Proverbs 26 in the CUVS

Proverbs 26 in the DBT

Proverbs 26 in the DGDNT

Proverbs 26 in the DHNT

Proverbs 26 in the DNT

Proverbs 26 in the ELBE

Proverbs 26 in the EMTV

Proverbs 26 in the ESV

Proverbs 26 in the FBV

Proverbs 26 in the FEB

Proverbs 26 in the GGMNT

Proverbs 26 in the GNT

Proverbs 26 in the HARY

Proverbs 26 in the HNT

Proverbs 26 in the IRVA

Proverbs 26 in the IRVB

Proverbs 26 in the IRVG

Proverbs 26 in the IRVH

Proverbs 26 in the IRVK

Proverbs 26 in the IRVM

Proverbs 26 in the IRVM2

Proverbs 26 in the IRVO

Proverbs 26 in the IRVP

Proverbs 26 in the IRVT

Proverbs 26 in the IRVT2

Proverbs 26 in the IRVU

Proverbs 26 in the ISVN

Proverbs 26 in the JSNT

Proverbs 26 in the KAPI

Proverbs 26 in the KBT1ETNIK

Proverbs 26 in the KBV

Proverbs 26 in the KJV

Proverbs 26 in the KNFD

Proverbs 26 in the LBA

Proverbs 26 in the LBLA

Proverbs 26 in the LNT

Proverbs 26 in the LSV

Proverbs 26 in the MAAL

Proverbs 26 in the MBV

Proverbs 26 in the MBV2

Proverbs 26 in the MHNT

Proverbs 26 in the MKNFD

Proverbs 26 in the MNG

Proverbs 26 in the MNT

Proverbs 26 in the MNT2

Proverbs 26 in the MRS1T

Proverbs 26 in the NAA

Proverbs 26 in the NASB

Proverbs 26 in the NBLA

Proverbs 26 in the NBS

Proverbs 26 in the NBVTP

Proverbs 26 in the NET2

Proverbs 26 in the NIV11

Proverbs 26 in the NNT

Proverbs 26 in the NNT2

Proverbs 26 in the NNT3

Proverbs 26 in the PDDPT

Proverbs 26 in the PFNT

Proverbs 26 in the RMNT

Proverbs 26 in the SBIAS

Proverbs 26 in the SBIBS

Proverbs 26 in the SBIBS2

Proverbs 26 in the SBICS

Proverbs 26 in the SBIDS

Proverbs 26 in the SBIGS

Proverbs 26 in the SBIHS

Proverbs 26 in the SBIIS

Proverbs 26 in the SBIIS2

Proverbs 26 in the SBIIS3

Proverbs 26 in the SBIKS

Proverbs 26 in the SBIKS2

Proverbs 26 in the SBIMS

Proverbs 26 in the SBIOS

Proverbs 26 in the SBIPS

Proverbs 26 in the SBISS

Proverbs 26 in the SBITS

Proverbs 26 in the SBITS2

Proverbs 26 in the SBITS3

Proverbs 26 in the SBITS4

Proverbs 26 in the SBIUS

Proverbs 26 in the SBIVS

Proverbs 26 in the SBT

Proverbs 26 in the SBT1E

Proverbs 26 in the SCHL

Proverbs 26 in the SNT

Proverbs 26 in the SUSU

Proverbs 26 in the SUSU2

Proverbs 26 in the SYNO

Proverbs 26 in the TBIAOTANT

Proverbs 26 in the TBT1E

Proverbs 26 in the TBT1E2

Proverbs 26 in the TFTIP

Proverbs 26 in the TFTU

Proverbs 26 in the TGNTATF3T

Proverbs 26 in the THAI

Proverbs 26 in the TNFD

Proverbs 26 in the TNT

Proverbs 26 in the TNTIK

Proverbs 26 in the TNTIL

Proverbs 26 in the TNTIN

Proverbs 26 in the TNTIP

Proverbs 26 in the TNTIZ

Proverbs 26 in the TOMA

Proverbs 26 in the TTENT

Proverbs 26 in the UBG

Proverbs 26 in the UGV

Proverbs 26 in the UGV2

Proverbs 26 in the UGV3

Proverbs 26 in the VBL

Proverbs 26 in the VDCC

Proverbs 26 in the YALU

Proverbs 26 in the YAPE

Proverbs 26 in the YBVTP

Proverbs 26 in the ZBP