Psalms 128 (BOSCB)
undefined Rwiyo rworwendo. 1 Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,vanofamba munzira dzake. 2 Uchadya chibereko chokushanda kwako;maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,pakati peimba yako;vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,vakakomberedza tafura yako. 4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,anotya Jehovha. 5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,mazuva ose oupenyu hwenyu;muone henyu kubudirira kweJerusarema, 6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.