Psalms 23 (BOSCB)
undefined Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. 2 Anondivatisa pamafuro manyoro,anondisesedza pamvura inozorodza, 3 anoponesa mweya wangu.Anondifambisa panzira dzokururamanokuda kwezita rake. 4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,handingatyi zvakaipa,nokuti imi muneni;tsvimbo yenyu nomudonzvowenyu zvinondinyaradza. 5 Munondigadzirira tafurapamberi pavavengi vangu.Munozodza musoro wangu namafuta;mukombe wangu unopfachukira. 6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,mazuva ose oupenyu hwangu,uye ndichagara mumba maJehovhanokusingaperi.