Psalms 3 (BOSCB)
undefined Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. 1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!Vakawanda sei vanondimukira! 2 Vazhinji vanoti kwandiri,“Mwari haangamudzikinuri.” Sera 3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 5 Ndinovata pasi ndigokotsira;ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 6 Handizotyi makumi ezviuruvakandikomba kuti vandirwise. 7 Simukai, imi Jehovha!Ndirwirei, imi Mwari wangu!Rovai vavengi vangu vose pashaya;gurai meno avakaipa. 8 Rusununguko runobva kuna Jehovha.Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera