Revelation 20 (BOSCB)

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akanga akabata ngetani huru muruoko rwake. 2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru. 3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku. 4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru. 5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga. 6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru. 7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake 8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa. 9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza. 10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri. 11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, zvikashayirwa nzvimbo. 12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. 13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata. 14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. 15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.

In Other Versions

Revelation 20 in the ANGEFD

Revelation 20 in the ANTPNG2D

Revelation 20 in the AS21

Revelation 20 in the BAGH

Revelation 20 in the BBPNG

Revelation 20 in the BBT1E

Revelation 20 in the BDS

Revelation 20 in the BEV

Revelation 20 in the BHAD

Revelation 20 in the BIB

Revelation 20 in the BLPT

Revelation 20 in the BNT

Revelation 20 in the BNTABOOT

Revelation 20 in the BNTLV

Revelation 20 in the BOATCB

Revelation 20 in the BOATCB2

Revelation 20 in the BOBCV

Revelation 20 in the BOCNT

Revelation 20 in the BOECS

Revelation 20 in the BOGWICC

Revelation 20 in the BOHCB

Revelation 20 in the BOHCV

Revelation 20 in the BOHLNT

Revelation 20 in the BOHNTLTAL

Revelation 20 in the BOICB

Revelation 20 in the BOILNTAP

Revelation 20 in the BOITCV

Revelation 20 in the BOKCV

Revelation 20 in the BOKCV2

Revelation 20 in the BOKHWOG

Revelation 20 in the BOKSSV

Revelation 20 in the BOLCB

Revelation 20 in the BOLCB2

Revelation 20 in the BOMCV

Revelation 20 in the BONAV

Revelation 20 in the BONCB

Revelation 20 in the BONLT

Revelation 20 in the BONUT2

Revelation 20 in the BOPLNT

Revelation 20 in the BOSNC

Revelation 20 in the BOTLNT

Revelation 20 in the BOVCB

Revelation 20 in the BOYCB

Revelation 20 in the BPBB

Revelation 20 in the BPH

Revelation 20 in the BSB

Revelation 20 in the CCB

Revelation 20 in the CUV

Revelation 20 in the CUVS

Revelation 20 in the DBT

Revelation 20 in the DGDNT

Revelation 20 in the DHNT

Revelation 20 in the DNT

Revelation 20 in the ELBE

Revelation 20 in the EMTV

Revelation 20 in the ESV

Revelation 20 in the FBV

Revelation 20 in the FEB

Revelation 20 in the GGMNT

Revelation 20 in the GNT

Revelation 20 in the HARY

Revelation 20 in the HNT

Revelation 20 in the IRVA

Revelation 20 in the IRVB

Revelation 20 in the IRVG

Revelation 20 in the IRVH

Revelation 20 in the IRVK

Revelation 20 in the IRVM

Revelation 20 in the IRVM2

Revelation 20 in the IRVO

Revelation 20 in the IRVP

Revelation 20 in the IRVT

Revelation 20 in the IRVT2

Revelation 20 in the IRVU

Revelation 20 in the ISVN

Revelation 20 in the JSNT

Revelation 20 in the KAPI

Revelation 20 in the KBT1ETNIK

Revelation 20 in the KBV

Revelation 20 in the KJV

Revelation 20 in the KNFD

Revelation 20 in the LBA

Revelation 20 in the LBLA

Revelation 20 in the LNT

Revelation 20 in the LSV

Revelation 20 in the MAAL

Revelation 20 in the MBV

Revelation 20 in the MBV2

Revelation 20 in the MHNT

Revelation 20 in the MKNFD

Revelation 20 in the MNG

Revelation 20 in the MNT

Revelation 20 in the MNT2

Revelation 20 in the MRS1T

Revelation 20 in the NAA

Revelation 20 in the NASB

Revelation 20 in the NBLA

Revelation 20 in the NBS

Revelation 20 in the NBVTP

Revelation 20 in the NET2

Revelation 20 in the NIV11

Revelation 20 in the NNT

Revelation 20 in the NNT2

Revelation 20 in the NNT3

Revelation 20 in the PDDPT

Revelation 20 in the PFNT

Revelation 20 in the RMNT

Revelation 20 in the SBIAS

Revelation 20 in the SBIBS

Revelation 20 in the SBIBS2

Revelation 20 in the SBICS

Revelation 20 in the SBIDS

Revelation 20 in the SBIGS

Revelation 20 in the SBIHS

Revelation 20 in the SBIIS

Revelation 20 in the SBIIS2

Revelation 20 in the SBIIS3

Revelation 20 in the SBIKS

Revelation 20 in the SBIKS2

Revelation 20 in the SBIMS

Revelation 20 in the SBIOS

Revelation 20 in the SBIPS

Revelation 20 in the SBISS

Revelation 20 in the SBITS

Revelation 20 in the SBITS2

Revelation 20 in the SBITS3

Revelation 20 in the SBITS4

Revelation 20 in the SBIUS

Revelation 20 in the SBIVS

Revelation 20 in the SBT

Revelation 20 in the SBT1E

Revelation 20 in the SCHL

Revelation 20 in the SNT

Revelation 20 in the SUSU

Revelation 20 in the SUSU2

Revelation 20 in the SYNO

Revelation 20 in the TBIAOTANT

Revelation 20 in the TBT1E

Revelation 20 in the TBT1E2

Revelation 20 in the TFTIP

Revelation 20 in the TFTU

Revelation 20 in the TGNTATF3T

Revelation 20 in the THAI

Revelation 20 in the TNFD

Revelation 20 in the TNT

Revelation 20 in the TNTIK

Revelation 20 in the TNTIL

Revelation 20 in the TNTIN

Revelation 20 in the TNTIP

Revelation 20 in the TNTIZ

Revelation 20 in the TOMA

Revelation 20 in the TTENT

Revelation 20 in the UBG

Revelation 20 in the UGV

Revelation 20 in the UGV2

Revelation 20 in the UGV3

Revelation 20 in the VBL

Revelation 20 in the VDCC

Revelation 20 in the YALU

Revelation 20 in the YAPE

Revelation 20 in the YBVTP

Revelation 20 in the ZBP