Ruth 4 (BOSCB)

1 Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi. 2 Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo. 3 Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu. 4 Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.”Iye akati, “Ndichautenga.” 5 Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.” 6 Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.” 7 (Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.) 8 Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake. 9 Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni. 10 Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!” 11 Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema. 12 Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.” 13 Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana. 14 Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! 15 Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.” 16 Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. 17 Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi. 18 Iyi ndiyo imba yaPerezi: Perezi akabereka Hezironi, 19 Hezironi akabereka Ramu,Ramu akabereka Aminadhabhi, 20 Aminadhabhi akabereka Nashoni,Nashoni akabereka Sarimoni, 21 Sarimoni akabereka Bhoazi,Bhoazi akabereka Obhedhi, 22 Obhedhi akabereka Jese,uye Jese akabereka Dhavhidhi.

In Other Versions

Ruth 4 in the ANGEFD

Ruth 4 in the ANTPNG2D

Ruth 4 in the AS21

Ruth 4 in the BAGH

Ruth 4 in the BBPNG

Ruth 4 in the BBT1E

Ruth 4 in the BDS

Ruth 4 in the BEV

Ruth 4 in the BHAD

Ruth 4 in the BIB

Ruth 4 in the BLPT

Ruth 4 in the BNT

Ruth 4 in the BNTABOOT

Ruth 4 in the BNTLV

Ruth 4 in the BOATCB

Ruth 4 in the BOATCB2

Ruth 4 in the BOBCV

Ruth 4 in the BOCNT

Ruth 4 in the BOECS

Ruth 4 in the BOGWICC

Ruth 4 in the BOHCB

Ruth 4 in the BOHCV

Ruth 4 in the BOHLNT

Ruth 4 in the BOHNTLTAL

Ruth 4 in the BOICB

Ruth 4 in the BOILNTAP

Ruth 4 in the BOITCV

Ruth 4 in the BOKCV

Ruth 4 in the BOKCV2

Ruth 4 in the BOKHWOG

Ruth 4 in the BOKSSV

Ruth 4 in the BOLCB

Ruth 4 in the BOLCB2

Ruth 4 in the BOMCV

Ruth 4 in the BONAV

Ruth 4 in the BONCB

Ruth 4 in the BONLT

Ruth 4 in the BONUT2

Ruth 4 in the BOPLNT

Ruth 4 in the BOSNC

Ruth 4 in the BOTLNT

Ruth 4 in the BOVCB

Ruth 4 in the BOYCB

Ruth 4 in the BPBB

Ruth 4 in the BPH

Ruth 4 in the BSB

Ruth 4 in the CCB

Ruth 4 in the CUV

Ruth 4 in the CUVS

Ruth 4 in the DBT

Ruth 4 in the DGDNT

Ruth 4 in the DHNT

Ruth 4 in the DNT

Ruth 4 in the ELBE

Ruth 4 in the EMTV

Ruth 4 in the ESV

Ruth 4 in the FBV

Ruth 4 in the FEB

Ruth 4 in the GGMNT

Ruth 4 in the GNT

Ruth 4 in the HARY

Ruth 4 in the HNT

Ruth 4 in the IRVA

Ruth 4 in the IRVB

Ruth 4 in the IRVG

Ruth 4 in the IRVH

Ruth 4 in the IRVK

Ruth 4 in the IRVM

Ruth 4 in the IRVM2

Ruth 4 in the IRVO

Ruth 4 in the IRVP

Ruth 4 in the IRVT

Ruth 4 in the IRVT2

Ruth 4 in the IRVU

Ruth 4 in the ISVN

Ruth 4 in the JSNT

Ruth 4 in the KAPI

Ruth 4 in the KBT1ETNIK

Ruth 4 in the KBV

Ruth 4 in the KJV

Ruth 4 in the KNFD

Ruth 4 in the LBA

Ruth 4 in the LBLA

Ruth 4 in the LNT

Ruth 4 in the LSV

Ruth 4 in the MAAL

Ruth 4 in the MBV

Ruth 4 in the MBV2

Ruth 4 in the MHNT

Ruth 4 in the MKNFD

Ruth 4 in the MNG

Ruth 4 in the MNT

Ruth 4 in the MNT2

Ruth 4 in the MRS1T

Ruth 4 in the NAA

Ruth 4 in the NASB

Ruth 4 in the NBLA

Ruth 4 in the NBS

Ruth 4 in the NBVTP

Ruth 4 in the NET2

Ruth 4 in the NIV11

Ruth 4 in the NNT

Ruth 4 in the NNT2

Ruth 4 in the NNT3

Ruth 4 in the PDDPT

Ruth 4 in the PFNT

Ruth 4 in the RMNT

Ruth 4 in the SBIAS

Ruth 4 in the SBIBS

Ruth 4 in the SBIBS2

Ruth 4 in the SBICS

Ruth 4 in the SBIDS

Ruth 4 in the SBIGS

Ruth 4 in the SBIHS

Ruth 4 in the SBIIS

Ruth 4 in the SBIIS2

Ruth 4 in the SBIIS3

Ruth 4 in the SBIKS

Ruth 4 in the SBIKS2

Ruth 4 in the SBIMS

Ruth 4 in the SBIOS

Ruth 4 in the SBIPS

Ruth 4 in the SBISS

Ruth 4 in the SBITS

Ruth 4 in the SBITS2

Ruth 4 in the SBITS3

Ruth 4 in the SBITS4

Ruth 4 in the SBIUS

Ruth 4 in the SBIVS

Ruth 4 in the SBT

Ruth 4 in the SBT1E

Ruth 4 in the SCHL

Ruth 4 in the SNT

Ruth 4 in the SUSU

Ruth 4 in the SUSU2

Ruth 4 in the SYNO

Ruth 4 in the TBIAOTANT

Ruth 4 in the TBT1E

Ruth 4 in the TBT1E2

Ruth 4 in the TFTIP

Ruth 4 in the TFTU

Ruth 4 in the TGNTATF3T

Ruth 4 in the THAI

Ruth 4 in the TNFD

Ruth 4 in the TNT

Ruth 4 in the TNTIK

Ruth 4 in the TNTIL

Ruth 4 in the TNTIN

Ruth 4 in the TNTIP

Ruth 4 in the TNTIZ

Ruth 4 in the TOMA

Ruth 4 in the TTENT

Ruth 4 in the UBG

Ruth 4 in the UGV

Ruth 4 in the UGV2

Ruth 4 in the UGV3

Ruth 4 in the VBL

Ruth 4 in the VDCC

Ruth 4 in the YALU

Ruth 4 in the YAPE

Ruth 4 in the YBVTP

Ruth 4 in the ZBP