1 Chronicles 15 (BOSCB)
1 Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende. 2 Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.” 3 Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. 4 Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi: 5 kubva kuzvizvarwa zvaKohati,Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri; 6 kubva kuzvizvarwa zvaMerari,Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri; 7 kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni,Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu; 8 kubva kuzvizvarwa zvaErizafani,Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri; 9 kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni,Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere; 10 kubva kuzvizvarwa zvaUzieri,Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri. 11 Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi. 12 Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira. 13 Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.” 14 Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri. 15 Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha. 16 Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira. 17 Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya; 18 uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova. 19 Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira. 20 Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti, 21 uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti. 22 Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri. 23 Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka. 24 Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka. 25 Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara. 26 Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe. 27 Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka. 28 Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira. 29 Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.
In Other Versions
1 Chronicles 15 in the ANGEFD
1 Chronicles 15 in the ANTPNG2D
1 Chronicles 15 in the AS21
1 Chronicles 15 in the BAGH
1 Chronicles 15 in the BBPNG
1 Chronicles 15 in the BBT1E
1 Chronicles 15 in the BDS
1 Chronicles 15 in the BEV
1 Chronicles 15 in the BHAD
1 Chronicles 15 in the BIB
1 Chronicles 15 in the BLPT
1 Chronicles 15 in the BNT
1 Chronicles 15 in the BNTABOOT
1 Chronicles 15 in the BNTLV
1 Chronicles 15 in the BOATCB
1 Chronicles 15 in the BOATCB2
1 Chronicles 15 in the BOBCV
1 Chronicles 15 in the BOCNT
1 Chronicles 15 in the BOECS
1 Chronicles 15 in the BOGWICC
1 Chronicles 15 in the BOHCB
1 Chronicles 15 in the BOHCV
1 Chronicles 15 in the BOHLNT
1 Chronicles 15 in the BOHNTLTAL
1 Chronicles 15 in the BOICB
1 Chronicles 15 in the BOILNTAP
1 Chronicles 15 in the BOITCV
1 Chronicles 15 in the BOKCV
1 Chronicles 15 in the BOKCV2
1 Chronicles 15 in the BOKHWOG
1 Chronicles 15 in the BOKSSV
1 Chronicles 15 in the BOLCB
1 Chronicles 15 in the BOLCB2
1 Chronicles 15 in the BOMCV
1 Chronicles 15 in the BONAV
1 Chronicles 15 in the BONCB
1 Chronicles 15 in the BONLT
1 Chronicles 15 in the BONUT2
1 Chronicles 15 in the BOPLNT
1 Chronicles 15 in the BOSNC
1 Chronicles 15 in the BOTLNT
1 Chronicles 15 in the BOVCB
1 Chronicles 15 in the BOYCB
1 Chronicles 15 in the BPBB
1 Chronicles 15 in the BPH
1 Chronicles 15 in the BSB
1 Chronicles 15 in the CCB
1 Chronicles 15 in the CUV
1 Chronicles 15 in the CUVS
1 Chronicles 15 in the DBT
1 Chronicles 15 in the DGDNT
1 Chronicles 15 in the DHNT
1 Chronicles 15 in the DNT
1 Chronicles 15 in the ELBE
1 Chronicles 15 in the EMTV
1 Chronicles 15 in the ESV
1 Chronicles 15 in the FBV
1 Chronicles 15 in the FEB
1 Chronicles 15 in the GGMNT
1 Chronicles 15 in the GNT
1 Chronicles 15 in the HARY
1 Chronicles 15 in the HNT
1 Chronicles 15 in the IRVA
1 Chronicles 15 in the IRVB
1 Chronicles 15 in the IRVG
1 Chronicles 15 in the IRVH
1 Chronicles 15 in the IRVK
1 Chronicles 15 in the IRVM
1 Chronicles 15 in the IRVM2
1 Chronicles 15 in the IRVO
1 Chronicles 15 in the IRVP
1 Chronicles 15 in the IRVT
1 Chronicles 15 in the IRVT2
1 Chronicles 15 in the IRVU
1 Chronicles 15 in the ISVN
1 Chronicles 15 in the JSNT
1 Chronicles 15 in the KAPI
1 Chronicles 15 in the KBT1ETNIK
1 Chronicles 15 in the KBV
1 Chronicles 15 in the KJV
1 Chronicles 15 in the KNFD
1 Chronicles 15 in the LBA
1 Chronicles 15 in the LBLA
1 Chronicles 15 in the LNT
1 Chronicles 15 in the LSV
1 Chronicles 15 in the MAAL
1 Chronicles 15 in the MBV
1 Chronicles 15 in the MBV2
1 Chronicles 15 in the MHNT
1 Chronicles 15 in the MKNFD
1 Chronicles 15 in the MNG
1 Chronicles 15 in the MNT
1 Chronicles 15 in the MNT2
1 Chronicles 15 in the MRS1T
1 Chronicles 15 in the NAA
1 Chronicles 15 in the NASB
1 Chronicles 15 in the NBLA
1 Chronicles 15 in the NBS
1 Chronicles 15 in the NBVTP
1 Chronicles 15 in the NET2
1 Chronicles 15 in the NIV11
1 Chronicles 15 in the NNT
1 Chronicles 15 in the NNT2
1 Chronicles 15 in the NNT3
1 Chronicles 15 in the PDDPT
1 Chronicles 15 in the PFNT
1 Chronicles 15 in the RMNT
1 Chronicles 15 in the SBIAS
1 Chronicles 15 in the SBIBS
1 Chronicles 15 in the SBIBS2
1 Chronicles 15 in the SBICS
1 Chronicles 15 in the SBIDS
1 Chronicles 15 in the SBIGS
1 Chronicles 15 in the SBIHS
1 Chronicles 15 in the SBIIS
1 Chronicles 15 in the SBIIS2
1 Chronicles 15 in the SBIIS3
1 Chronicles 15 in the SBIKS
1 Chronicles 15 in the SBIKS2
1 Chronicles 15 in the SBIMS
1 Chronicles 15 in the SBIOS
1 Chronicles 15 in the SBIPS
1 Chronicles 15 in the SBISS
1 Chronicles 15 in the SBITS
1 Chronicles 15 in the SBITS2
1 Chronicles 15 in the SBITS3
1 Chronicles 15 in the SBITS4
1 Chronicles 15 in the SBIUS
1 Chronicles 15 in the SBIVS
1 Chronicles 15 in the SBT
1 Chronicles 15 in the SBT1E
1 Chronicles 15 in the SCHL
1 Chronicles 15 in the SNT
1 Chronicles 15 in the SUSU
1 Chronicles 15 in the SUSU2
1 Chronicles 15 in the SYNO
1 Chronicles 15 in the TBIAOTANT
1 Chronicles 15 in the TBT1E
1 Chronicles 15 in the TBT1E2
1 Chronicles 15 in the TFTIP
1 Chronicles 15 in the TFTU
1 Chronicles 15 in the TGNTATF3T
1 Chronicles 15 in the THAI
1 Chronicles 15 in the TNFD
1 Chronicles 15 in the TNT
1 Chronicles 15 in the TNTIK
1 Chronicles 15 in the TNTIL
1 Chronicles 15 in the TNTIN
1 Chronicles 15 in the TNTIP
1 Chronicles 15 in the TNTIZ
1 Chronicles 15 in the TOMA
1 Chronicles 15 in the TTENT
1 Chronicles 15 in the UBG
1 Chronicles 15 in the UGV
1 Chronicles 15 in the UGV2
1 Chronicles 15 in the UGV3
1 Chronicles 15 in the VBL
1 Chronicles 15 in the VDCC
1 Chronicles 15 in the YALU
1 Chronicles 15 in the YAPE
1 Chronicles 15 in the YBVTP
1 Chronicles 15 in the ZBP