1 Chronicles 21 (BOSCB)

1 Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri. 2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.” 3 Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi pasi petsoka dzenyu here? Seiko ishe wangu muchida kuita izvi? Sei muchida kuuyisa mhosva kuna Israeri?” 4 Zvisinei, shoko ramambo rakakunda raJoabhu, saka Joabhu akabvapo akaenda muIsraeri yose uye akadzokera kuJerusarema. 5 Joabhu akataurira Dhavhidhi uwandu hwavarwi achiti muIsraeri yose maiva navanhu vaigona kubata munondo vaisvika miriyoni nezana rezviuru zvavarume, vachisanganisira zviuru mazana mana nemakumi manomwe muJudha. 6 Asi Joabhu haana kusanganisira Revhi naBhenjamini mukuverenga uku, nokuti kurayira kwamambo kwakanga kwakaipa kwazvo kwaari. 7 Kurayira uku kwakanga kwakaipawo pamberi paMwari, saka akaranga Israeri. 8 Ipapo Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Ndakatadza zvikuru pandakaita chinhu ichi. Zvino ndinokumbirawo kuti mubvise kuipa kwomuranda wenyu. Ndakaita sebenzi kwazvo.” 9 Jehovha akati kuna Gadhi muoni waDhavhidhi, 10 “Enda undotaurira Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndinokupa zvinhu zvitatu zvokusarudza. Zvisarudzire chaunoda kuti ndikuitire ndichikuranga.’ ” 11 Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Sarudza pakati peizvi: 12 Makore matatu enzara, mwedzi mitatu yokutsvairwa pamberi pavavengi vako, minondo yavo ichikuparadzai, kana kuti mazuva matatu omunondo waJehovha, mazuva edenda munyika mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsraeri.’ Zvino saka zvisarudzirei kuti ndinganopindura sei uyo akandituma.” 13 Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri mukutambudzika kukuru kwazvo. Rega hako ndiwire mumaoko aJehovha nokuti tsitsi dzake dzakakura kwazvo, asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.” 14 Saka Jehovha akatumira denda muIsraeri uye zviuru makumi manomwe zvavarume veIsraeri vakawira pasi vakafa. 15 Uye Jehovha akatuma mutumwa kuti aparadze Jerusarema, asi mutumwa uya paakanga achiita izvi Jehovha akazviona uye akazvidemba nokuda kwedambudziko iri akati kumutumwa aiparadza vanhu, “Zvakwana! Dzosa ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga akamira paburiro raArauna muJebhusi. 16 Dhavhidhi akatarisa kumusoro akaona mutumwa waJehovha akamira pakati pedenga nenyika, aine munondo muruoko rwake akarutambanudzira pamusoro peJerusarema. Ipapo Dhavhidhi navakuru vose vakapfeka masaga, vakawira pasi vakatsikitsira zviso zvavo. 17 Dhavhidhi akati kuna Mwari, “Handisini here ndakarayira kuti varwi vose vaverengwe? Ndini ndakatadza ndikaita zvakaipa, ava vanongova makwai chete. Vakaiteiko? Haiwa Jehovha, Mwari wangu, regai ruoko rwenyu ruwire pandiri ini nemhuri yangu, asi musarega denda iri riri pamusoro pavanhu venyu.” 18 Ipapo mutumwa waJehovha akarayira Gadhi kuti ataurire Dhavhidhi kuti akwire andovakira Jehovha aritari muburiro raArauna muJebhusi. 19 Saka Dhavhidhi akakwidza mukuteerera shoko rakanga rataurwa naGadhi muzita raJehovha. 20 Arauna paakanga achipura zviyo, akacheuka akaona mutumwa; vanakomana vake vana vaaiva navo vakanohwanda. 21 Ipapo Dhavhidhi akaswedera, uye Arauna paakatarisa akamuona, akasiya buriro akakotamira pasi pamberi paDhavhidhi akaisa chiso chake pasi. 22 Dhavhidhi akati kwaari, “Ndipewo nzvimbo yeburiro rako kuti ndigovakira Jehovha aritari, kuti denda riri pavanhu rimiswe. Nditengeserewo nomutengo waro wakazara.” 23 Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ritorei henyu! Ishe wangu mambo ngavaite zvinovafadza. Tarirai ndichakupai nzombe yezvibayiro zvinopiswa, matanda okupurisa dzive huni, uye zviyo zvive zvipiriso zvoupfu. Ndichakupai zvose izvi.” 24 Asi mambo Dhavhidhi akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kutenga nomutengo wakazara. Handingatori ndichipa Jehovha zvinhu zvako iwe kana kubayira chipiriso chinopiswa chandisina kuripira.” 25 Saka Dhavhidhi akaripira Arauna mashekeri mazana matanhatu egoridhe kuti apiwe nzvimbo iyi. 26 Dhavhidhi akavaka aritari kuna Jehovha ipapo uye akapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Akadana kuna Jehovha uye Jehovha akamupindura nomoto wakabva kudenga ukaenda paaritari yezvipiriso zvinopiswa. 27 Ipapo Jehovha akataurira mutumwa iye akadzorera munondo wake mumuhara wawo. 28 Panguva iyoyo Dhavhidhi paakaona kuti Jehovha akanga amupindura paburiro raArauna muJebhusi, akapa zvipiriso ipapo. 29 Tabhenakeri yaJehovha yakanga yagadzirwa naMozisi murenje. Nearitari yezvipiriso zvinopiswa zvakanga zviri panzvimbo yakakwirira paGibheoni panguva iyoyo. 30 Asi Dhavhidhi haaikwanisa kuenda pamberi payo kundobvunza Mwari nokuti aitya munondo womutumwa waJehovha.

In Other Versions

1 Chronicles 21 in the ANGEFD

1 Chronicles 21 in the ANTPNG2D

1 Chronicles 21 in the AS21

1 Chronicles 21 in the BAGH

1 Chronicles 21 in the BBPNG

1 Chronicles 21 in the BBT1E

1 Chronicles 21 in the BDS

1 Chronicles 21 in the BEV

1 Chronicles 21 in the BHAD

1 Chronicles 21 in the BIB

1 Chronicles 21 in the BLPT

1 Chronicles 21 in the BNT

1 Chronicles 21 in the BNTABOOT

1 Chronicles 21 in the BNTLV

1 Chronicles 21 in the BOATCB

1 Chronicles 21 in the BOATCB2

1 Chronicles 21 in the BOBCV

1 Chronicles 21 in the BOCNT

1 Chronicles 21 in the BOECS

1 Chronicles 21 in the BOGWICC

1 Chronicles 21 in the BOHCB

1 Chronicles 21 in the BOHCV

1 Chronicles 21 in the BOHLNT

1 Chronicles 21 in the BOHNTLTAL

1 Chronicles 21 in the BOICB

1 Chronicles 21 in the BOILNTAP

1 Chronicles 21 in the BOITCV

1 Chronicles 21 in the BOKCV

1 Chronicles 21 in the BOKCV2

1 Chronicles 21 in the BOKHWOG

1 Chronicles 21 in the BOKSSV

1 Chronicles 21 in the BOLCB

1 Chronicles 21 in the BOLCB2

1 Chronicles 21 in the BOMCV

1 Chronicles 21 in the BONAV

1 Chronicles 21 in the BONCB

1 Chronicles 21 in the BONLT

1 Chronicles 21 in the BONUT2

1 Chronicles 21 in the BOPLNT

1 Chronicles 21 in the BOSNC

1 Chronicles 21 in the BOTLNT

1 Chronicles 21 in the BOVCB

1 Chronicles 21 in the BOYCB

1 Chronicles 21 in the BPBB

1 Chronicles 21 in the BPH

1 Chronicles 21 in the BSB

1 Chronicles 21 in the CCB

1 Chronicles 21 in the CUV

1 Chronicles 21 in the CUVS

1 Chronicles 21 in the DBT

1 Chronicles 21 in the DGDNT

1 Chronicles 21 in the DHNT

1 Chronicles 21 in the DNT

1 Chronicles 21 in the ELBE

1 Chronicles 21 in the EMTV

1 Chronicles 21 in the ESV

1 Chronicles 21 in the FBV

1 Chronicles 21 in the FEB

1 Chronicles 21 in the GGMNT

1 Chronicles 21 in the GNT

1 Chronicles 21 in the HARY

1 Chronicles 21 in the HNT

1 Chronicles 21 in the IRVA

1 Chronicles 21 in the IRVB

1 Chronicles 21 in the IRVG

1 Chronicles 21 in the IRVH

1 Chronicles 21 in the IRVK

1 Chronicles 21 in the IRVM

1 Chronicles 21 in the IRVM2

1 Chronicles 21 in the IRVO

1 Chronicles 21 in the IRVP

1 Chronicles 21 in the IRVT

1 Chronicles 21 in the IRVT2

1 Chronicles 21 in the IRVU

1 Chronicles 21 in the ISVN

1 Chronicles 21 in the JSNT

1 Chronicles 21 in the KAPI

1 Chronicles 21 in the KBT1ETNIK

1 Chronicles 21 in the KBV

1 Chronicles 21 in the KJV

1 Chronicles 21 in the KNFD

1 Chronicles 21 in the LBA

1 Chronicles 21 in the LBLA

1 Chronicles 21 in the LNT

1 Chronicles 21 in the LSV

1 Chronicles 21 in the MAAL

1 Chronicles 21 in the MBV

1 Chronicles 21 in the MBV2

1 Chronicles 21 in the MHNT

1 Chronicles 21 in the MKNFD

1 Chronicles 21 in the MNG

1 Chronicles 21 in the MNT

1 Chronicles 21 in the MNT2

1 Chronicles 21 in the MRS1T

1 Chronicles 21 in the NAA

1 Chronicles 21 in the NASB

1 Chronicles 21 in the NBLA

1 Chronicles 21 in the NBS

1 Chronicles 21 in the NBVTP

1 Chronicles 21 in the NET2

1 Chronicles 21 in the NIV11

1 Chronicles 21 in the NNT

1 Chronicles 21 in the NNT2

1 Chronicles 21 in the NNT3

1 Chronicles 21 in the PDDPT

1 Chronicles 21 in the PFNT

1 Chronicles 21 in the RMNT

1 Chronicles 21 in the SBIAS

1 Chronicles 21 in the SBIBS

1 Chronicles 21 in the SBIBS2

1 Chronicles 21 in the SBICS

1 Chronicles 21 in the SBIDS

1 Chronicles 21 in the SBIGS

1 Chronicles 21 in the SBIHS

1 Chronicles 21 in the SBIIS

1 Chronicles 21 in the SBIIS2

1 Chronicles 21 in the SBIIS3

1 Chronicles 21 in the SBIKS

1 Chronicles 21 in the SBIKS2

1 Chronicles 21 in the SBIMS

1 Chronicles 21 in the SBIOS

1 Chronicles 21 in the SBIPS

1 Chronicles 21 in the SBISS

1 Chronicles 21 in the SBITS

1 Chronicles 21 in the SBITS2

1 Chronicles 21 in the SBITS3

1 Chronicles 21 in the SBITS4

1 Chronicles 21 in the SBIUS

1 Chronicles 21 in the SBIVS

1 Chronicles 21 in the SBT

1 Chronicles 21 in the SBT1E

1 Chronicles 21 in the SCHL

1 Chronicles 21 in the SNT

1 Chronicles 21 in the SUSU

1 Chronicles 21 in the SUSU2

1 Chronicles 21 in the SYNO

1 Chronicles 21 in the TBIAOTANT

1 Chronicles 21 in the TBT1E

1 Chronicles 21 in the TBT1E2

1 Chronicles 21 in the TFTIP

1 Chronicles 21 in the TFTU

1 Chronicles 21 in the TGNTATF3T

1 Chronicles 21 in the THAI

1 Chronicles 21 in the TNFD

1 Chronicles 21 in the TNT

1 Chronicles 21 in the TNTIK

1 Chronicles 21 in the TNTIL

1 Chronicles 21 in the TNTIN

1 Chronicles 21 in the TNTIP

1 Chronicles 21 in the TNTIZ

1 Chronicles 21 in the TOMA

1 Chronicles 21 in the TTENT

1 Chronicles 21 in the UBG

1 Chronicles 21 in the UGV

1 Chronicles 21 in the UGV2

1 Chronicles 21 in the UGV3

1 Chronicles 21 in the VBL

1 Chronicles 21 in the VDCC

1 Chronicles 21 in the YALU

1 Chronicles 21 in the YAPE

1 Chronicles 21 in the YBVTP

1 Chronicles 21 in the ZBP