1 John 3 (BOSCB)

1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. 2 Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. 3 Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena. 4 Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro. 5 Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi. 6 Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana kuti akamuziva. 7 Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama. 8 Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori. 9 Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari. 10 Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake. 11 Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana. 12 Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama. 13 Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. 14 Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu. 15 Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi. 16 Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu. 17 Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko? 18 Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi. 19 Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake 20 pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose. 21 Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari 22 uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza. 23 Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira. 24 Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.

In Other Versions

1 John 3 in the ANGEFD

1 John 3 in the ANTPNG2D

1 John 3 in the AS21

1 John 3 in the BAGH

1 John 3 in the BBPNG

1 John 3 in the BBT1E

1 John 3 in the BDS

1 John 3 in the BEV

1 John 3 in the BHAD

1 John 3 in the BIB

1 John 3 in the BLPT

1 John 3 in the BNT

1 John 3 in the BNTABOOT

1 John 3 in the BNTLV

1 John 3 in the BOATCB

1 John 3 in the BOATCB2

1 John 3 in the BOBCV

1 John 3 in the BOCNT

1 John 3 in the BOECS

1 John 3 in the BOGWICC

1 John 3 in the BOHCB

1 John 3 in the BOHCV

1 John 3 in the BOHLNT

1 John 3 in the BOHNTLTAL

1 John 3 in the BOICB

1 John 3 in the BOILNTAP

1 John 3 in the BOITCV

1 John 3 in the BOKCV

1 John 3 in the BOKCV2

1 John 3 in the BOKHWOG

1 John 3 in the BOKSSV

1 John 3 in the BOLCB

1 John 3 in the BOLCB2

1 John 3 in the BOMCV

1 John 3 in the BONAV

1 John 3 in the BONCB

1 John 3 in the BONLT

1 John 3 in the BONUT2

1 John 3 in the BOPLNT

1 John 3 in the BOSNC

1 John 3 in the BOTLNT

1 John 3 in the BOVCB

1 John 3 in the BOYCB

1 John 3 in the BPBB

1 John 3 in the BPH

1 John 3 in the BSB

1 John 3 in the CCB

1 John 3 in the CUV

1 John 3 in the CUVS

1 John 3 in the DBT

1 John 3 in the DGDNT

1 John 3 in the DHNT

1 John 3 in the DNT

1 John 3 in the ELBE

1 John 3 in the EMTV

1 John 3 in the ESV

1 John 3 in the FBV

1 John 3 in the FEB

1 John 3 in the GGMNT

1 John 3 in the GNT

1 John 3 in the HARY

1 John 3 in the HNT

1 John 3 in the IRVA

1 John 3 in the IRVB

1 John 3 in the IRVG

1 John 3 in the IRVH

1 John 3 in the IRVK

1 John 3 in the IRVM

1 John 3 in the IRVM2

1 John 3 in the IRVO

1 John 3 in the IRVP

1 John 3 in the IRVT

1 John 3 in the IRVT2

1 John 3 in the IRVU

1 John 3 in the ISVN

1 John 3 in the JSNT

1 John 3 in the KAPI

1 John 3 in the KBT1ETNIK

1 John 3 in the KBV

1 John 3 in the KJV

1 John 3 in the KNFD

1 John 3 in the LBA

1 John 3 in the LBLA

1 John 3 in the LNT

1 John 3 in the LSV

1 John 3 in the MAAL

1 John 3 in the MBV

1 John 3 in the MBV2

1 John 3 in the MHNT

1 John 3 in the MKNFD

1 John 3 in the MNG

1 John 3 in the MNT

1 John 3 in the MNT2

1 John 3 in the MRS1T

1 John 3 in the NAA

1 John 3 in the NASB

1 John 3 in the NBLA

1 John 3 in the NBS

1 John 3 in the NBVTP

1 John 3 in the NET2

1 John 3 in the NIV11

1 John 3 in the NNT

1 John 3 in the NNT2

1 John 3 in the NNT3

1 John 3 in the PDDPT

1 John 3 in the PFNT

1 John 3 in the RMNT

1 John 3 in the SBIAS

1 John 3 in the SBIBS

1 John 3 in the SBIBS2

1 John 3 in the SBICS

1 John 3 in the SBIDS

1 John 3 in the SBIGS

1 John 3 in the SBIHS

1 John 3 in the SBIIS

1 John 3 in the SBIIS2

1 John 3 in the SBIIS3

1 John 3 in the SBIKS

1 John 3 in the SBIKS2

1 John 3 in the SBIMS

1 John 3 in the SBIOS

1 John 3 in the SBIPS

1 John 3 in the SBISS

1 John 3 in the SBITS

1 John 3 in the SBITS2

1 John 3 in the SBITS3

1 John 3 in the SBITS4

1 John 3 in the SBIUS

1 John 3 in the SBIVS

1 John 3 in the SBT

1 John 3 in the SBT1E

1 John 3 in the SCHL

1 John 3 in the SNT

1 John 3 in the SUSU

1 John 3 in the SUSU2

1 John 3 in the SYNO

1 John 3 in the TBIAOTANT

1 John 3 in the TBT1E

1 John 3 in the TBT1E2

1 John 3 in the TFTIP

1 John 3 in the TFTU

1 John 3 in the TGNTATF3T

1 John 3 in the THAI

1 John 3 in the TNFD

1 John 3 in the TNT

1 John 3 in the TNTIK

1 John 3 in the TNTIL

1 John 3 in the TNTIN

1 John 3 in the TNTIP

1 John 3 in the TNTIZ

1 John 3 in the TOMA

1 John 3 in the TTENT

1 John 3 in the UBG

1 John 3 in the UGV

1 John 3 in the UGV2

1 John 3 in the UGV3

1 John 3 in the VBL

1 John 3 in the VDCC

1 John 3 in the YALU

1 John 3 in the YAPE

1 John 3 in the YBVTP

1 John 3 in the ZBP