1 Kings 21 (BOSCB)

1 Kwapera nguva yakati, pane imwe nyaya yakaitika pamusoro pomunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri. Munda wemizambiringa uyu waiva muJezireeri, pedyo nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria. 2 Ahabhu akati kuna Nabhoti, “Ndipe munda wako wemizambiringa kuti ndiuite bindu romuriwo, sezvo uri pedyo nomuzinda wangu. Ini ndichatsinhanhisa nokukupa munda wemizambiringa uri nani, kana kuti, kana uchida, ndichakuripa mari inoenderana nomutengo wawo.” 3 Asi Nabhoti akapindura akati, “Jehovha ngaazvirambidze kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” 4 Saka Ahabhu akaenda kumba akasuwa uye akashatirwa nokuti Nabhoti muJezireeri akanga ati, “Handisi kuzokupai nhaka yamadzibaba angu.” Akarara pamubhedha wake akazvidya mwoyo, akaramba kudya. 5 Jezebheri, mukadzi wake, akapindamo akamubvunza akati, “Sei makasuwa kudai? Sei musiri kudya?” 6 Akamupindura akati, “Nokuti ndati kuna Nabhoti muJezireeri, ‘Nditengesere munda wako wemizambiringa; kana kuti, kana uchida, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa kune imwe nzvimbo kuti, utsive uyu.’ Asi iye ati, ‘Handisi kuzokupai munda wangu wemizambiringa.’ ” 7 Jezebheri, mukadzi wake akati, “Izvi ndizvo here zvamunoita samambo weIsraeri? Simukai mudye! Faranukai. Ndichakuwanirai munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.” 8 Naizvozvo akanyora matsamba muzita raAhabhu, akadhinda chidhindo chake padziri, akadzitumira kuvakuru nokumachinda aaigara nawo muguta raNabhoti. 9 Mumatsamba aya akanyora akati:“Daidzirai zuva rokutsanya mugogadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. 10 Asi gadzai nhubu mbiri pakatarisana naye uye mugoita kuti dzipupure dzichiti akatuka Mwari namambo. Ipapo mutorei muende naye kunze mugomutaka namabwe kusvikira afa.” 11 Saka vakuru namachinda vaigara muguta raNabhoti vakaita sezvakanga zvarayirwa naJezebheri mumatsamba aakanga avanyorera. 12 Vakadaidzira zuva rokutsanya ndokugadzika Nabhoti panzvimbo yakakwirira pakati pavanhu. 13 Ipapo nhubu mbiri dzakauya dzikagara dzakatarisana naye dzikapomera Nabhoti mhosva pamberi pavanhu, dzichiti, “Nabhoti akatuka Mwari namambo.” Naizvozvo vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakamutaka namabwe kusvikira afa. 14 Ipapo vakatumira shoko kuna Jezebheri vachiti, “Nabhoti atakwa namabwe uye afa.” 15 Jezebheri paakangonzwa chete kuti Nabhoti akanga atakwa namabwe akafa, akati kuna Ahabhu, “Simukai muende mundotora munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri waakaramba kukutengeserai. Haachisiri mupenyu, asi afa.” 16 Ahabhu paakanzwa kuti Nabhoti akanga afa, akasimuka akaenda kundotora munda wemizambiringa waNabhoti. 17 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti, 18 “Buruka pasi undosangana naAhabhu mambo weIsraeri, uyo ari kutonga muSamaria. Iye zvino ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, waaenda kundotora. 19 Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Hauna here kuuraya munhu ukamutorera zvinhu zvake?’ Ipapo uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Panzvimbo yakananzvwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzva ropa rakowo ipapo, hongu, rako!’ ” 20 Ahabhu akati kuna Eria, “Saka wandiwanaka, muvengi wangu!”Akapindura akati, “Ndakuwana nokuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha. 21 ‘Ndichauyisa dambudziko guru pamusoro pako. Ndichaparadza vana vako ndigouraya murume wose weimba yaAhabhu muIsraeri, muranda neasiri muranda. 22 Ndichaita kuti imba yako ifanane neyaJerobhoamu mwanakomana waNebhati neyaBhaasha mwanakomana waAhija, nokuti waita kuti ndishatirwe uye waita kuti Israeri iite chivi.’ 23 “Zvino kana ari Jezebheriwo, Jehovha anoti: ‘Imbwa dzichadya Jezebheri pamasvingo eJezireeri.’ 24 “Imbwa dzichadya avo vaAhabhu vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira musango.” 25 Hapana kumbova nomunhu akaita saAhabhu, akazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naJezebheri mukadzi wake. 26 Akaita zvinonyangadza kwazvo nokutevera zvifananidzo, sezvakanga zvaitwa navaAmori, avo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 27 Ahabhu paakanzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga akatsanya. Akapfeka masaga akafamba achizvininipisa. 28 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Eria muTishibhi richiti, 29 “Waona here kuti Ahabhu azvininipisa sei pamberi pangu? Nokuti azvininipisa, handichauyisa dambudziko guru iri mumazuva ake, asi ndichariuyisa paimba yake mumazuva omwanakomana wake.”

In Other Versions

1 Kings 21 in the ANGEFD

1 Kings 21 in the ANTPNG2D

1 Kings 21 in the AS21

1 Kings 21 in the BAGH

1 Kings 21 in the BBPNG

1 Kings 21 in the BBT1E

1 Kings 21 in the BDS

1 Kings 21 in the BEV

1 Kings 21 in the BHAD

1 Kings 21 in the BIB

1 Kings 21 in the BLPT

1 Kings 21 in the BNT

1 Kings 21 in the BNTABOOT

1 Kings 21 in the BNTLV

1 Kings 21 in the BOATCB

1 Kings 21 in the BOATCB2

1 Kings 21 in the BOBCV

1 Kings 21 in the BOCNT

1 Kings 21 in the BOECS

1 Kings 21 in the BOGWICC

1 Kings 21 in the BOHCB

1 Kings 21 in the BOHCV

1 Kings 21 in the BOHLNT

1 Kings 21 in the BOHNTLTAL

1 Kings 21 in the BOICB

1 Kings 21 in the BOILNTAP

1 Kings 21 in the BOITCV

1 Kings 21 in the BOKCV

1 Kings 21 in the BOKCV2

1 Kings 21 in the BOKHWOG

1 Kings 21 in the BOKSSV

1 Kings 21 in the BOLCB

1 Kings 21 in the BOLCB2

1 Kings 21 in the BOMCV

1 Kings 21 in the BONAV

1 Kings 21 in the BONCB

1 Kings 21 in the BONLT

1 Kings 21 in the BONUT2

1 Kings 21 in the BOPLNT

1 Kings 21 in the BOSNC

1 Kings 21 in the BOTLNT

1 Kings 21 in the BOVCB

1 Kings 21 in the BOYCB

1 Kings 21 in the BPBB

1 Kings 21 in the BPH

1 Kings 21 in the BSB

1 Kings 21 in the CCB

1 Kings 21 in the CUV

1 Kings 21 in the CUVS

1 Kings 21 in the DBT

1 Kings 21 in the DGDNT

1 Kings 21 in the DHNT

1 Kings 21 in the DNT

1 Kings 21 in the ELBE

1 Kings 21 in the EMTV

1 Kings 21 in the ESV

1 Kings 21 in the FBV

1 Kings 21 in the FEB

1 Kings 21 in the GGMNT

1 Kings 21 in the GNT

1 Kings 21 in the HARY

1 Kings 21 in the HNT

1 Kings 21 in the IRVA

1 Kings 21 in the IRVB

1 Kings 21 in the IRVG

1 Kings 21 in the IRVH

1 Kings 21 in the IRVK

1 Kings 21 in the IRVM

1 Kings 21 in the IRVM2

1 Kings 21 in the IRVO

1 Kings 21 in the IRVP

1 Kings 21 in the IRVT

1 Kings 21 in the IRVT2

1 Kings 21 in the IRVU

1 Kings 21 in the ISVN

1 Kings 21 in the JSNT

1 Kings 21 in the KAPI

1 Kings 21 in the KBT1ETNIK

1 Kings 21 in the KBV

1 Kings 21 in the KJV

1 Kings 21 in the KNFD

1 Kings 21 in the LBA

1 Kings 21 in the LBLA

1 Kings 21 in the LNT

1 Kings 21 in the LSV

1 Kings 21 in the MAAL

1 Kings 21 in the MBV

1 Kings 21 in the MBV2

1 Kings 21 in the MHNT

1 Kings 21 in the MKNFD

1 Kings 21 in the MNG

1 Kings 21 in the MNT

1 Kings 21 in the MNT2

1 Kings 21 in the MRS1T

1 Kings 21 in the NAA

1 Kings 21 in the NASB

1 Kings 21 in the NBLA

1 Kings 21 in the NBS

1 Kings 21 in the NBVTP

1 Kings 21 in the NET2

1 Kings 21 in the NIV11

1 Kings 21 in the NNT

1 Kings 21 in the NNT2

1 Kings 21 in the NNT3

1 Kings 21 in the PDDPT

1 Kings 21 in the PFNT

1 Kings 21 in the RMNT

1 Kings 21 in the SBIAS

1 Kings 21 in the SBIBS

1 Kings 21 in the SBIBS2

1 Kings 21 in the SBICS

1 Kings 21 in the SBIDS

1 Kings 21 in the SBIGS

1 Kings 21 in the SBIHS

1 Kings 21 in the SBIIS

1 Kings 21 in the SBIIS2

1 Kings 21 in the SBIIS3

1 Kings 21 in the SBIKS

1 Kings 21 in the SBIKS2

1 Kings 21 in the SBIMS

1 Kings 21 in the SBIOS

1 Kings 21 in the SBIPS

1 Kings 21 in the SBISS

1 Kings 21 in the SBITS

1 Kings 21 in the SBITS2

1 Kings 21 in the SBITS3

1 Kings 21 in the SBITS4

1 Kings 21 in the SBIUS

1 Kings 21 in the SBIVS

1 Kings 21 in the SBT

1 Kings 21 in the SBT1E

1 Kings 21 in the SCHL

1 Kings 21 in the SNT

1 Kings 21 in the SUSU

1 Kings 21 in the SUSU2

1 Kings 21 in the SYNO

1 Kings 21 in the TBIAOTANT

1 Kings 21 in the TBT1E

1 Kings 21 in the TBT1E2

1 Kings 21 in the TFTIP

1 Kings 21 in the TFTU

1 Kings 21 in the TGNTATF3T

1 Kings 21 in the THAI

1 Kings 21 in the TNFD

1 Kings 21 in the TNT

1 Kings 21 in the TNTIK

1 Kings 21 in the TNTIL

1 Kings 21 in the TNTIN

1 Kings 21 in the TNTIP

1 Kings 21 in the TNTIZ

1 Kings 21 in the TOMA

1 Kings 21 in the TTENT

1 Kings 21 in the UBG

1 Kings 21 in the UGV

1 Kings 21 in the UGV2

1 Kings 21 in the UGV3

1 Kings 21 in the VBL

1 Kings 21 in the VDCC

1 Kings 21 in the YALU

1 Kings 21 in the YAPE

1 Kings 21 in the YBVTP

1 Kings 21 in the ZBP